Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Iva Nechivimbo Chekuti Tichaponeswa Pachaparadzwa Nyika Ino

Iva Nechivimbo Chekuti Tichaponeswa Pachaparadzwa Nyika Ino

Mwoyo murefu uri kuratidzwa naJehovha kuvanhu vari munyika wava pedyo kupera. Chitendero chenhema chichaparadzwa, nyika dzichabatana kuti dzirwise vanhu vaMwari, uye Jehovha achaparadza vakaipa paAmagedhoni. VaKristu vari kutarisira kuzoona zvinhu izvi zvinokosha zvichiitika.

Hatinyatsozivi hedu zvese zvichaitika pakutambudzika kukuru. Semuenzaniso, hatizivi kuti kuchatanga riini. Hatizivi kuti chii chichaita kuti vezvematongerwo enyika varwise zvitendero. Hatizivi kuti vanhu vaMwari vacharwiswa sei uye kuti kwenguva yakareba sei. Uyewo hatizivi kuti Jehovha achashandisa chii kuparadza vakaipa paAmagedhoni.

Asi Magwaro anotiudza zvese zvatinoda kuziva zvinotibatsira kuti tive nechivimbo uyewo neushingi mune ramangwana. Semuenzaniso, tinoziva kuti tiri kurarama kumapeto ‘kwemazuva ekupedzisira.’ (2Ti 3:1) Tinoziva kuti mazuva acharwiswa zvitendero “achatapudzwa” kuitira kuti chitendero chechokwadi chisaparadzwa. (Mt 24:22) Tinoziva kuti Jehovha achanunura vanhu vake. (2Pe 2:9) Tinozivawo kuti munhu akasarudzwa naJehovha kuti aparadze vakaipa paAmagedhoni oponesa boka guru, akarurama uye ane simba guru.—Zva 19:11, 15, 16.

Zvinhu zvichaitika mune ramangwana zvichaita kuti vanhu ‘vapere simba nekutya.’ Asi kuverenga uye kufungisisa nezvekuponesa kwakaita Jehovha vanhu vake kare uye zvaakataura nezveramangwana, kuchaita kuti ‘tisimuke, tosimudza misoro yedu,’ tichiziva kuti kununurwa kwedu kwava pedyo.—Ru 21:26, 28.