Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Dzinotambudzika

Pfungwa Dzinotambudzika

Pfungwa Dzinotambudzika

NICOLE akatanga kuva nenguva dzaaimbopota achingonzwa kusuruvara kubvira paakanga ave nemakore 14. Zvisinei, ava nemakore 16, akatanga kuva nemanzwiro matsva—okufarisa kupfuura mwero uye kunzwa ane simba rakawandisa. Kufunga twakawanda-wanda panguva imwe, nyaya dzisingaperi, uye kutadza kurara pamwe nokungofungira shamwari dzake kuti dzaimubiridzira. Zvadaro, Nicole akatanga kuti aigona kuchinja zvinhu kuti zvive noruvara chero rwaaida asina kumbozvibata. Apa ndipo pakaziva amai vaNicole kuti zvakanga zvotoda chiremba, saka vakaenda naNicole kuchipatara. Pashure pokunyatsoongorora zvinyamusi zvaNicole, vanachiremba vakazoona kuti: Nicole akanga ane dambudziko rebipolar disorder. *

Kufanana naNicole, mamiriyoni evanhu munyika yose ari kutambura nedambudziko rezvinyamusi—ingave bipolar kana kuti nokumwe kuora mwoyo kunotoda kurapwa. Marwariro akadai anogona kuvhiringidza zvikuru. “Kwemakore akawanda ndairwadziwa mwoyo,” anodaro mumwe aiva nebipolar anonzi Steven. “Ndaiora mwoyo zvakaipisisa uye zvadaro ndaiva nenguva yokufara zvokudarikidza. Zvipatara nemishonga zvaibatsira, asi yaingova hondo chaiyo.”

Zvinyamusi zvinokonzerwa nei? Iko kutambura nokuora mwoyo kana nedambudziko rebipolar kwakamboita sei chaizvo? Vanotambura nazvo—nevatarisiri vavo—vanogona sei kupiwa rutsigiro rwavanoda?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Dambudziko racho rinonziwo manic-depressive (kufara zvokudarikidza). Tapota cherechedza kuti zvimwe zvezviratidzo zvataurwa zvingava zviratidzo zveschizophrenia, zvokushandisa zvinodhaka, kana kuti kunyange kuchinja muviri kunongoitika pakuyaruka. Dambudziko racho rinongozozivikanwa bedzi pashure pokunyatsoongorora kwenyanzvi.