MUKAI! September 2014 | Mazano Okuti Vanhu Vagarisane Zvakanaka

Vakawanda vanoda kugarisana zvakanaka neshamwari uye nevavakidzani asi izvi zvinooma nemhaka yokukanganisirana kwavanomboita. Tingagadzirisa sei kusawirirana kwacho zvine rugare uye pasina kurwa?

NYAYA IRI PAKAVHA

Mazano Okuti Vanhu Vagarisane Zvakanaka

Mazano omuBhaibheri ari kubatsira vanhu vaimbovengana kuti vataurirane vobva vazova shamwari, tsika nditsike chaiye.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Kubaya-baya Foni Pane Vamwe Kuremekedza Here?

Zvakaipa here kumboverenga meseji yapinda pafoni paunenge uchitaura nemumwe wako? Ko kuramba uchipisa nyaya nomumwe wako worega kutarisa meseji kwakaipa here?

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Kurotswa naMwari

Mwari achiri kurotsa vanhu here?

NYAYA IRI PAKAVHA

Ungaitei Kana Wawirwa Netsaona?

Bhaibheri rinogona kukubatsira.

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuparara Kwezvinhu

Kei akasara asisina chinhu nemhaka yetsunami yakaitika kuJapan muna 2011. Akawana rubatsiro kubva kune vamwe asi ane vhesi yomuBhaibheri yakanyanya kumubatsira.

NYAYA IRI PAKAVHA

Kurwara

Mabel aiita basa rokuiitisa varwere maekisesaizi. Paakazooparetwa bundu raiva muuropi, akanga ava kufanira kuitawo maekisesaizi aaimboitisa varwere.

NYAYA IRI PAKAVHA

Kufirwa

Ronaldo akafirwa nehama dzake 5 mota yavo payakaita tsaona makore 16 akapfuura. Kunyange zvichiri kumurwadza, akawana chinhu chakamunyaradza.

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Machechi

Bhaibheri rinotaura kuti nei kuine machechi akawanda.

Zvimwe Zviri paIndaneti

Ndingatsanangurira Sei Vamwe Zvandinotenda Panyaya Dzebonde?

Kana ukabvunzwa kuti: ‘Hauna mukomana?’ unogona here kutsanangura zvaunotenda uchishandisa Bhaibheri?

Zvinotaurwa Nevechiduku Nezvekuverengera

Inzwa kuti vechiduku vanoti kudii nezvezvakaipira kuverengera uye zvakanakira kunyatsoshandisa nguva yako nokuchenjera.

Mwari Anotuma Mosesi kuIjipiti

Mosesi naAroni vakaratidza ushingi pavakataura naFarao aiva nesimba. Dhaunirodhai nyaya idzi paIndaneti modzikurukura semhuri.