Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushamisa Kunoita Carbon

Kushamisa Kunoita Carbon

Bhuku rinonzi Nature’s Building Blocks rinoti, “carbon inokosha zvakanyanya kuti zvinhu zviri panyika zvirarame.” Carbon inokwanisa kubatana pachayo uye nemamwe makemikari zvoita kuti pagadzirwe mamiriyoni ezvinhu zvakasiyana-siyana uye nyanzvi dzesainzi dzine zvimwe zvitsva zvadziri kuona kuti zvinogadzirwa necarbon.

Mienzaniso iri pasi apa inoratidza kuti maatomu ecarbon anogona kubatana obuda ari mumashepi akadai semacheni, mapiramidhi, marin’i, machubhu uye masheets. Zvechokwadi carbon inoshamisa!

DHAIMONDI

Maatomu ecarbon anogadzira mapiramidhi anonzi tetrahedrons, zvichiita kuti chinenge chagadzirwa chacho chisimbe zvakanyanya uye ndosaka dhaimondi riri iro rakasimba kudarika zvimwe zvose. Dhaimondi rinenge ragadzirwa zvakanaka rinenge riine maatomu ecarbon chete.

GRAPHITE

Inogadzirwa nemaatomu ecarbon anenge aine shepi yemasheets uye masheets acho ari nyore kuparadzanisa sezvatinoita mapepa anenge akaturikidzana. Inoshandiswa pakugadzira mapenzura* uye inoshandiswa pakupfavisa zvinhu sezvatinongoita negirisi.

GRAPHENE

Inogadzirwa nemaatomu ecarbon anenge asina kuturikidzana asi anenge aine shepi seyemazinga euchi. Graphene inodarika simbi nekure pakusimba. Mutsetse waunodhirowa nepenzura unenge uine tugraphene tushoma.

FULLERENES

Anogadzirwa nemaatomu ecarbon ane shepi yemabhora kana kuti yemachubhu anonzi mananotubes uye zvinotoda michina kuti uaone. Anoyerwa pachishandiswa mananometers, zvichireva kuti 1/1 000 000 000m kana kuti 10-9m.

ZVINHU ZVIPENYU

Masero anogadzira miti, mhuka uye vanhu anoshandisa carbon iyo inowanikwa mumacarbohydrates, mafats, uye maamino acids.

“Izvo zvaari zvisingaoneki [Mwari], . . . zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.”—VaRoma 1:20.

Verenga nyaya inoti “Does Anyone Have a Pencil?” muMukai! yeChirungu yaJuly 2007.