Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaitei Kuti Ndirege Kunyanya Kusuruvara?

Ndingaitei Kuti Ndirege Kunyanya Kusuruvara?

CHITSAUKO 13

Ndingaitei Kuti Ndirege Kunyanya Kusuruvara?

“Shamwari dzangu padzinotadza kutsungirira matambudziko, ndinodzibatsira kugadzirisa matambudziko adzo ndoita kuti dzinzwe zvakanaka. Asi vanhu vakawanda havazivi kuti pandinoenda kumba ndinopinda muimba yangu ndochema.”—Kellie.

“Pandinenge ndakaora mwoyo, ndinogara ndiri ndega. Pandinokokwa nevamwe, ndinotsvaga zvikonzero zvokuti ndisaenda. Ndinogona kuita kuti vomumhuri mangu vasaona kuti ndakasuruvara. Vanofunga kuti zviri kundifambira zvakanaka.”—Rick.

WAKAMBOVAWO nepfungwa dzakafanana nedzaKellie kana kuti Rick here? Kana zvakadaro, usakurumidza kuti pane zvisina kumira zvakanaka pauri. Chokwadi ndechokuti munhu wose anosuruvara apo neapo. Kunyange varume nevakadzi vakatendeka vemuBhaibheri vakadaro.—1 Samueri 1:6-8; Pisarema 35:14.

Dzimwe nguva unogona kuziva zvinenge zvaita kuti usuruvare; dzimwe nguva ungasazviziva. Anna ane makore 19 anoti, “Hazvirevi hazvo kuti unosuruvara chete kana waomerwa noupenyu. Unogona kusuruvara chero nguva kunyange usina kana dambudziko muupenyu hwako. Hazvitsananguriki, asi zvinoitika!”

Pasinei nokuti zvii zvakakonzera—kunyange zvichiita sezvisipo—ungaitei kana wanyanya kusuruvara? Edza kuita zvinotevera:

1. Taura nezvazvo. Paaishushikana mupfungwa, Jobho akati: “Ndichataura mweya wangu uchirwadziwa!”—Jobho 10:1.

Kellie anoti: “Pashure pokutaura nemumwe munhu ndinonzwa ndarerukirwa zvinoshamisa. Pakupedzisira, mumwe munhu anenge aziva dambudziko rangu. Anogona kudzikisa tambo ondibudisa kubva mugombandinenge ndapona!”

Zvaungaita: Pasi apa nyora zita reshamwari yaungataura nayo kana wanyanya kusuruvara.

․․․․․

2. Nyora nezvazvo. Kana kusuruvara kwaita kuti usava netariro muupenyu, ungada kuedza kunyora papepa manzwiro auri kuita. Mumapisarema ake akafuridzirwa, dzimwe nguva Dhavhidhi aitaura nezvekusuruvara kwakanyanya kwaaiita. (Pisarema 6:6) Kunyora nezvemanzwiro akadaro kungakubatsira kuti ‘uchengetedze uchenjeri hunobatsira nemano okufunga.’—Zvirevo 3:21.

Heather anoti: “Kusuruvara kunoita kuti nditadze kuronga pfungwa dzangu asi kunyora kunondibatsira kudzironga. Paunonyora nezvemanzwiro ako wonzwisisa kuti nei uri kunzwa saizvozvo, kusuruvara kwacho kunobva kwati dzikirei.”

Zvaungaita: Shandisa chati iri  papeji 93 kuti ikubatsire kuwana nzira dziri nani dzekukurira mamiriro ezvinhu akaoma. Izvi zvichakubatsira kuti uderedze kusuruvara.

3. Nyengetera nezvazvo. Bhaibheri rinoti kana ukanyengetera pamusoro pezvinokunetsa, ‘rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo wako nesimba rako rokufunga.’—VaFiripi 4:6, 7.

Esther anoti: “Ndaiedza kuziva kuti nei ndainzwa kusuruvara zvikuru, asi ndaitadza. Ndakakumbira Jehovha kuti andibatsire kuti ndifare. Zvaindivhiringidza kuti ndaisuruvara pasina chikonzero. Pakupedzisira zvokusuruvara zvakapera. Usarerutsa simba remunyengetero!”

Zvaungaita: Gara uchishandisa pfungwa dziri pana Pisarema 139:23, 24 paunonyengetera kuna Jehovha. Durura mwoyo wako uye mukumbire kuti akubatsire kuziva zviri kuita kuti usuruvare.

Kuwedzera pamazano ari pamusoro apa, pane zvinokosha zvaunogona kuwana muShoko raMwari, Bhaibheri. Kuzadza pfungwa dzako nemashoko anovaka anowanika munyaya dziri muBhaibheri kunogona kuita kuti unzwe zvakanaka. (Pisarema 1:1-3) Mazano ekuti uverenge Bhaibheri zvinovaka anogona kuwanika mumapeji akanzi “Muenzaniso Wokutevedzera” ari mubhuku 1 ne2. Papeji 227 yeBhuku 2, uchatoona kuti muapostora Pauro akabudirira sei pakukurira manzwiro asina kunaka aaimboita nemhaka yokusakwana.

Kana Ukaramba Uchingonzwa Wakasuruvara

Ryan anoti, “Mamwe mazuva ndinonzwa sokuti zviri nani kuramba ndiri mumagumbezi pane kumuka ndotarisana nezuva risina zvarinobatsira.” Ryan anonetseka nekuora mwoyo kunoda kurapwa uye haasiye oga. Vanoongorora vanoti anenge wechiduku mumwe chete pavana voga voga anonetseka nerumwe rudzi rwokuora mwoyo asati asvika pakuva munhu mukuru.

Ungaziva sei kuti uri kunetseka nekuora mwoyo? Zvimwe zviratidzo zvinosanganisira kukwindimara zvikuru, kungozviita zindoga, kusangonzwa usingachanyanyi kufarira kuita zvinenge zvinhu zvose hazvo, kuchinja zvikuru pamadyiro aunoita uye kurara zvisina kutsarukana uye kunzwa uine mhosva yausina.

Ichokwadi kuti anenge munhu wose anombova nezviratidzo izvi pane dzimwe nguva. Asi kana zviratidzo izvi zvikaramba zviripo kwevhiki dzakati wandei, wadii kumbotaura nevabereki vako nezvekuonekwa nachiremba? Chiremba anogona kukubatsira kuona kana kusuruvara kwako kuchida kurapwa. *

Hapana chinonyadzisa kana uchitambura nokuora mwoyo kunoda kurapwa. Pavakarapwa, vakawanda vaitambura nokuora mwoyo vakatanga kunzwa zviri nani, zvimwe sezvavaiita kare vasina chaimbovanetsa! Kana kusuruvara kwako kuchikonzerwa nokuora mwoyo kana kuti kwete, yeuka mashoko anonyaradza ePisarema 34:18 anoti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Ko kana waremerwa nokusuruvara kwako zvokuti wabva wafunga kuzviuraya?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 22 Kana kusuruvara kukaramba kuripo, vamwe vechiduku vanofunga nezvokuzviuraya. Kana wafunga nezvokuzviuraya, kurumidza kutaura nemumwe munhu mukuru waunovimba naye.—Kuti uwane mamwe mashoko, ona Chitsauko 14 chebhuku rino.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”—Pisarema 34:18.

ZANO

Tsanangura manzwiro aunoita paunenge wakasuruvara uye zvaunofunga kuti zvii zvingave zvakonzera kuti usuruvare. Papera mwedzi, verenga zvawakanyora. Manzwiro ako panyaya yacho achinja here? Kana zvakadaro, nyora zvakakubatsira.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Hapana chakaipa nokuchema kunyange uri mukomana. Pane imwe nguva muupenyu hwake, Mambo Dhavhidhi akati: “Usiku humwe nohumwe; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi yangu, ndinonyorozva mutsago nokuchema.”—Pisarema 6:6, Bhaibheri Rinoera.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndinzwe zviri nani, ndinogona kuita zvinotevera: ․․․․․

Kuva pamwe chete neshamwari dzinotevera kuchandibatsira kuderedza kusuruvara: ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kusvimha misodzi kune zvakunobatsira here?

● Kuva nevamwe kunokubatsira sei paunenge wakasuruvara?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 96]

Pandinenge ndakasuruvara, handidi kuzviita zindoga. Ichokwadi kuti ndinomboda kuva ndoga ndichinyatsofungisisa uye dzimwe nguva ndosvimha misodzi. Asi pashure pacho, ndinoda kuva pane vamwe kuti ndisarambe ndichifunga zvanga zvichiita kuti ndisuruvare.’’—Christine

[Chati/Mifananidzo iri papeji 93]

 Pepa Rokuongorora

Kuti Uderedze Kusuruvara Kwako

Zadza chati ino

Chiitiko

Mudzidzisi anoita kuti ndinzwe sendisingabatsiri

Maitiro Asina Kunaka

Ndinorega kuva nehanya nechidzidzo

Maitiro Ari Nani

Kuruma nzeve: Ona Chitsauko 20

ichocho chebhuku rino

Chiitiko

Shamwari inondipira gotsi

Maitiro Asina Kunaka

Ndinoparadzira makuhwa akaipa nezvemunhu wacho

Maitiro Ari Nani

Kuruma nzeve: Ona Chitsauko 10

Chiitiko

Vabereki vangu vari kurambana

Maitiro Asina Kunaka

Ndinoramba ndakagumbukira mubereki wangu

Maitiro Ari Nani

Kuruma nzeve: Ona Chitsauko 4

Chiitiko

․․․․․

Maitiro Asina Kunaka

․․․․․

Maitiro Ari Nani

․․․․․

Chiitiko

․․․․․

Maitiro Asina Kunaka

․․․․․

Maitiro Ari Nani

․․․․․

[Mufananidzo uri papeji 95]

Kana ukabatsirwa uye uchivawo nezvaunoita, unogona kubuda mugomba rakadzika rokusuruvara