Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikafu Chinorwarisa Munhu Kana Zvaita Sei?

Chikafu Chinorwarisa Munhu Kana Zvaita Sei?

Emily: “Ndakambomira kudya nekuti ndakanga ndisisanzwe zvakanaka. Mukanwa mangu makanga mava kuvava uye rurimi rwangu rwava kuzvimba. Ndakatanga kunzwa dzungu uku ndichitadza kufema zvakanaka. Ndakatanga kubuda munyaviri mumaoko nemuhuro. Ndakamboedza kuzvishingisa asi ndakaona kuti ndaitofanira kumhanya kuchipatara!”

VAKAWANDA vanofarira kudya. Asi kune vamwe vanoti vakadya chimwe chikafu vanotorwara chete, sezvakaitika kuna Emily ataurwa pamusoro apa. Kurwara ipapo-ipapo zvakanyanya kwakaita Emily kunogona kutouraya. Asi vakawanda havawanzosvika apa kana varwariswa nechikafu.

Mumakore achangopfuura, nhamba yevanhu vanorwariswa nechikafu yakawedzera. Asi dzimwe ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti pavanhu vanoti vanorwariswa nechikafu, vashoma chete ndivo vakanoona chiremba zvikaonekwa kuti chokwadi chikafu ndicho chiri kuvarwarisa.

Kurwisa Kunoita Masoja Emuviri

Mumagazini inonzi The Journal of the American Medical Association, rimwe boka remasayendisiti richitungamirirwa naDr. Jennifer J. Schneider Chafen, rakabudisa mashoko aiti, ‘Pasi rose vanhu vanopa tsanangudzo dzakasiyana-siyana nezvenyaya yokurwariswa nechikafu.’ Asi nyanzvi dzakawanda dzinoti kurwariswa nechikafu kunowanzokonzerwa nemasoja emuviri.

Kazhinji munhu paanorwariswa nechimwe chikafu, muviri wake unenge uchirwisa imwe protein inenge iri muchikafu ichocho. Muviri unenge uchiona sekuti protein iyoyo iri kuda kutokonzera zvirwere, saka unogona kubva wagadzira masoja anonzi lgE kuti arwise protein iyi. Kana munhu akazodya chimwe chikafu chinenge chiine mhando iyi yeprotein, masoja akambogadzirwa kare anogona kubva abudisa makemikari akasiyana-siyana, kusanganisira inonzi histamine.

Pane vanhu vasingatani kurwara kana vachinge vadya chikafu chine imwe mhando yeprotein. Asi hazvizivikanwi kuti sei vachizorwara ipo paine masoja anonzi lgE uye pabudiswa histamine iyo inobatsira pakurwisa zvirwere.

Ndokusaka uchigona kudya chimwe chikafu uye chorega kukurwarisa pokutanga, asi paunozochidya zvekare chinobva chakurwarisa.

Kusagayiwa Zvakanaka Kwechikafu

Chimwewo chinoita kuti munhu arwariswe nechikafu inyaya yekuti mudumbu make hamusi kukwanisa kunyatsogaya chikafu chaanenge adya. Saka kurwara kwerudzi urwu hakunei nekurwisa kunoita masoja emuviri. Kurwara uku kunogona kunge kuchikonzerwawo nemakemikari akaoma kugaya anenge ari muchikafu chacho. Somuenzaniso, kana munhu akarwariswa nechikafu chine mukaka zvinenge zvichikonzerwa nekushayikwa kwemakemikari anobatsira pakugaya shuga inowanika mumukaka.

Kurwara kunokonzerwa nekutadza kugaya chikafu kunoitika munhu paanongotanga kudya chimwe chikafu chisingapindirane naye. Dambudziko racho rinogona kuvapo kana munhu akadya chikafu chakawandisa chaasingawirirane nacho, asi dzimwe nguva akadya chishoma chinogona kusamurwarisa. Izvi zvakasiyana nezvinoitika munhu paanorwariswa nechikafu zvichikonzerwa nemasoja emuviri anenge achiedza kurwisa imwe mhando yeprotein yaasingawirirane nayo. Pakadaro munhu paanongodya kunyange chikafu chishomanana chaasingawirirane nacho, anogona kubva atorwara zvekuda kufa.

Ungaziva Sei Kuti Uri Kurwariswa Nechikafu?

Kana uchirwariswa nechikafu zvichikonzerwa nekurwisa kunoita masoja emuviri wako chirwere, unogona kubuda munyaviri; kuvaviwa; kuzvimba huro, maziso kana rurimi; kumira mwoyo; kurutsa; kana kuti kuita manyoka. Asi kana zvatosvika pakaoma unogona kufenda; kunzwa dzungu, uye kurova kwemwoyo wako kunogona kudzikira kana kuti unobva watomira kurova. Kana munhu asingatani kurwariswa nechikafu zvinogona kutosvika pakumuuraya.

Chikafu chese chinogona kurwarisa. Asi chikafu chinowanzorwarisa vakawanda ndechakadai semukaka, mazai, hove, zvipuka zvemumvura, nzungu; nzungu dzemumuti; soya beans uye gorosi. Kurwariswa nechikafu hakunei nezera remunhu. Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti kana vabereki vachirwariswa neimwe mhando yechikafu, kakawanda kacho mwana wavo anogona kuzorwarawo. Vana vakawanda vanozorega kurwariswa nechikafu pavanenge vati kurei.

Kurwara kwemunhu anenge aine mudumbu musingakwanise kugaya chikafu kuri nani pane kurwara kwemunhu anorwariswa nechikafu zvichikonzerwa nemasoja emuviri anenge achirwisa. Kana mudumbu musiri kugaya chikafu zvakanaka munogona kurwadza, kurira, kusunga, unogona kunzwa kufufutirwa, kubuda munyaviri, kutemwa nemusoro uye kungonzwa kuneta. Izvi zvinowanzokonzerwa nezvinhu zvakadai segorosi, yisti, doro, uye chikafu chine mukaka.

Kuona Chiremba

Kana uchifunga kuti pane chimwe chikafu chinokurwarisa, unogona kunoona chiremba. Kurega kudya chimwe chikafu uchifungidzira kuti ndicho chiri kukurwarisa, kunogona kutokonzera dambudziko, nekuti unogona kunge wava kutosiya chikafu chinovaka muviri.

Vanachiremba vanoti kutozvigona kurega chikafu chacho chinokurwarisa nekuti havana mushonga wavanonyatsobvumirana kuti unonyatsorapa dambudziko iri. * Asi kana dambudziko rako risina kunyanya kukura, unogona kuona zvichikuitira kana ukaderedza chikafu chacho uye kuchidya nenguva iri kure. Dzimwe nguva, vaya vanenge vachirwariswa nechimwe chikafu vanoona zvitori nani kubva vatosiyana nacho, kana kuti kumbomira kuchidya kwekanguva, zvichienderana nekuti chinovarwarisa kusvika papi.

Saka kana uchirwariswa nechikafu, unogona kunyaradzwa nokuziva kuti kune vakawanda vane dambudziko serako, asi vachiri kukwanisa kudya chikafu chakasiyana-siyana chinovaka uye chinonaka.

^ ndima 19 Zvinowanzokurudzirwa kuti kana munhu achinyanya kurwariswa nechikafu agare aine jekiseni rine adrenaline (epinephrine) rekuti anogona kuzvibaya kana zvakwidza. Vamwe vanachiremba vanokurudzira kuti vana vanorwariswa nechikafu vave nechimwe chinhu chinoratidza vadzidzisi nevamwewo nezvedambudziko ravo chakadai senecklace.