Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUKAI! Nhamba 3 2020 | Rusarura Ruchapera Here?

Zviri nyore kuona kuti vamwe vane rusarura. Asi zvakaoma kuti uzvione kuti unarwo.

Inzwa mazano anogona kutibatsira kuti tisava nerusarura.

 

Rusarura Rwakakubatawo Here?

Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinogona kuratidza kuti tine rusarura?

Tsvaga Chokwadi

Kusava nemashoko akakwana kunogona kuita kuti titarisire vamwe pasi. Zvakaitika kune mumwe murume aimbova musoja zvinoratidza kuti izvi ndezvechokwadi.

Nzwira Vamwe Tsitsi

Kutadza kunzwira vamwe tsitsi kunogona kuratidza kuti une dambudziko rei?

Ziva Kuti Vamwe Vane Zvavanogona Zvausingakwanisi

Kuzvikudza kunoita kuti munhu ave nerusarura. Zvii zvaungaita kuti usazvikudza?

Tsvaga Shamwari Dzakasiyana-siyana

Ona kubatsira kwazvinoita kuva neshamwari dzakasiyana-siyana.

Ratidza Rudo

Kuratidza vamwe rudo kunoita kuti tisavasarura. Verenga unzwe dzimwe nzira dzekuratidza nadzo rudo.

Kupera Kuchaita Rusarura

Ndezvipi zvinhu 4 zvichaitwa neUmambo hwaMwari kupedza rusarura?

Vakakwanisa Kubvisa Rusaruro

Ona mavhidhiyo matatu anoratidza vanhu vakakwanisa kubvisa rusarura.