Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 2

Sei Tichinzi Zvapupu zvaJehovha?

Sei Tichinzi Zvapupu zvaJehovha?

Noa

Abrahamu naSara

Mozisi

Jesu Kristu

Vanhu vakawanda vanofunga kuti Zvapupu zvaJehovha chitendero chitsva. Asi makore 2 700 akapfuura vashumiri vaMwari mumwe chete wechokwadi vainzi “zvapupu” zvake. (Isaya 43:10-12) Taimboshevedzwa kuti Vadzidzi veBhaibheri, asi takazochinja muna 1931. Sei takatanga kunzi Zvapupu zvaJehovha?

Izita rinozivisa nezvaMwari wedu. Muzvinyorwa zvekare zveBhaibheri, zita raMwari rekuti Jehovha rinowanika kane zviuru. MumaBhaibheri akawanda zita iri rakatsiviwa nemazita ekuremekedza akadai seekuti Ishe kana kuti Mwari. Asi Mwari wechokwadi akaudza Mozisi zita rake chairo rekuti Jehovha, achibva ati: “Iri ndiro zita rangu nekusingaperi.” (Eksodho 3:15) Zita iri rinomusiyanisa nevamwe vanamwari vese venhema. Tinodada nekudanwa nezita raMwari dzvene.

Izita rinoratidza basa redu. Vanhu vakawanda vekare, kutangira pana Abheri uyo ainge akarurama, vakapa uchapupu hwekutenda kwavo muna Jehovha. Vamwe vanhu vaivawo ‘pagore iroro guru rezvapupu’ ndiNoa, Abrahamu, Sara, Mozisi, Dhavhidhi, nevamwewo. (VaHebheru 11:4-12:1) Sezvinongoita munhu anopa uchapupu mudare achimiririra munhu asina mhosva, isu hatiregi kuzivisa chokwadi pamusoro paMwari.

Tiri kutevedzera Jesu. Bhaibheri rinomuti “chapupu chakatendeka uye chechokwadi.” (Zvakazarurwa 3:14) Jesu pachake akati ‘akazivisa zita raMwari’ uye akaramba ‘achipupura chokwadi’ pamusoro paMwari. (Johani 17:26; 18:37) Saka vateveri vechokwadi vaKristu vanofanira kuzivikanwa nezita raJehovha uye kurizivisa vanhu. Zvapupu zvaJehovha zviri kushanda nesimba kuti zvidaro.

  • Chii chakaita kuti Vadzidzi veBhaibheri vatange kushandisa zita rekuti Zvapupu zvaJehovha?

  • Jehovha ava nenguva yakareba sei aine zvapupu panyika?

  • Ndiani Chapupu chaJehovha chikuru pane zvese?