Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kupa Mitemo Mwana Wenyu Ari Kuyaruka

Kupa Mitemo Mwana Wenyu Ari Kuyaruka

DAMBUDZIKO

Mwana wenyu ari kuti munonyanya kuomesa zvinhu. Asi imi hamuoni sokudaro. Munenge muchiti ‘Kana ndikasamupa mitemo, iye ndiye anozochema mangwana!’

Kupa mwana wenyu mitemo hakusi kukanganisa. Asi chamunofanira kutanga manzwisisa ndechokuti chii chingava chiri kuita kuti aone sokuti muri kuomesa zvinhu.

CHINOZVIKONZERA

Nhema dzinotaurwa nevanhu: Vana vose vari kuyaruka vakaoma misoro, uye mwana wose paanosvika pazera iroro ndizvo zvaanotoita.

Zvazviri muupenyu: Kana vabereki vakagadza mitemo inoratidza kuti vanonzwisisa uye vokurukura nezvayo nemwana wavo, mwana haazombonyanyi kuomesa musoro.

Kunyange zvazvo pane zvikonzero zvakawanda zvingaita kuti mwana asateerera, vabereki vanogona kuzvikonzera vasingazivi kana vari vanhu vanoti chavataura ndichocho hachichinji kana kuti mitemo yavo isingachaenderani nezera remwana. Chimboona zvinotevera:

  • Chamataura ndichocho hachichinji. Kana vabereki vakagadza mutemo voudza mwana zvokuita vasina kumbonzwawo pfungwa dzake, mitemo yacho inopedzisira yaita setambo inosungirira mwana pacheya panzvimbo pokuti iite sebhandi remotokari rokuti azvidzivirire. Izvi zvingaita kuti mwana apedzisire ava kuita pachivande zvaanorambidzwa nevabereki vake.

  • Haichaenderani nezera rake. Kana ari mwana muduku kungomuudza kuti “ita zvandakuudza” anobva aita. Asi kana vari vana vayaruka vanenge vachida kuziva zvikonzero zvokuita zvinhu zvamavaudza. Kubvunza kwaanoita hakuna kuipa hako nokuti munguva pfupi iri kutevera mwana wenyu achange ava kuzviraramira uye achifanira kuita zvisarudzo zvikuru muupenyu. Zviri nani kuti adzidze kushandisa pfungwa iye zvino achiita zvisarudzo zvakanaka panguva yamunenge muchiri kumuchengeta.

Asi zvii zvamungaita kana mwana wenyu asingafariri kuita zvamunomuudza?

ZVAMUNGAITA

Chokutanga chamunofanira kuziva ndechokuti vana vari kuyaruka vanotofarirawo kupiwa mitemo. Saka gadzai mitemo, uye mova nechokwadi chokuti mwana wenyu anzwisisa mitemo yacho. “Kana vana vari kuyaruka vakajekeserwa zvavanofanira kuita nezvavasingafaniri kuita uye vakaziva kuti mubereki haasi kuzoti nangananga nechose chaari kuita, kazhinji vana havazoiti zvinhu zvinorwadzisa vabereki,” rinodaro bhuku rinonzi Letting Go With Love and Confidence. Asiwo kana vabereki vakapa mwana rusununguko rwokuti ngaaite zvaada semombe yemashanga, zvichapa mwana pfungwa dzokuti mubereki haana hanya naye. Idzi ndidzo mviro-mviro dzokupanduka kwemwana.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 29:15.

Saka zvii zvamungaita kuti musanyanya kusunga zvinhu uyewo musanyanya kupa rusununguko? Bvumirai mwana wenyu kuti ataure zvaanofunga akasununguka nezvemitemo yamunopa. Somuenzaniso, kana akakumbira kuti muti chinjei nguva yamunotarisira kuti anofanira kunge ava pamba, muteererei sezvaanenge achitaura zvikonzero zvake. Mwana paanoona kuti vabereki vake vari kunyatsomupa nzeve paanenge achitaura, kazhinji anoremekedza uye anoteerera zvamunotaura kunyange anga aine mafungiro akasiyana neenyu.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Jakobho 1:19.

Asi musati maita chisarudzo, yeukai kuti: Vana vanowanzokumbira kupiwa rusununguko rwakanyanyisa kupfuura rwavanofanira kuwana, ukuwo vabereki vanowanzonyima vana rusununguko kudarika rwavanga vachifanira kupa. Saka nyatsofungisisai zvinenge zvakumbirwa nemwana wenyu. Ari kuratidza kuti mwana anoteerera here? Zvikonzero zvaari kupa zvine musoro here? Kana pasina hapo chakaipa bvumai kuita zvaari kukumbira.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Genesisi 19:17-22.

Kunze kwokungoteerera zviri kuchemwa-chemwa nemwana wenyu, ivai nechokwadi chokuti mamuudzawo zvikonzero zvenyu uye zvamuri kutyira. Kuita izvi kuchamubatsira kuti azive kuti haafaniri kungofunga zvakamunakira asi kuti anofanira kufungawo kuti vamwe vari kunzwa sei.—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 VaKorinde 10:24.

Pakupedzisira, itai chisarudzo uye motsanangura zvikonzero zvenyu. Kunyange zvazvo angasafadzwa nechisarudzo chenyu, chingangomufadza ndechokuti ane vabereki vanomuteerera paanotaura. Yeukai kuti muri kutodzidzisa mwana wenyu zvaanozoita ava munhu mukuru. Kugadza mitemo inonzwisisika uye kuikurukura nemwana wenyu, zvichaita kuti mumubatsire kuti paanokura azova munhu anogona kuita zvisarudzo zvakanaka.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 22:6.