Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Muchinjikwa

Muchinjikwa

Vakawanda vanoti muchinjikwa ndiwo chiratidzo chevaKristu. Asi vamwe vavo vanofunga kuti haufaniri kupfekwa kana kuti kuiswa mudzimba kana mumachechi.

Jesu akafira pamuchinjikwa here?

ZVINOTAURWA NEVANHU

 

VaRoma vakauraya Jesu nekumuroverera pamuchinjikwa wakagadzirwa nemapango maviri.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

Jesu akaurayiwa achiita ‘zvekuturikwa pamuti.’ (Zviito [Mabasa] 5:30, Bhaibheri Rinoera) Mashoko maviri echiGiriki akashandiswa nevanyori veBhaibheri nezvepakaurayirwa Jesu anoratidza kuti raiva bango rimwe chete, kwete maviri. Maererano nebhuku rinonzi Crucifixion in Antiquity, shoko rechiGiriki rekuti stau·rosʹ rinongoreva “bango, kwete muchinjikwa.” MuchiGiriki, shoko rekuti xyʹlon riri pana Mabasa 5:30 rinongoreva “bango kana kuti danda rakati twii raishandiswa nevaRoma kuroverera vanhu.” *

Bhaibheri rinoratidzawo kuti nzira yakaurayiwa nayo Jesu yakafanana nezvaitaurwa nemutemo wakapiwa vaIsraeri. Mutemo wacho waiti: “Kana munhu akaita chivi chakakodzera kutongerwa rufu, akaurayiwa, ukamuturika padanda, . . . munhu akaturikwa chinhu chakatukwa naMwari.” (Dheuteronomio 21:22, 23) Muapostora Pauro akataura nezvemutemo uyu paakati Jesu akava “akatukwa panzvimbo pedu, nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Munhu wose anoturikwa padanda [xyʹlon] akatukwa.’” (VaGaratiya 3:13) Saka mashoko aPauro anoratidza kuti Jesu akafira padanda rimwe chete rakati twii.

“Ndiye wavakazouraya vachiita zvokumuturika pamuti.”Zviito (Mabasa) 10:39, Bhaibheri Rinoera.

Vadzidzi vaJesu vaishandisa muchinjikwa pakunamata kana kuti sechiratidzo chekuti vaKristu here?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

MuBhaibheri hapana panombotaurwa kuti vaKristu vekutanga vaishandisa muchinjikwa sechiratidzo chekuti vaKristu. VaRoma ndivo vaitoshandisa muchinjikwa sechiratidzo chavanamwari vavo. Papera makore anenge 300 Jesu afa, Mambo weRoma ainzi Constantine akaita kuti masoja ake azivikanwe nechiratidzo chemuchinjikwa, uye nekufamba kwenguva muchinjikwa wakatanga kushandiswa nemachechi aizviti ndeechiKristu.

Sezvo muchinjikwa waishandiswa nevahedheni pakunamata vanamwari vavo, vadzidzi vaJesu vaizoushandisa here pakunamata Mwari wechokwadi? Vakanga vagara vachitoziva kuti Mwari akanga arambidza vanhu kunamata vachishandisa ‘chiratidzo chero chechinhu chipi zvacho’ uye kuti vaKristu vaifanira ‘kutiza kunamata zvidhori.’ (Dheuteronomio 4:15-19; 1 VaKorinde 10:14) ‘Mwari mweya,’ hatikwanisi kumuona. Saka vaKristu vekutanga vaisashandisa zvinhu zvinooneka uye zviratidzo kuti zvivabatsire kunamata naMwari. Vaimunamata ‘mumweya,’ kureva kuti vaitungamirirwa nemweya mutsvene wake usingaoneki, uye ‘nemuchokwadi,’ kureva kuti vachiita zvaidiwa naMwari zviri muMagwaro.Johani 4:24.

‘Vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nemuchokwadi.’Johani 4:23.

VaKristu vanofanira kuremekedza sei Jesu Kristu?

ZVINOTAURWA NEVANHU

 

‘Zviri pachena kuti muchinjikwa, uyo wakaita kuti vanhu vaponeswe, unofanira kuremekedzwa uye kukosheswa. Munhu anokoshesa chifananidzo anenge achitoremekedza munhu anenge achimirirwa nechifananidzo chacho.’New Catholic Encyclopedia.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

VaKristu vanotenda chaizvo zvavakaitirwa naJesu, nekuti kufa kwaakaita ndiko kunoita kuti varegererwe zvivi, Mwari agamuchire minamato yavo, uye vawane upenyu husingaperi. (Johani 3:16; VaHebheru 10:19-22) Hapana pavanoudzwa kuti vanofanira kushandisa mifananidzo kuti varemekedze kufirwa kwavakaitwa naJesu kana kuti kungotaura nemuromo kuti vanotenda maari. Bhaibheri rinoti, “kutenda, kana kusina mabasa, kwakafa.” (Jakobho 2:17) Saka vaKristu vanofanira kuratidza nemabasa kuti vanotenda muna Jesu. Vangazviita sei?

Bhaibheri rinoti, “Rudo runa Kristu runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe chete akafira vose . . . kuti vanorarama varege kuzviraramirazve, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.” (2 VaKorinde 5:14, 15) Rudo rwakaratidzwa naKristu runoita kuti vaKristu vade kurarama upenyu hwavo vachimutevedzera. Pavanoita izvi, vanenge vachikudza Jesu kupfuura kushandisa muchinjikwa.

“Izvi ndizvo zvinodiwa naBaba vangu, kuti munhu wose anoona Mwanakomana otenda maari ave noupenyu husingaperi.”Johani 6:40.

^ ndima 8 Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi A Critical Lexicon and Concordance to the English and Greek New Testament, 11th Edition, rakanyorwa naEthelbert W. Bullinger, mapeji 818-819.