Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurara Kwaunofanira Kuita

Kurara Kwaunofanira Kuita

Kurara Kwaunofanira Kuita

ZVIZHINJI zvava kuzivikanwa pamusoro pezvinoitika munhu akarara zvakawanika mumakore 50 apfuura. Zvakadzidzwa zvinoratidza kuti zvimwe zvave zvichifungwa nevanhu kuti ndizvo kwenguva yakareba hazvisi zvechokwadi. Zvimwe zvaifungidzirwa ndezvokuti sezvo muviri usina zvakawanda zvaunoita munhu paanenge akazorora, kurara kwakangofanana nokusaita basa.

Nokuongorora kuchinja-chinja kwemasaisai anobudiswa nouropi, vanachiremba vakadzidza kuti pane nhevedzano yezviitiko zvinoramba zvichidzokorodzeka munhu paanenge akarara. Panzvimbo pokusaita basa, uropi hwomunhu hunoshanda nokukurumidza zvikuru pane dzimwe nguva paanenge akarara. Kurara zvakanaka kunosanganisira kupinda munhevedzano yezviitiko izvi kanosvika kana, kana kuti kupfuura usiku hwoga hwoga uye kupedza nguva yakakwana mudanho roga roga.

Kuoma Kunzwisisa Kwakaita Kurara

Kurara usiku kunoita munhu wose kunowanzokamurwa kuva mumarudzi maviri: kumwe kwacho kunowanzonzi REM (rapid eye movement, kana kuti kurota) uye kumwe kwacho hakusi REM (kurara pasina kurota). Unogona kuziva kuti munhu ari murudzi rwokurara runonzi REM kana maziso ake achionekwa achifamba-famba nokukurumidza iye akatsinzina.

Rudzi rwokurara kusiri REM runogona kukamurwazve kuva zvikamu zvina. Paunorara pasi, unopinda muchikamu chokutanga zvakanakanaka—kutsimwaira kana kuti kurara usina kunyatsobatwa nehope. Muchikamu ichi tsandanyama dzako dzinosununguka uye uropi hwako hunopota huchibudisa masaisai uye anenge achikurumidza. Chikamu chokutanga pachinoitika kokutanga usiku hwoga hwoga kazhinji chinogara kwemasekonzi 30 kusvika kumaminitsi manomwe. Paunopinda muchikamu chechipiri—kunyatsorara—uko kunowanzotora 20 muzana yousiku, masaisai ouropi anowedzera kukura. Mumusoro mako mungangouya pfungwa dzakasiyana-siyana dzisingafambirani kana mifananidzo, asi unenge usingazivi zvakakupoteredza uye usingaoni kunyange maziso ako akavhurika.

Kwozouya chikamu chechitatu nechechina—hope dzakadzama kusvika kune dzakadzamisisa. Uri muchikamu chino chokurara chinonziwo delta, uropi hwako hunobudisa masaisai makuru, anofamba zvishoma nezvishoma. Panguva ino zvinenge zvakaoma zvikuru kumuka, sezvo ropa rako rakawanda rinoendeswa kutsandanyama. Iye zvino (kazhinji inenge 50 muzana yousiku), muviri unogadzira masero matsva, uye miviri yevaduku inokura munguva yokurara iyoyi inonzi delta. Zvinokosha kuziva kuti chero ani zvake, muduku kana kuti mukuru, asingarari zvakadzama kusvika muzvikamu zvedelta anogona kunzwa akangoneta, asina basa nevamwe, kana kuti kunyange kunzwa akaora mwoyo mangwana acho.

Pakupedzisira, nhevedzano imwe neimwe inopedziswa nechikamu chakasiyana zvachose cheREM. Muchikamu ichi chokurota (chinowanzoitika mumaminitsi anenge 90 oga oga) ropa rakawanda rinoendeswa kuuropi uye masaisai ouropi hwako anenge akada kufanana nezvaanenge akaita kana wakamuka. Zvisinei, haugoni kufambisa tsandanyama dzako. Kusagona kufambisa muviri uku kunoita kuti usakwanisa kuita zvaunenge uchirota uye usazvikuvadza kana kukuvadza vamwe.

Zvikamu zveREM izvi kana kuti zvokurota zvinoreba nguva imwe neimwe yazvinoitika usiku uye zvinenge zvinokosha kwazvo pakuti pfungwa dzishande zvakanaka. Sezvinoita kombiyuta, uropi hunoongorora zvinhu zvakachengetwa mundangariro kwenguva pfupi, hwodzima zvisina basa huchichengeta zvinodiwa mundangariro kwenguva refu. Kugara uchirara usingawanzosvika muchikamu ichi chokurota zvinonzi kunoguma nokuvhiringidzika kwepfungwa. Somuenzaniso, vanhu vane dambudziko rokushaya hope, vanopedza nguva shoma paavhareji vakarara zvokusvika muchikamu cheREM, zvichiita kuti vagare vachingofunganya.

Saka chii chinoitika kana tikagara tichitadza kurara (nokuzvidira kana kuti nokusazvidira) kusvika muzvikamu izvi zvinodzokorora, naizvozvo tichiva nechikwereti chehope? Kana tikarara maawa mashoma akatevedzana pane atinofanira, hatizowani chikamu chokupedzisira chokurara cheREM chakareba kupfuura zvose, icho chinokosha kuti pfungwa dzedu dzishande zvakanaka. Kana tikatanga tsika yokusarara zvakatsarukana, tichingoita hope dzokupota tichibira-bira, hatiwanzosvika muchikamu chokurara zvakadzama chedelta icho chinodiwa nemiviri yedu kuti igadzire masero matsva. Vaya vane chikwereti chakakomba vanonetseka nepfungwa dzinongombeya-mbeya, kutadza kuyeuka zvinhu uye kukanganwa mashoko, kusanyatsogona kufunga zvakadzama, uye mano okufunga zvitsva akaderera.

Chii chinoita kuti muviri ude kurara? Zviri pachena kuti pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu arare zuva roga roga. Makemikari ari muuropi anoita seanobatsirawo. Uyewo, pane boka retsinga dziri muuropi, rinofanira kunge riri iro rinobatsira kudzora muitiro wokurara. “Wachi” iyi iri pedyo nepanosangana tsinga dzemaziso. Saka chiedza chinoita kuti tisanzwa kuda kurara. Chiedza chakajeka chinokumutsa, nepo rima richiita kuti ude kurara.

Tembiricha yomuviri wako inobatsirawo. Kana tembiricha yako yakakwira kwazvo—zvikurukuru munguva yorudziyakamwe uye manheru—unenge wakachangamuka chaizvo. Tembiricha yomuviri wako sezvainoderera, unobva wawedzera kunzwa hope. Vatsvakurudzi vanobvumirana kuti maitiro evanhu okurara nokumuka akasiyana-siyana.

Unofanira Kurara Kwenguva Yakareba Sei?

Masayendisiti anotiudza kuti, paavhareji, vanhu vanoda maawa anenge masere okuzorora usiku hwoga hwoga. Asi zvakawanikwa zvinoratidzawo kuti nguva inodiwa nevanhu inosiyana-siyana zvikuru.

Kuzviongorora nokutendeseka kunogona kuita kuti uone kana utori nomuitiro wakanaka kana kuti uine chikwereti chehope. Nyanzvi dzinobvumirana nezvezviratidzo izvi zvokurara kwakanaka:

▪ Hope dzinobata nyore nyore pasina kushandisa mapiritsi ehope kana kuti usingatamburi nokungoshanyarika kana kufunganya.

▪ Hauwanzomuka pakati pousiku, asi kana ukamuka, unokurumidza kubatwazve nehope.

▪ Unongozvimukira woga panguva dzakada kufanana mangwanani oga oga uye kazhinji usingamutswi nearamu.

▪ Kana wangomuka, unonzwa hope dzapera uye wakachangamuka zuva rose.

Zvokuita Zvinoshanda

Zvakadini nevaya vanopota vachishaya hope? Dzimwe nyanzvi dzinopa mazano aya anoshanda:

1. Usanwa doro pamwe chete nezvinhu zvinoshayisa hope zvakadai sekofi kana kuti tii wava kuda kunorara. Vanhu vazhinji vanofunga zvisizvo kuti doro rinovabatsira kuwana hope. Zvisinei, kuongorora kwakaitwa nenyanzvi kunoratidza kuti doro rinogona kumbokurarisa zvishoma asi rozokumutsa wongoramba wakamuka.

2. Rega kuputa. Chimwe chiremera chinoti: “Vanoputa vanotambura kuti vabatwe nehope, nokuti fodya inokwidza BP, inowedzera kurova kwemwoyo, uye inowedzera kushanda kwouropi. Vanoputa vanowanzopepuka kakawanda pakati pousiku, pamwe vanenge vachirwadziwa nokuti vanenge vasiri kuputa.

3. Usafunga zvakanyanya kana kunyanya kushandisa muviri wava kuda kurara. Kurovedza muviri kunoita kuti munhu azorore zvakanaka asi hakufaniri kuitwa munhu ava kuda kurara. Kugadzirisa zvinetso zvikuru kana zvinetso zvinoda kushandisa pfungwa wava kuda kurara kunogona kuvhiringidza kuzorora kunodiwa kuti munhu arare.

4. Iva nechokwadi chokuti kamuri rako rokurara rakanyarara, rine rima uye, kana zvichibvira rinotonhorera. Funga nezvokumwe kuongorora kwakakurumbira kwakaitwa pamusoro poruzha pavanhu vanogara pedyo nenhandare yendege, avo vaiti vakanga vasingachanzwi ruzha rwendege. Pavakaongororwa marariro avo, uropi hwavo hwakaratidza kuti vainzwa ndege imwe neimwe yaimhara nokusimuka! Vatsvakurudzi vacho vakapedzisira vati vanhu vavaiongorora ava paavhareji vairasikirwa neawa imwe yokurara zvakanaka usiku hwoga hwoga pane vaigara kwakanga kusina ruzha. Zvokuvhara nzeve kana dzimwe nzira dzokuderedza nadzo ruzha zvingadai zvakavabatsira zvikuru kuti varare zvakanaka. Vamwe vanoona kuti ruzha rusingachinji, rusina kunyanya, sorunoitwa nefeni yemagetsi, runobatsira zvikuru kana munhu achida kuvharidzira ruzha runobva mumugwagwa.

5. Ngwarira mapiritsi ehope. Kune uchapupu huri kuwedzera hunoratidza kuti mapiritsi ehope akawanda anopiwa kuti vanhu varare anozopedzisira ajairika, haazonyatsoshanda ukaramba uchiashandisa, uye anokuvadza. Mapiritsi aya angashanda zvakanaka kwenguva pfupi bedzi.

Sezvo kushaya hope kuchigona kukonzerwa nokuwandirwa kwepfungwa, zvinonzi chinhu chinokosha kuti munhu arare zvakanaka ndechokuita kuti nguva yokuda kurara ive yakanyarara uye inofadza. Zvingabatsira kumbosendeka kufunganya kwezuva uye kuita chimwe chinhu chinonakidza, sokuverenga. Zano reBhaibheri rokuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari . . . rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26, 27]

Zvimwe Zvinowanzofungwa Zvisizvo

1. Kunwa zvinhu zvakadai setii nekofi ndiyo nzira yakanakisisa yokuti urambe wakamuka kana uchityaira uri parwendo rurefu.

Zvakawanwa zvinoratidza kuti kazhinji vatyairi vanozvinyengera kufunga kuti vakamuka zvikuru kupfuura zvavanenge vari chaizvo. Kana zvakumanikidza kuti utyaire usiku kworwendo rurefu, zviri nani kupota uchimbomira parutivi pomugwagwa munzvimbo isina ngozi womboti rarei (kwemaminitsi 15 kusvika ku30), womuka wombofamba-famba kana kumhanya-mhanya uchizvitasanura maoko nemakumbo.

2. Kana ndiine dambudziko rokushaya hope, kupota ndichimboti rarei kunobatsira.

Pamwe zvingadaro, asi nyanzvi dzakawanda dzinoti nzira yakanyatsonaka ndeyokuwana nguva yokurara yakareba kamwe chete mumaawa 24 oga oga. Kumboti rarei kwenguva pfupi masikati, (kazhinji kwemaminitsi 15 kusvika ku30) kungabatsira kuti uve akachangamuka masikati paunenge wava nehope kusingakanganisi marariro ako aunoita nguva dzose. Asi kumboti rarei mukati memaawa mana usati waenda kunorara kunogona kukanganisa kuzorora zvakanaka usiku.

3. Zviroto zvatinoyeuka ndizvo zvinotikanganisa kuzorora kwedu kwakanaka.

Zviroto (zvinowanzoitika mukurara kweREM) zvinoratidza kurara zvakanaka uye zvinowanzoitika kanosvika kana, kana kuti kupfuura usiku hwoga hwoga patinenge takarara. Zvakawanwa zvinoratidza kuti zviroto zvatinoyeuka ndezviya bedzi zvinenge zvichiitika patinomutswa, kana kuti zvinenge zvichangobva kuitika tisati tamutswa. Ukuwo, kuvhumuka kungaita kuti munhu afunganye uye azeze kurarazve.

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Kurara zvakanaka usiku kunoita kuti unzwe usina hope uye wakachangamuka zuva rose

[Mufananidzo uri papeji 25]

Masayendisiti ava kuziva kuti kurara kunoitika muzvikamu nenhano zvakasiyana-siyana

[Mufananidzo uri papeji 26]

Shandisa mapiritsi ehope nokungwarira

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vanoputa vanotambura zvikuru kuti vabatwe nehope