Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 3

Kurwadziswa Nemumwe Munhu—Kana Tiine ‘Chikonzero Chokunyunyuta’

Kurwadziswa Nemumwe Munhu—Kana Tiine ‘Chikonzero Chokunyunyuta’

“Imwe hanzvadzi yemuungano medu yakandipomera kuti ndakanga ndaibira mari. Vamwe vanhu vemuungano pavakazvinzwa, vakabva vapindira munyaya yacho. Akazondiudza kuti akanga awana mamwe mashoko airatidza kuti ndakanga ndisina mhosva. Kunyange zvazvo akakumbira ruregerero, zvaakaita zvakandirwadza zvekuti ndakafunga kuti handife ndakamukanganwira.”—Linda.

ZVAKAITIKA kuna Linda, zvekurwadziswa nemumwe munhu waainamata naye zvakamboitikawo kwauri here? Zvinosuwisa kuti vamwe vakavhiringidzwa nezvavakaitirwa nevamwe zvekuti vakabva varega kunamata. Ndizvo zvawakaitawo here?

Pane ‘Angatiparadzanisa Norudo rwaMwari’ Here?

Ichokwadi kuti zvinogona kutiomera kukanganwira mumwe munhu watinonamata naye anenge atirwadzisa. Tinenge tisingatarisiri kurwadziswa nekuti vaKristu vanofanira kudanana. (Johani 13:34, 35) Kana tatadzirwa nemunhu watinonamata naye, zvinotiodza mwoyo uye zvinorwadza zvikuru.—Pisarema 55:12.

Ichokwadi kuti Bhaibheri rinoratidza kuti pane dzimwe nguva muKristu anogona kuva ‘nechikonzero chokunyunyutira’ mumwe wake. (VaKorose 3:13) Kunyange zvakadaro, pazvinozoitika kwatiri zvinogona kutiomera kuzvitambira. Pane chingatibatsira here? Ona pfungwa nhatu idzi dzemuMagwaro:

Baba vedu vekudenga vanoziva zvose zviri kuitika. Jehovha anoona zvinhu zvose, kusanganisira kurwadziswa kwatingaitwa nemumwe munhu. (VaHebheru 4:13) Anorwadziwawo patinenge tichitambura. (Isaya 63:9) Haambobvumiri “kutambura kana nhamo,” kana kuti kunyange mumwe mushumiri wake kuti ‘atiparadzanise norudo rwaMwari.’ (VaRoma 8:35, 38, 39) Saka hatifaniri kubvumira chero chinhu chipi zvacho kana kuti ani zvake kuti atiparadzanise naJehovha.

Kukanganwira munhu hakurevi kuti tiri kuti zvaaita zvakanaka. Kana tikakanganwira vanhu vanenge vatitadzira, hakusi kuti tinenge tichiti havana kukanganisa kana kuti tiri kufarira zvavaita. Yeuka kuti Jehovha anovenga chivi, asi anokanganwira kana paine chikonzero chekuti adaro. (Pisarema 103:12, 13; Habhakuki 1:13) Paanotikurudzira kuti tikanganwire vamwe, Jehovha anenge achitotiudza kuti timutevedzere. Haarambi “akatsamwa nokusingagumi.”—Pisarema 103:9; Mateu 6:14.

Kana tikachengeta chigumbu, tinenge tichizvirwadzisa. Nei tichidaro? Chimbofungidzira izvi: Wakabata dombo, zvimwe risinganyanye kurema haro, wotambanudza ruoko rwako wakaribata kudaro. Kuzviita kwenguva pfupi kungasakuremera. Asi, ko kana ukazoramba wakangodaro kwenguva yakareba? Zviri pachena kuti ruoko rwako rwunopedzisira rwava kurwadza. Hakusi kuti uremu hwedombo iroro hunenge hwachinja. Chiripo ndechekuti kuramba wakaribata kudaro ndiko kwaita kuti riwedzere kukuremera. Ndizvo zvinoitikawo kana tikachengeta chigumbu. Patinoramba takachengeta chigumbu, kunyange panyaya duku duku, tinotowedzera kuzvirwadzisa. Ndosaka Jehovha achitikurudzira kuti tisachengete chigumbu. Kukanganwira kunotobatsira isu.—Zvirevo 11:17.

Kana tikachengeta chigumbu, tinenge tichizvirwadzisa

“Ndakanzwa Sekuti Jehovha Pachake Ndiye Aitaura Neni”

Chii chakabatsira Linda kuti asarambe akagumbukira mumwe waanonamata naye? Chimwe chakamubatsira kwaiva kufungisisa zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekukanganwira. (Pisarema 130:3, 4) Linda akakurudzirwa nekuziva kuti patinokanganwira vamwe, Jehovha anobva atikanganwirawo. (VaEfeso 4:32–5:2) Achitaura nezvekubatsirwa kwaakaitwa nepfungwa iyi, anoti: “Ndakanzwa sekuti Jehovha pachake ndiye aitaura neni.”

Linda akazopedzisira asisina chigumbu nehanzvadzi iya. Akanyatsoiregerera uye iye zvino vatova shamwari dzepedyo. Linda ava kuenderera mberi nekushumira Jehovha. Iva nechokwadi chekuti Jehovha anoda kukubatsirawo kuti uite saizvozvo.