Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Haana Kuchinja Zvaanotenda

Haana Kuchinja Zvaanotenda

Song Hee paaiva nemakore 11, amai vake vakaona kuti musana wake wakaita kakubhenda. Chiremba paakamuongorora akati aiva nechirwere chinoita kuti muzongoza ubhende chinonzi “scoliosis.” Kubhenda kwemuzongoza wake kwakawedzera zvokuti aitofanira kuitwa oparesheni. Asi Song Hee akaramba kuwedzerwa ropa. Vanyori ve“Mukai!” vakamubvunza zvakaitika.

Pawakaongororwa navanachiremba kokutanga, vakakubatsira here?

Vanachiremba vaviri vakaedza kundirapa kwemakore anenge matatu, asi muzongoza wangu wakaramba uchitowedzera kubhenda. Wakasvika pakutsimbirira mwoyo nemapapu zvokuti ndakanga ndava kutadza kufema zvakanaka. Saka ndaitofanira kuitwa oparesheni.

Saka wakabvuma kuoparetwa here?

Ehe. Asi vakanditi oparesheni yacho yakanga isiri nyore. Muzongoza wacho wakanga wanyanyisa kubhenda zvokusvika pamadegree 116. Bhaibheri haribvumi kuti munhu awedzerwe ropa, saka iniwo ndakaramba kuwedzerwa ropa zvichibva zvaita kuti oparesheni yacho isava nyore. *

Saka makazowana here chiremba aibvuma kukuopareta?

Ehe takazomuwana uye akanga ari wekuFlorida, U.S.A. Asi pandakamuudza kuti handidi kuwedzerwa ropa, akati hapana chiremba aizoita oparesheni yakakura kudaro pasina kuwedzera ropa. Uyewo akati ndikasaoparetwa handimbosviki makore 20 ndiri mupenyu. Ndaingova nemakore 14 chete.

Wakamuudza here chikonzero chaiita kuti urambe kuwedzerwa ropa?

Ehe. Ndakamuudza kuti ndinotenda zvinotaurwa neBhaibheri, Mwari paanoti ropa idzvene, ringava remunhu kana kuti remhuka. * MuIsraeri aidya ropa aitourayaiwa! * Ndakamuratidzawo mashoko ari pana Mabasa 15:19, 20 panoti vaKristu vanofanira ‘kurega ropa.’ Izvi zvinoreva kuti ropa harifaniri kudyiwa kana kuiswa nomutsinga.

Chiremba wacho akati kudii?

Akaomerera pakuti aida kundiwedzera ropa. Uye chipatara chacho chakati kana ndikabvuma kuwedzerwa ropa, ndaizoitwa oparesheni yacho mahara.

Mahara! Saka makaita sei?

Kunyange zvazvo pakanga pasina aida kundiopareta asingawedzeri ropa, hatina kuchinja zvatinotenda. Zvinhu zvakabva zvatowedzera kuoma. Pamutemo, ndakanga ndichiri mudiki kuti ndizvisarudzire. Saka nyaya yangu yakaendeswa kumatare nokuti urwere hwangu hwakanga huchiramba huchiwedzera. Dare rekuFlorida rakatipa mazuva 30 okutsvaga mumwe chiremba aizobvuma kundiopareta asingawedzeri ropa.

Makamuwana here?

Ehe! Dare Rokukurukura Nezvipatara reZvapupu zvaJehovha rokuFlorida rakataura nemumwe chiremba wescoliosis wekuNew York uye akati ndiuye nokuti aiti anogona kundiopareta asingawedzeri ropa. Mazuva 30 atakanga tapiwa nedare akanga asati akwana. *

Oparesheni yacho yakabudirira here?

Ehe! Dr. Robert M. Bernstein vakaisa simbi (rods) mumusana wangu kuti utwasuke. Pandakapedza kuitwa oparesheni yokutanga ndakanzi ndizodzoka zvakare kuzoitwa imwe pashure pevhiki mbiri.

Nei yakaitwa kaviri?

Vaiitira kuti kana pane yokutanga ndikarasikirwa neropa rakawanda, vhiki mbiri dzaizondibatsira kuti muviri wangu ugadzire mamwe masero matsvuku eropa. Asi pamaoparesheni acho ose handina kurasikirwa neropa rakawanda uye ndinotendawo kurongeka kwakanga kwakaita vanachiremba vacho uye kushanda kwavo nesimba. Ndakakurumidzawo kunaya uye handina kuva nematambudziko anowanzova nevanhu vanenge vawedzerwa ropa. *

Chiremba wako akanzwa sei?

Vanachiremba vanofanira kuda varwere

Akafara chaizvo! Akati, “Kugona kurapa haisi nyaya yokungoopareta.” Akawedzera kuti vanachiremba vanofanira kuda varwere uye kunzwisisa zvavanotenda. Kune vakawanda vasiri Zvapupu zvaJehovha vasingadiwo kuwedzerwa ropa.

^ ndima 7 Song Hee naamai vake Zvapupu zvaJehovha. Song Hee akabhabhatidzwa muna 2012 aine makore 16.

^ ndima 17 Matare Okukurukura Nezvipatara anobatsira Zvapupu zvinenge zvichirwara kuti zviwane vanachiremba vanogona kurapa vasingawedzeri ropa.

^ ndima 21 Mune imwe nyaya inotaura nezvengozi dzokuwedzerwa ropa, Clinical Excellence Commission, New South Wales (Australia) Health yakati: “Kuwedzerwa ropa kwakafanana nokupiwa imwe nhengo yomumwe munhu. Muviri wedu wakagadzirwa kuti urwise kana chimwe chinhu chikapinda mauri uye izvi zvinotooneka kuti muviri uri kurwisa.”