Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | CHANDINORARAMIRA CHII?

Nokuti Rubatsiro Rwuripo

Nokuti Rubatsiro Rwuripo

‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya newe.’—1 PETRO 5:7.

Paunenge uchiona sokuti hapana zvaungaita kuti ugadzirise dambudziko raunaro, unogona kufunga kuti kufa kuri nani. Asi imboona zvimwe zvinhu zvinogona kukubatsira.

Munyengetero. Kunyengetera haisi nzira yokuti ungonzwa kugadzikana mupfungwa; kana kuti chinhu chaunofanira kuita kana wapererwa. Unenge uchinyatsotaura naJehovha Mwari uyo ane hanya newe. Jehovha anoda kuti umuudze zviri kukudya mwoyo. Bhaibheri rinototikurudzira richiti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”—Pisarema 55:22.

Wadii kunyengetera uchitaura naMwari nhasi? Shandisa zita rake rokuti Jehovha, uye taura zvose zviri pamwoyo pako. (Pisarema 62:8) Jehovha anoda kuti usvike pakumuona seshamwari yako. (Isaya 55:6; Jakobho 2:23) Kunyengetera inzira yokuti utaure zvaunoda chero nguva pasinei nokuti uri kupi.

Sangano rinonzi American Foundation for Suicide Prevention rinoti, “ongororo dzinogara dzichiratidza kuti pavanhu vakawanda vanozviuraya, vanopfuura 90 pa100 voga voga vanogona kunge vaiva nechirwere chokunyanya kusuwa. Kakawanda kacho chirwere ichi chinogona kunge chisina kuonekwa kana kuti chisina kurapwa zvakakwana”

Vanhu vane hanya. Upenyu hwako hunokosha kune vamwe, kusanganisira hama dzako kana kuti shamwari idzo dzingatove dzakatombokuratidza kuti dzine hanya newe. Vamwe vanhu vane hanya newe ndevaya vaunogona kunge usati wamboonana navo. Somuenzaniso, pane dzimwe nguva Zvapupu zvaJehovha pazvinenge zvichiparidzira zvinosangana nevanhu vanenge vakaora mwoyo, vamwe vacho vachitotaura kuti vanoda chaizvo kubatsirwa uye vanga vachifunga kuzviuraya. Kuparidzira paimba neimba kunoita kuti Zvapupu zvaJehovha zviwane mukana wokubatsira vanhu vakadaro. Zvinotevedzera Jesu pakuva nehanya nevamwe. Vane hanya newe.Johani 13:35.

Rubatsiro rwavanachiremba. Pfungwa dzokuda kuzviuraya dzinoratidza kuti unogona kunge uine chirwere chokunyanya kusuwa (depression) chinotoda chiremba. Kana uine dambudziko iri usanyara naro nokuti hazvina kumbosiyana nokurwara nechimwewo chirwere. Kutaura zvazviri, chirwere chokunyanya kusuwa chinofananidzwa “nefuruu yomupfungwa.” Munhu wose anogona kubatwa nacho uye chinogona kurapika. *

YEUKA IZVI: Kakawanda kacho hazvisi nyore kuti uri woga ukunde dambudziko rokunyanya kusuwa. Ukabatsirwa nevamwe unogona kurikunda.

ZVAUNGAITA NHASI: Tsvaka chiremba anogona kurapa dambudziko rokunyanya kusuwa.

^ ndima 8 Kana pfungwa dzokuzviuraya dzichiramba dziripo, tsvaka rubatsiro rwakadai sokuenda kuchipatara. Vashandi variko vakadzidziswa kupa rubatsiro rwakadaro.