Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 19

Basa Rekuvaka Rinokudza Jehovha

Basa Rekuvaka Rinokudza Jehovha

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Basa rekuvaka remunyika yose rinoita kuti zvinhu zvine chekuita neUmambo zvifambire mberi

1, 2. (a) Vanhu vaJehovha vagara vachifarira kuitei? (b) Jehovha anokoshesa chii?

 VASHUMIRI vaJehovha vakavimbika vakabvira kare vachifarira kuvaka zvivako zvinokudza zita rake. Somuenzaniso, vaIsraeri vakavaka tebhenekeri nechido uye vakapa zvinhu zvaidiwa pakuivaka nemwoyo wose.—Eks. 35:30-35; 36:1, 4-7.

2 Zvinhu zvinoshandiswa pakuvaka handizvo zvinonyanya kukudza Jehovha kana kuti zvaanokoshesa. (Mat. 23:16, 17) Chipo chinonyanya kukosheswa naJehovha, chinomukudza kupfuura zvimwe zvose, kunamatwa kwaanoitwa nevashumiri vake, kusanganisira chido chavo chekushingaira kuita basa rake. (Eks. 35:21; Mako 12:41-44; 1 Tim. 6:17-19) Pfungwa iyi inokosha. Nei? Nekuti zvivako zvinozoparara. Somuenzaniso, tebhenekeri netemberi hazvisisiko. Asi kunyange zvazvo zvivako izvozvo zvakaparara, Jehovha haana kukanganwa rupo uye kushanda nesimba kwevashumiri vake vakavimbika avo vakatsigira basa rekuzvivaka.—Verenga 1 VaKorinde 15:58; VaHebheru 6:10.

3. Tichakurukurei muchitsauko chino?

3 Vashumiri vaJehovha vemazuva ano vakashandawo nesimba pakuvaka dzimba dzekunamatira. Uye zvatakakwanisa kuita tichitungamirirwa naMambo Jesu Kristu zvinoshamisa zvechokwadi! Zviri pachena kuti Jehovha akakomborera basa redu. (Pis. 127:1) Muchitsauko chino, tichaongorora rimwe rebasa rakaitwa uye kuti rakakudza sei Jehovha. Tichanzwawo zvakataurwa nevamwe vakaita basa iri.

Kuvaka Dzimba dzoUmambo

4. (a) Nei tichida zvivako zvakawanda zvekunamatira? (b) Chii chakaita kuti mamwe mahofisi emapazi azobatanidzwa? (Ona bhokisi rakanzi “ Kuvaka Mapazi Zvinoenderana Nekuchinja Kwezvinhu.”)

4 Sezvakakurukurwa muChitsauko 16, Jehovha anoda kuti tiungane tichinamata. (VaH. 10:25) Misangano yedu inosimbisa kutenda uye inotibatsirawo kuva nechido chakasimba chekuparidza. Mazuva ekupedzisira zvaanopindana, Jehovha ari kuramba achiita kuti basa iroro rikurumidze kuitwa. Izvi zviri kuita kuti mazana ezviuru zvevanhu auye musangano rake gore negore. (Isa. 60:22) Kuwanda kuri kuita vanhu vanotongwa neUmambo kuri kuitawo kuti padiwe nzvimbo dzakawanda dzinodhinda mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Panenge pava kudiwawo nzvimbo dzekunamatira dzakawanda.

5. Nei zita rokuti Imba yoUmambo rakakodzera? (Onawo bhokisi rakanzi “ Chechi yeChiedza Chitsva.”)

5 Mazuva ekutanga-tanga munhoroondo yevanhu vaJehovha vemazuva ano, Vadzidzi veBhaibheri vakatanga kuona zvakakodzera kuva nenzvimbo dzekunamatira dzavo pachavo. Kunenge kuti nzvimbo yekunamatira yakatanga kuvakwa yaiva kuWest Virginia, U.S.A., muna 1890. Pakazosvika ma1930, vanhu vaJehovha vakanga vavaka kana kuti kugadziridza dzimba dzekunamatira dzakati kuti, asi nzvimbo idzodzo dzakanga dzisati dzava nezita rinodzisiyanisa nedzimwe. Zvisinei, muna 1935, Hama Rutherford vakashanya kuHawaii, kwakanga kuchivakwa imba yekunamatira pamwe nemahofisi matsva ebazi. Pavakabvunzwa kuti imba yacho inofanira kunzi chii, Hama Rutherford vakapindura kuti: “Hamufungi here kuti tinofanira kuiti ‘Imba yoUmambo,’ sezvo zviri izvo zvatiri kuita, kuparidza mashoko akanaka eUmambo?” (Mat. 24:14) Zita iroro rakakodzera harina kuzongopiwa imba iyoyo chete asi rakazopiwa dzimwe dzimba dzekunamatira dzinoshandiswa neungano dzevanhu vaJehovha pasi pose.

6, 7. Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo dzinovakwa munguva pfupi kwakapa uchapupu hwakadii?

6 Pakazosvika ma1970, Dzimba dzoUmambo dzaidiwa dzakanga dzichiwedzera nekukurumidza. Saka hama dzaiva kuUnited States dzakatanga nzira inotora mazuva mashomanana yekuvaka dzimba dzakanaka. Pakazosvika 1983, Dzimba dzoUmambo dzakadai dzingasvika 200 dzakanga dzavakwa muUnited States nemuCanada. Kuti dziite basa racho, hama dzakatanga kuronga matare ekuvaka emunharaunda. Nzira iyi yakabudirira zvokuti muna 1986 Dare Rinotungamirira rakaita kuti urongwa hwacho huchinyatsoshandiswa, uye pakazosvika 1987 pakanga pava neMakomiti Ekuvaka Emunharaunda 60 muUnited States. a Pakazosvika 1992, makomiti aya akanga atangwawo muArgentina, Australia, France, Germany, Japan, Mexico, South Africa, nemuSpain. Hama dzinoshanda nesimba pakuvaka Dzimba dzoUmambo neDzimba Dzemagungano zvechokwadi dzakakodzera kutsigirwa nokuti basa radzinoita ibasa dzvene.

7 Dzimba dzoUmambo idzi dzinovakwa munguva pfupi dzakapa uchapupu hwakazonaka munharaunda. Somuenzaniso rimwe pepanhau rekuSpain, raiva nemusoro waiti “Kutenda Kunofambisa Makomo.” Richitaura nezvekuvakwa kweImba yoUmambo yakadaro muguta reMartos, pepanhau racho rakabvunza kuti: “Zvinofamba sei kuti munyika ino ine vanhu vanongozvifunga, tiri kuona vanhu vachizvipira kubva kunzvimbo dzakasiyana-siyana [muSpain] vachiuya kuMartos pasina chavanowana, kuzovaka imba yakurumidza kupera kupfuura dzimwe dzose asi yakanaka uye ichivakwa zvakarongeka?” Nyaya yacho yakapindura mubvunzo wacho nekutaura mashoko echimwe Chapupu chakazvipira kuvaka: “Zvinongobva pakuti tiri vanhu vanodzidziswa naJehovha.”

Kuvaka Munyika Dzisina Kupfuma

8. Muna 1999, urongwa hupi hutsva hwakabvumirwa neDare Rinotungamirira, uye nechikonzero chei?

8 Makore ekuma1900 ava kupera, vanhu vakanga vari kuita kudirana kusangano raJehovha munyika dzine hama dzisina kupfuma. Ungano dzemunyika idzi dzakaitawo zvadzaigona kuti dzivake dzimba dzekunamatira. Asi mune dzimwe nyika, vaifanira kutsungirira kusekwa nekutarisirwa pasi nekuti Dzimba dzoUmambo dzavaivaka dzakanga dzakasaririra padzaienzaniswa nezvimwe zvivako zvekunamatira. Zvisinei, kutanga muna 1999, Dare Rinotungamirira rakapa mvumo yekuti basa rekuvaka Dzimba dzoUmambo rikurumidziswe munyika dzichiri kusimukira. Mari dzaibva kunyika dzakabudirira dzakashandiswa kuitira kuti pave “nezvinhu zvakaenzana.” (Verenga 2 VaKorinde 8:13-15.) Uye hama nehanzvadzi dzinobva kune dzimwe nyika dzakazvipira kubatsira pabasa racho.

9. Ibasa ripi raiita serakaoma, asi chii chakazoitika?

9 Pakutanga basa racho raiita serakaoma. Muna 2001 pakaonekwa kuti Dzimba dzoUmambo dzinopfuura 18 300 dzakanga dzichidiwa munyika 88 dzichiri kusimukira. Asi nekutsigirwa kwatinoitwa nemudzimu waMwari uye naMambo wedu Jesu Kristu, hapana chinokona. (Mat. 19:26) Mumakore 15 chete, kubva muna 1999 kusvika muna 2013, vanhu vaMwari vakanga vavaka Dzimba dzoUmambo 26 849 pasi pechirongwa ichi. b Jehovha anoramba achikomborera basa rekuparidza, zvokuti muna 2013 pakanga pachiri kudiwa dzimwe Dzimba dzoUmambo dzinosvika 6 500 munyika idzi, uye pari zvino mamwe mazana ari kuramba achidiwa gore negore.

Vanovaka Dzimba dzoUmambo munyika dzisina kupfuma vanosangana nematambudziko asina kujairika

10-12. Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo kwakakudza sei zita raJehovha?

10 Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo idzodzo kwakakudza sei zita raJehovha? Bazi reZimbabwe rakataura kuti: “Pasina kana mwedzi kubva panopera kuvakwa Imba yoUmambo, vanhu vanopinda misangano vanowanzopetwa nekaviri.” Munyika dzakawanda, zvinoita sekuti vanhu havadi kunamata nesu kusvikira tava nenzvimbo yakanaka yekunamatira. Asi kana pakangovakwa Imba yoUmambo, inokurumidza kuzara zvokuti panenge pava kutodiwa imwe. Zvisinei, kunaka kwayakaita hakusiriko chete kunoita kuti vanhu vauye kuna Jehovha. Rudo rwechokwadi runoratidzwa nevaKristu vanovaka dzimba idzi runochinjawo maonero anoita vanhu sangano raJehovha. Ngatimboonei mimwe mienzaniso.

11 Indonesia. Mumwe murume akanga achicherechedza Imba yoUmambo ichivakwa paakaziva kuti vanhu vaishandapo vaizvipira kushanda vasingabhadharwi, akati: “Vanhu imika, munoshamisa! Ndanga ndichiona kuti mumwe nemumwe anoshanda achifara, kunyange zvazvo musingabhadharwi. Handifungi kuti pane imwe chechi yakaita seyenyu!”

12 Ukraine. Mumwe mukadzi aipfuura nepaivakwa Imba yoUmambo zuva nezuva akangopedzisira aona ega kuti vashandi vacho vaiva Zvapupu zvaJehovha zvaivaka Imba yoUmambo. Akati: “Ndakanzwa nezveZvapupu zvaJehovha nemunin’ina wangu uyo ava Chapupu. Pandaicherechedza basa iri rekuvaka, ndakasarudza kuti ndinoda kuva mumhuri iyi. Iye zvino ndava kuona chinonzi rudo.” Mukadzi uyu akabvuma kudzidza Bhaibheri uye akabhabhatidzwa muna 2010.

13, 14. (a) Wadzidzei pane zvakaitwa nemumwe murume nemudzimai wake pavakaona basa raiitwa paivakwa Imba yoUmambo? (b) Ungaitawo sei kuti nzvimbo yamunonamatira ikudze zita raJehovha?

13 Argentina. Mumwe murume nemudzimai wake vakasvika paiva neimwe hama yaitungamirira kuvakwa kweImba yoUmambo. Murume wacho akati, “Tanga tichikucherechedzai pamanga muchishanda, uye . . . tasarudza kuti tinoda kudzidza nezvaMwari munzvimbo ino.” Akazobvunza kuti, “Tingaita sei kuti tibvumirwewo kupinda misangano pano?” Mhuri yacho yakabvunzwa kana yaida kudzidza Bhaibheri, asi vakati vaizobvuma chete kana vaizodzidziswa pamwe nemhuri yavo yose. Hama dzakafara nazvo dzikati dzaizovadzidzisa.

14 Unogona kunge usina kuwana chikomborero chekuvaka Imba yoUmambo yauri kupindira, asi pane zvakawanda zvaunogonawo kuita kuti ive nzvimbo inokudza zita raJehovha. Somuenzaniso, unogona kukoka nemwoyo wose vanhu vaunodzidza navo Bhaibheri, vanhu vaunodzokera kunoona nevamwe veruzhinji kuti vapinde newe misangano paImba yoUmambo. Une mukanawo wekubatsira pakuita kuti imba yamunonamatira igare yakachena uye zvinhu zviripo zvichishanda zvakanaka. Kana ukaisa mari parutivi, unogona kubatsira nemupiro wekugadziridza Imba yoUmambo yaunoshandisa kana kuti wekubatsira kuvaka nzvimbo dzekunamatira dziri mune dzimwe nyika. (Verenga 1 VaKorinde 16:2.) Mabasa ose aya anowedzera kukudza zita raJehovha.

Vashandi Vanozvipa “Nomwoyo Unoda”

15-17. (a) Ndivanaani vanoita basa rakawanda rekuvaka? (b) Wadzidzei pane zvakataurwa nevarume nemadzimai avo vakashanda pamabasa ekuvaka munyika dzakawanda?

15 Basa rakawanda rinoitwa pakuvaka Dzimba dzoUmambo, Dzimba Dzemagungano, uye mahofisi emapazi rinoitwa nehama nehanzvadzi dzemunzvimbo inenge ichivakwa. Asi vanowanzobatsirwa nehama nehanzvadzi dzinobva kune dzimwe nyika dzine ruzivo rwekuvaka. Vamwe vakadaro vakaronga zvinhu zvavo kuitira kuti vashande pamabasa anoitwa mune dzimwe nyika kwemavhiki akati wandei. Vamwe vakazvipira kushumira kwemakore akawanda, vachibva pane rimwe basa rekuvaka vachienda pane rimwe.

Timo naLina Lappalainen (Ona ndima 16)

16 Basa rekuvaka munyika dzakawanda rine matambudziko aro, asi rinewo makomborero akawanda. Somuenzaniso, Timo naLina, vakaenda kunyika dziri kuAsia, Europe, neSouth America vachinovaka Dzimba dzoUmambo, Dzimba Dzemagungano, uye mahofisi emapazi. Timo anoti, “Kwemakore 30 apfuura, kazhinji kacho ndanga ndisingaiti makore maviri ndiri pabasa rimwe chete.” Lina, uyo akaroorwa naTimo makore 25 adarika anoti: “Ndakashanda naTimo munyika gumi. Hazvisi nyore kuti ukwanise kujairana nezvekudya zvitsva, mamiriro ekunze matsva, mutauro mutsva, ndima yekuparidza itsva uye kuita shamwari itsva.” c Asi kushandira zviripo here? Lina anoti: “Matambudziko iwayo akaita kuti tive nemakomborero akawanda. Hama dzechiKristu dzaitigamuchira dzichiratidza kuti dzinotida uye takaona kuti Jehovha anotida. Takaonawo kuzadziswa kwevimbiso yaJesu yaakaudza vadzidzi vake, yakanyorwa pana Mako 10:29, 30. Takawana vanun’una, hanzvadzi navanaamai vakapetwa nezana musangano.” Timo anoti, “Tinogutsikana zvikuru kushandisa ruzivo rwatiinarwo kuzadzisa chinangwa chakanakisisa, tichibatsira pakuwedzera kwezvinhu zvaMambo.”

17 Darren naSarah, avo vakabatsira basa rekuvaka muAfrica, Asia, Central America, Europe, South America, uye South Pacific, vanonzwa sekuti zvavakawana zvakatowanda nekure kupfuura zvavakapa. Pasinei nematambudziko avakasangana nawo, Darren anoti: “Changa chiri chikomborero chaicho kushanda nehama dzemunyika dzakawanda. Ndakaona kuti rudo rwatiinarwo tose rwakaita setambo inotenderedza nyika yose ichitibatanidza.” Sarah anoti: “Ndakadzidza zvakawanda chaizvo kuhama nehanzvadzi dzine tsika nemagariro zvakasiyana-siyana. Kuona kuzvipira kwavanoita kuti vashumire Jehovha kunondikurudzira kuti ndirambe ndichipa zvakanakisisa zvandinogona.”

18. Uprofita huri pana Pisarema 110:1-3 huri kuzadziswa sei?

18 Mambo Dhavhidhi akaprofita kuti kunyange zvazvo vanhu vanotongwa neUmambo hwaMwari vaizosangana nematambudziko, vaizozvipa “nomwoyo unoda” kuti vaite zvinhu zvine chokuita neUmambo. (Verenga Pisarema 110:1-3.) Vose vari kuita basa rinotsigira Umambo vari kuitawo pavo pakuzadzisa mashoko iwayo euprofita. (1 VaK. 3:9) Mahofisi emapazi akawanda, mazana eDzimba Dzemagungano, uye makumi ezviuru eDzimba dzeUmambo dziri munyika yose, zvose zvinopa uchapupu hunooneka hwokuti Umambo hwaMwari huriko zvechokwadi uye hwava kutonga. Chikomborero chaicho kushumira Mambo Jesu Kristu pakuita basa rinopa Jehovha rukudzo rwakamukodzera!

a Muna 2013 vanhu vakazvipira vanopfuura 230 000, vakabvumirwa kuti vashande neMakomiti Ekuvaka Emunharaunda anosvika 132 muUnited States. Gore negore makomiti aya anotungamirira kuvakwa kweDzimba dzoUmambo itsva dzinenge 75 nekubatsira kugadziridza dzimwe dzinenge 900 munyika iyi.

b Nhamba iyi haisanganisire dzimwe Dzimba dzoUmambo dzakawanda dzakavakwa munyika dzakanga dzisina urongwa uhwu.

c Vashumiri venguva yakazara vanoita zvokuvaka munyika dzakasiyana-siyana nevanhu vanozvipira, vanoita nguva zhinji vari pabasa rekuvaka, asi vanozotsigirawo ungano mubasa rekuparidza pakupera kwevhiki kana kuti manheru.