Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUKAI! Nhamba 1 2022 | Nyika Yazara Nematambudziko​—⁠Zvaungaita Kuti Uzvichengetedze

Zvinhu pazviri kuwedzera kuoma munyika, vakawanda vedu vari kutambura nemhaka yenjodzi dzinongoitika dzega nemamwe matambudziko anokonzerwa nevanhu. Inzwa zvaungaita kuti ukwanise kutsungirira uye uzvichengetedze iwe nemhuri yako.

 

Nyika Yazara Nematambudziko—Zvaungaita Kuti Uzvichengetedze

Paunosangana nematambudziko ita zvinhu zvichadzivirira iwe nemhuri yako.

1 | Chengetedza Utano Hwako

Kana ukachengetedza utano hwako, zvinogona kukubatsira kutsungirira matambudziko aungazosangana nawo.

2 | Chengetedza Zvinhu Zvako

Kugara uchichengetedza mari yako kuchaita kuti zvisanyanya kukuomera panouya dambudziko.

3 | Simbisa Ushamwari Hwako Nevamwe

Inzwa mazano anogona kukubatsira kuti usimbise wanano yako, ushamwari hwako nevamwe uye uwedzere kuwirirana nevana vako.

4 | Simbisa Tariro Yako

Bhaibheri rinotibatsira kuti titsungirire matambudziko eupenyu uye rinotipa tariro yeramangwana.

Zviri Mumagazini Ino

Verenga nyaya dzinogona kubatsira iwe nemhuri yako kuti musanyanya kukanganiswa nematambudziko ari munyika.