Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NDIMWARI AKASIKA HERE?

Chii Chinoita Kuti Mhashu Dzisabonderana?

Chii Chinoita Kuti Mhashu Dzisabonderana?

MHASHU padzinobhururuka dzakawanda dzinogona kunge dzakawanda kupfuura 80 miriyoni. Asi hadzibonderani. Zvinombofamba sei?

Funga nezveizvi: Nechokuseri kwemaziso emhashu kune tsinga dziriko. Tsinga idzi ndidzo dzinotumira mashoko kumapapiro kana kuti kumakumbo kana mhashu yava pedyo nokubondera. Izvi zvinobatsira mhashu kuti ikurumidze kuona zvokuita kuti isabondera.

Masayendisiti anoshamiswa nemashandiro anoita maziso uye tsinga zvemhashu, zvokuti vakatogadzira michina inofamba yoga asi ichigona kunzvenga chimwe chinhu kuti isabondera vachikopera mhashu. Masayendisiti zvekare ari kutogadzira zvinhu zvinobatsira kuti mota dzisabondera. “Tine zvinhu zvakawanda zvatinogona kudzidza kubva pamhashu, kapuka kanoita sekasina basa,” akadaro Purofesa Shigang Yue anoshanda paUniversity of Lincoln kuUnited Kingdom.

Unofungei? Tsinga dziri seri kwemaziso emhashu dzakangoerekana dzavapo here kana kuti ndiMwari akadzisika?