Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinotaurwa Nevabereki

Zvinotaurwa Nevabereki

Zvinotaurwa Nevabereki

Kana une mwana ari kuenda kukireshi, unofanira kunge uri kusangana nematambudziko. Somuenzaniso, ungaita sei kana mwana achishusha? Ungadzidzisa sei mwana wako kuti azive kuti ichi chakanaka ichi chakaipa uye kumurangawo zvine mwero? Imbonzwa zvakataurwa nevamwe vabereki vari munyika dzakasiyana-siyana.

KUSHUSHA

“Pazera remakore anenge maviri mwana anotarisira kuwana zvinhu zvose zvaanoda. Ndiro dambudziko raiva nemwana wedu. Aiti kana akasapiwa zvaaida, airasa-rasa zvinhu. Takanga tiri rima zvedu panyaya yokurera vana nokuti uyu ndiye aiva dangwe. Vamwe pavakatiudza kuti zvokushusha zvinhu zvinoitika, hatina kuona kubatsira kwacho.”—Susan, Kenya.

“Mwana wedu paaiva nemakore maviri, aiti akagumbuka airara pasi, oikwetsura mhere, achigwinha-gwinha makumbo . . . Izvi zvaititsamwisa. Kuedza kuda kutaura naye kwaitova kumudenha. Saka taimuendesa mumba make tomuudza zvakanakanaka kuti kana ava kuda kutaura ozouya, uye taibva tazotaura naye nyaya yacho. Paanenge adzikama, ini kana kuti murume wangu ndaizoenda mumba make tonotaurirana kuti sei zvaaita zvisina kunaka. Izvi zvakabatsira. Rimwe zuva takamunzwa achinyengetera kuna Mwari achikumbira kuti aregererwe. Nokufamba kwenguva kushusha kwakanga kwava kushoma uye kwakazopera.”—Yolanda, Spain.

“Vana vanoita zvakasiyana-siyana kuti vaone kuti mubereki anozobvuma kuita zvavanoda kana zvadii. Ukabvumira kuti mwana aite chinhu chaunombomurambidza uchaita kuti atadze kuziva kuti zvinofanira kuitwa nezvisingafaniri kuitwa ndezvipi. Takazoona kuti kusachinja-chinja pane zvatinenge tataura kwakabatsira vana vedu kuti vazive kuti kuchemera zvinhu hakusi iko kunoita kuti vazvipiwe.”—Neil, Britain.

KURANGA

“Mwana paanenge ari pasi pemakore mashanu, zvakaoma kuti uzive kuti ari kuteerera zvakadii. Kudzokorora ndiko kunokosha. Unofanira kudzokorora wadzokororazve uchishandisa maoko kana kuti chiso chako kana inzwi rakasimba kuti uone kana azvibata.”—Serge, France.

“Pavana vedu vana mumwe nomumwe wavo aiita zvinhu zvakasiyana nevamwe. Mumwe aiti akaona kuti atigumbura aichema asi mumwe aishandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti aone kuti tinozobvuma kuita zvaanoda kana zvaita sei. Dzimwe nguva kungomudzvokora kana kumutsiura kwaibatsira asi dzimwe nguva taitofanira kumuranga chaiko.”—Nathan, Canada.

“Kana mati izvi hazviitwi chiregai kuchinja mangwana. Asiwo mubereki haafaniri kuti zvaakataura ndizvozvo hazvichinji. Dzimwe nguva kana mwana akumbirawo ruregerero zvechokwadi tinoona kuti hatifaniri kuramba tichamuomesera, chirango chacho tinochideredza.”—Matthieu, France.

“Ndinoedza kusawanzira mwana wangu mitemo, asi mishoma iripo iyoyo haichinji. Mwanakomana wangu ane makore matatu anoziva kuti anowana chirango chipi kana akanganisa, uye izvi zvinomubatsira pamaitiro aanoita zvinhu. Kutaura chokwadi dzimwe nguva ndinenge ndakaneta zvokuti ndinofunga zvokungosiya zvakadaro kunyange akakanganisa. Asi ndinoda kuti azive kuti chandakati hachiitwi hachifaniri kuitwa, saka ndinotomuranga. Kusachinja-chinja mitemo ndiko kuzvipedza.”—Natalie, Canada.

KUSACHINJA ZVAMAKATAURA

“Vana vaduku vanoona uye havazvikanganwi kuti apa mubereki achinja pane zvaaimbotaura.”—Milton, Bolivia.

“Dzimwe nguva mwanakomana wangu kana pane chaari kuda anoedza kukumbira nenzira dzakasiyana-siyana kuti aone kuti acharamba achipiwa mhinduro imwe chete here. Kana ini ndikataura chokuti amai vake votaura zvakasiyana nezvandataura, achabva aona kuti kwakareruka ndokuna baba kana kuti kuna amai.”—Ángel, Spain.

“Dzimwe nguva ndaiti kana ndakafara mwana wangu akakanganisa ndaingomusiya akadaro asi kana ndakagumbuka ndaimuranga zvoutsinye. Ndakazoona kuti izvi zvaiita kuti mwana atowedzera kuita misikanzwa.”—Gyeong-ok, Korea.

“Zvakakosha kuti vana vaduku vazive kuti kana mamwe maitiro achinzi akashata haasi kuzofa akazonzi akanaka.”—Antonio, Brazil.

“Kana vabereki vachiti vakataura chino nhasi mangwana votaura icho, mwana achafunga kuti zvisarudzo zvinopiwa nababa kana naamai zvinobva pakuti nhasi mhepo iri kufura nekupi. Asi kana vabereki vakaomerera pane zvavakataura, vana vachaziva kuti chakaipa chichagara chakaipa. Ndiyo imwe nzira iyo vabereki vanogona kuratidza nayo kuti vanoda vana vavo.”—Gilmar, Brazil.

“Vana vanogona kuona kuti apa vanogona kuwana zvavanoda uye vabereki vavo hapana zvavanogona kuita kunyanya kana pane vanhu. Kana ndakaudza mwana wangu kuti izvi hazviitwi, ndinotomujekesera kuti handisi kuzofa ndakachinja nyangwe akachema-chema.”—Chang-seok, Korea.

“Baba naamai vanofanira kusunga chinhu chimwe chete. Kana pane chatisingawirirani nomudzimai wangu tinozvitaura tiri pedu toga. Vana vanogona kuona kuti baba naamai apa havasi kuwirirana, vobva vati dzawira mutswanda.”—Jesús, Spain.

“Mwana paanoziva kuti vabereki vake vakabatana uye havasi vokungonyengedza zvisina basa, achapedzisira ava kuvimba navo. Anoziva kuti zvichazofamba sei kana akateerera kana kuti akasaterera.”—Damaris, Germany.

“Ini nomudzimai wangu hatichinji-chinji zvinhu kunyange patinovimbisa mwanasikana wedu chimwe chinhu, tinotoona kuti tamuitira. Izvi zvinoita kuti azive kuti zvatinenge tavimbisa tinozvizadzisa.”—Hendrick, Germany.

“Handimbozvifariri kuti munhu wandinoshandira agare achingochinja-chinja mashandiro andinofanira kuita pabasa. Ndizvowo zvinongoita vana. Hapana chavanozotyira kana vachiziva kuti mitemo haisi kuzochinja-chinja. Vanofanirawo kuziva kuti zvirango zvipi zvinovapo kana vakasateerera uye kuti hazvisi kuzochinja.”—Glenn, Canada.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

“Hungu wenyu ngaave Hungu, uye Aiwa wenyu, Aiwa.”—Jakobho 5:12

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

MAMIRIRO AKAITA MHURI

Zvatakazoita Pamuviri Pabata Tisina Kuzvironga

Yakataurwa naTom naYoonhee Han

Tom: Takanga tangova nemwedzi mitanhatu taroorana nemudzimai wangu Yoonhee, paakaziva kuti akanga ava nepamuviri. Ndakangozvishingisa ndichiitira kuti Yoonhee asanetseka uye kuti aone kuti ndichamutsigira nokumunyaradza. Asi nechomukati ndakanga ndisina kugadzikana!

Yoonhee: Ndakavhunduka uye ndakashaya pokutangira! Ndakapedza nguva refu ndichichema uye ndaizviona sokuti handisati ndakodzera kuva amai.

Tom: Kunyange neniwo ndaizviona kuti handisati ndakodzera kuva baba! Asi patakakurukura nevamwe vabereki ndipo patakazoona kuti nyaya yokuti pamuviri panogona kubata tisina kuzvironga hazvisi zvitsva. Chimwewo chakatibatsira kunzwa zvaitaurwa nevamwe vabereki nezvemufaro unovapo paunova baba kana kuti amai. Zvishoma nezvishoma kutya kuya kwakatanga kupera ndichitarisira kuzobata mwana wangu.

Yoonhee: Amanda mwanasikana wedu paakaberekwa pakamuka mamwe matambudziko. Aichema asinganyarari uye ndaitadza kurara kwemavhiki akati oo. Shungu dzokudya ndakanga ndisisina uye ndaingonzwa kurukutika. Mazuva okutanga ndakanga ndisingadi kugara pedyo nevanhu. Asi ndakazoziva kuti kuzviparadzanisa nevamwe hakuna zvakunobatsira. Saka ndakanga ndava kutandadzana nemamwe madzimai anewo vana. Zvakaita kuti ndikwanise kuona kuti vamwe vanozviita sei, uye ndakazoona kuti handisi ini ndoga ndine dambudziko iri.

Tom: Ndakaedza kuita kuti zvinhu zvirambe zvichifamba zvakanaka mumba mangu. Sezvo tiri Zvapupu zvaJehovha, ini naYoonhee takasarudza kuti tigare tichiita basa rokuparidza uye kupinda misangano yechiKristu. Kuva nemwana kunodawo kuti upinze ruoko rwako muhomwe uchitenga zvimwe zvinhu zvawanga usingatarisiri. Takaedza kuti tingorarama nezvinhu zvaienderana nezvataiwana tisingazvipinzi muzvikwereti, izvo zvaizogona kuzotipa imwe nhamo.

Yoonhee: Pakutanga ndaifunga kuti ndakanga ndisingazokwanisi kuita basa rokuparidza sezvo vacheche vachinetsa. Asi kutaura chokwadi vanhu vanotofarira vacheche. Pandakaziva izvozvo ndakaramba ndakabatikana uye ndichinakidzwa nokuva nemwana wangu.

Tom: Bhaibheri rinoti vana “inhaka inobva kuna Jehovha” uye “mubayiro.” (Pisarema 127:3) Mashoko aya anonyatsondiratidza kuti mwana chipo chinokosha. Muupenyu unogona kupiwa nhaka uye zvaunoita nayo zvinosarira kwauri. Unogona kuita zvinhu zvine musoro nayo kana kuiparadza. Ndiri kuona kuti danho roga roga rokukura kwemwana rinosiyana nerimwe uye ndinofanira kutsigira mwanasikana wangu padanho rimwe nerimwe nokuti kana mukana wacho waenda watoenda.

Yoonhee: Dzimwe nguva upenyu hungangotichinjira, uye kuva nepamuviri usingatarisiri hakunganzi chinhu chakashata. Amanda atova nemakore matanhatu uye handizivi kuti ndaizorarama sei dai anga asipo.

[Mufananidzo]

Tom naYoonhee nemwanasikana wavo, Amanda