Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 2

Rumbidza Jehovha Muungano

Rumbidza Jehovha Muungano

“Ndichakurumbidzai ndiri pakati peungano.”—PIS. 22:22.

RWIYO 59 Rumbidza Jah Pamwe Neni

ZVICHADZIDZWA *

1. Dhavhidhi ainzwa sei nezvaJehovha uye izvozvo zvakaita kuti aitei?

MAMBO DHAVHIDHI akanyora kuti: “Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa kwazvo.” (Pis. 145:3) Aida Jehovha uye rudo irworwo rwakaita kuti amurumbidze ari “pakati peungano.” (Pis. 22:22; 40:5) Newewo unoda Jehovha uye unobvumirana nemashoko aDhavhidhi ekuti: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri baba vedu, rumbidzwai narini kusvikira narini.”—1 Mak. 29:10-13.

2. (a) Tingarumbidza sei Jehovha? (b) Vamwe vanoomerwa nei, uye chii chatichaongorora?

2 Mazuva ano, imwe nzira yatinorumbidza nayo Jehovha ndeyekupindura pamisangano yechiKristu. Kunyange zvakadaro, hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoomerwa nekupindura. Dzinoda kupindura pamisangano, asi dzinokurirwa nekutya. Chii chingadzibatsira kuti dzisatya? Uye mazano api angatibatsira tese zvedu kuti tipe mhinduro dzinokurudzira? Tisati tapindura mibvunzo iyoyo, ngationgororei zvikonzero zvina zvinokosha zvinoita kuti tipindure pamisangano.

NEI TICHIPINDURA PAMISANGANO?

3-5. (a) Sezvinotaurwa pana VaHebheru 13:15, nei tichipindura pamisangano? (b) Tese tinofanira kupindura nenzira yakafanana here? Tsanangura.

3 Jehovha akapa tese zvedu mukana wekumurumbidza. (Pis. 119:108) Mhinduro dzatinopa pamisangano “chibayiro chokurumbidza,” uye hapana anogona kutimiririra pakupa chibayiro chacho. (Verenga VaHebheru 13:15.) Jehovha anotarisira here kuti tipe chibayiro chakafanana kana kuti kupindura nenzira yakafanana? Aiwa haadaro.

4 Jehovha anoziva kuti mamiriro edu ezvinhu uye zvatinogona zvinosiyana-siyana uye anokoshesa chaizvo zvibayiro zvatinokwanisa kumupa. Funga nezvezvibayiro zvaaitarisira kuti vaIsraeri vape. Vamwe vaIsraeri vaikwanisa kupa gwayana kana kuti mbudzi. Asi muIsraeri akanga ari murombo aigona kupa “magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa duku mbiri.” Uye kana muIsraeri aisakwanisa kutenga shiri idzi mbiri, Jehovha aigamuchira “chegumi cheefa yefurawa yakatsetseka.” (Revh. 5:7, 11) Furawa yaitengwa nemari shoma asi Jehovha aikoshesa chibayiro ichocho, chero bedzi yaingova “furawa yakatsetseka.”

5 Mwari wedu ane mutsa anokoshesawo zvibayiro zvatinopa mazuva ano. Patinopa mhinduro, haatarisiri kuti tese tive nyanzvi dzekutaura saAporo kana kuti tikwanise kunyengetedza saPauro. (Mab. 18:24; 26:28) Chinongodiwa naJehovha ndechekuti tipe mhinduro dzakanakisisa maererano nezvatinokwanisa. Yeuka chirikadzi yakapa tumari tuviri twakanga tusingakoshi. Jehovha aikoshesa chirikadzi iyi nekuti yakapa zvakanakisisa zvayaiva nazvo.—Ruka 21:1-4.

Kupindura kunotibatsira uye kunobatsirawo vanenge vakateerera (Ona ndima 6-7) *

6. (a) Maererano naVaHebheru 10:24, 25, tingabatsirwa sei nemhinduro dzatinonzwa? (b) Ungaratidza sei kuti unoonga mhinduro dzinokurudzira?

6 Tinokurudzirana patinopa mhinduro. (Verenga VaHebheru 10:24, 25.) Tese tinonakidzwa nekunzwa mhinduro dzakasiyana-siyana dzinopiwa pamisangano yedu. Tinonakidzwa nemhinduro iri nyore uye inobva pamwoyo inopiwa nemwana. Tinokurudzirwa nekufara kunenge kuchiita mumwe paanenge achitaura nezvechokwadi chaanenge adzidza. Uye tinoyemura “ushingi” hunoratidzwa nevamwe pavanopindura, kunyange zvazvo vachinyara kana kuti vachiri kudzidza mutauro wedu. (1 VaT. 2:2) Tingaratidza sei kuti tinoonga kushanda nesimba kwavari kuita? Panopera musangano tinogona kuvatenda nemhinduro dzavo dzinokurudzira. Imwe nzira yekuratidza nayo kuti tinoonga ndeyekupindurawo. Kana tikadaro tinokurudzirwa uye tinokurudzirawo vamwe.—VaR. 1:11, 12.

7. Tinobatsirwa sei nekupindura?

7 Tinobatsirwa patinopindura. (Isa. 48:17) Tinobatsirwa sei? Kutanga, kuva nechinangwa chekuzopindura kunoita kuti tinyatsogadzirira musangano wacho. Patinonyatsogadzirira, tinowedzera kunzwisisa Shoko raMwari. Uye patinowedzera kunzwisisa, tinokwanisa kunyatsoshandisa zvatinenge tadzidza. Chechipiri, tinogona kuwedzera kunakidzwa nemusangano wacho nekuti tinenge tichifambirana nezvinenge zvichikurukurwa. Chechitatu, sezvo tichishanda nesimba kuti tipindure, kazhinji kacho tinoita nguva yakareba tichiyeuka zvatinenge tapindura pamusangano wacho.

8-9. (a) Sezviri pana Maraki 3:16, unofunga kuti Jehovha anonzwa sei nezvemhinduro dzedu? (b) Vamwe vanogona kutyei?

8 Tinofadza Jehovha patinotaura zvatinotenda. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anotiteerera uye anokoshesa chaizvo kushanda nesimba kwatinoita kuti tipindure pamisangano. (Verenga Maraki 3:16.) Anoratidza kuti anokoshesa zvatinoita nekutikomborera patinoshanda nesimba kuti timufadze.—Mar. 3:10.

9 Sezvataona, tine zvikonzero zvakanaka zvekupindura pamisangano. Kunyange zvakadaro, vamwe vanogona kutya kusimudza maoko. Kana uchinzwa saizvozvo, usaora mwoyo. Ngationei mazano eBhaibheri, vamwe vanhu vatingatevedzera uye mamwewo mazano angatibatsira kuti tiedze kupindura kakawanda pamisangano.

KUKURIRA KUTYA

10. (a) Vakawanda vedu tinotyei? (b) Kutya kupindura kunogona kunge kuchiratidzei?

10 Unonzwa kutya here pese paunofunga kusimudza ruoko kuti upindure? Kana zvakadaro, ziva kuti hausi wega. Chokwadi ndechekuti vakawanda vedu tinoita kakutya patinopindura. Kuti ukurire kutya, unofanira kuziva kuti chii chinoita kuti utye. Unotya kuti ungazokanganwa zvaunenge uchida kutaura here kana kuti ungazotaura zvisiri izvo? Unonetseka here kuti mhinduro yako inenge isina kunaka sedzevamwe? Kutya ikoko hakuna kuipa. Kunogona kunge kuchiratidza kuti unozvininipisa uye unoona vamwe sevari nani kwauri. Jehovha anoda vanhu vanozvininipisa. (Pis. 138:6; VaF. 2:3) Asi Jehovha anodawo kuti umurumbidze uye ukurudzire hama nehanzvadzi dzako pamisangano. (1 VaT. 5:11) Anokuda uye achakupa ushingi.

11. Zviyeuchidzo zvipi zviri muBhaibheri zvinogona kutibatsira?

11 Ona zviyeuchidzo zviri muBhaibheri. Rinotaura kuti tese tinokanganisa pane zvatinotaura uye pamatauriro atinozviita. (Jak. 3:2) Jehovha haatarisiri kuti tive vanhu vasingakanganisi, uye ndizvo zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu. (Pis. 103:12-14) Tiri mhuri imwe chete uye hama nehanzvadzi dzedu dzinotida. (Mako 10:29, 30; Joh. 13:35) Dzinoziva kuti dzimwe nguva mhinduro dzedu hadzinyatsobudi sezvatinenge tichida.

12-13. Chii chatinodzidza pana Nehemiya naJona?

12 Funga nezvevanhu vanotaurwa muBhaibheri vanogona kukubatsira kuti usatya. Yeuka zvakaitika kuna Nehemiya. Aishumira mumuzinda wamambo aiva nesimba. Nehemiya akanga akasuwa nekuti akanga anzwa kuti masvingo uye magedhi eJerusarema akaparadzwa. (Neh. 1:1-4) Fungidzira kuti akatya zvakadii mambo paakamubvunza kuti nei akanga akasuruvara. Nehemiya akakurumidza kunyengetera achibva apindura. Mambo akabva aita zvakawanda chaizvo kuti abatsire vanhu vaMwari. (Neh. 2:1-8) Fungawo nezvaJona. Jehovha paakamuudza kuti aende kunotaura nevagari vekuNinivhi, Jona akatya zvekuti akatiza achienda kune imwe nzvimbo. (Jona 1:1-3) Asi achibatsirwa naJehovha, Jona akazoenda kunoparidzira vanhu vekuNinivhi. Uye mashoko aakataura akabatsira chaizvo vanhu vaiva muNinivhi. (Jona 3:5-10) Kubva pane zvakaitwa naNehemiya tinodzidza kuti zvinokosha kuti tinyengetere tisati tapindura. Uye kubva pane zvakaitwa naJona tinodzidza kuti Jehovha anogona kutibatsira kuti timushumire pasinei nekuti tinenge tichitya. Asi pane here ungano ingatyisa sezvaiita vanhu vekuNinivhi?

13 Mazano api angakubatsira kuti upe mhinduro dzinokurudzira pamisangano? Ngationei mamwe acho.

14. Nei tichifanira kunyatsogadzirira misangano yedu uye tingazviita nguvai?

14 Gadzirira musangano mumwe nemumwe. Kana ukagara waronga uye ukanyatsogadzirira, hauzotyi kupindura. (Zvir. 21:5) Tinogadzirira misangano panguva dzakasiyana-siyana. Eloise, chirikadzi ine makore ekuma80, anotanga kugadzirira chidzidzo cheNharireyomurindi vhiki richangotanga. Anoti, “Ndinonakidzwa chaizvo nemisangano kana ndikagadzirira pachine nguva.” Joy, uyo anoenda kubasa mazuva ese, anoronga kuti ave nenguva yekudzidza Nharireyomurindi musi weMugovera. Anoti, “Ndinoda kuenda kumisangano ndichiri kunyatsoyeuka pfungwa dzacho.” Ike, mumwe mukuru ane zvakawanda zvekuita uye anopayona anoti, “Ndinoona zvakandinakira kudzidza kwenguva pfupi muvhiki racho rese pane kudzidza zvinhu zvese panguva imwe chete.”

15. Unganyatsogadzirira sei musangano?

15 Zvii zvatinofanira kuita kuti tinyatsogadzirira musangano? Pese paunenge uchida kudzidza, tanga nekukumbira Jehovha kuti akupe mweya mutsvene. (Ruka 11:13; 1 Joh. 5:14) Ita maminitsi mashoma uchiongorora chidzidzo chacho. Ongorora musoro wacho, misoro midiki, mifananidzo uye mabhokisi ekudzidzisa. Paunenge uchidzidza ndima imwe neimwe, verenga mavhesi akawanda sezvaunogona anenge ari mundima yacho. Fungisisa nezvemashoko acho uchinyanya kuisa pfungwa dzako pane zvaunenge uchida kuzopindura. Kana ukanyatsogadzirira, uchanyatsobatsirwa uye zvinogona kuva nyore kuti uzopindura.—2 VaK. 9:6.

16. Maturusi api auinawo, uye unoashandisa sei?

16 Kana zvichiita, shandisa maturusi epamafoni nematablet anowanikwa mumutauro waunonzwisisa. Achishandisa sangano rake, Jehovha akatipa maturusi aya kuti atibatsire pakugadzirira misangano. JW Library® inoita kuti tikwanise kudhaunirodha mabhuku atinoshandisa pakudzidza tichiaisa mufoni kana kuti mutablet yedu. Izvi zvinoita kuti tikwanise kudzidza kana kuti kuverenga uye kuteerera mabhuku acho chero nguva uye chero kwatinenge tiri. Vamwe vanoshandisaJW Library® panguva yekumbozorora vari kubasa kana kuti vari kuchikoro kana kuti pavanenge vari parwendo. Raibhurari yeWatchtower neRAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtowerdzinoita kuti zvive nyore chaizvo kutsvakurudza pfungwa dzatinenge tichida kunyatsoongorora dzinenge dziri muchidzidzo chacho.

Unogadzirira misangano riini? (Ona ndima 14-16) *

17. (a) Nei zvakanaka kugadzirira mhinduro dzakati wandei? (b) Wakadzidzei muvhidhiyo inonzi Iva Shamwari yaJehovha—Gadzirira Kuzopindura?

17 Kana zvichiita, gadzirira mhinduro dzakati wandei pachidzidzo chimwe nechimwe. Nei uchifanira kudaro? Nekuti hapasi pese paunosimudza ruoko wopiwa mukana wekupindura. Vamwe vanogona kusimudza maoko pamwe chete newe, uye anenge achiitisa chidzidzo chacho anogona kusarudza mumwe wavo. Kuti musangano upere nenguva, anenge achiitisa anogona kuita kuti pangova nevanhu vashoma vanopindura pane zvimwe zvikamu zvechidzidzo chacho. Saka usagumbuka kana kuora mwoyo kana ukasapiwa mukana wekupindura chidzidzo chichangotanga. Kana ukagadzirira mhinduro dzakati wandei, uchava nemikana yakawanda yekupindura pachidzidzo chacho. Unogona kugadzirira kuverenga rugwaro. Asi kana uchikwanisa, gadzirirawo mhinduro yaunozopa nemashoko ako. *

18. Nei uchifanira kupa mhinduro pfupi?

18 Ipa mhinduro pfupi. Kazhinji mhinduro pfupi uye dziri nyore kunzwisisa ndidzo dzinonyanya kukurudzira. Saka edza kupa mhinduro pfupi. Edza kupa mhinduro dzako mumasekonzi anenge 30. (Zvir. 10:19; 15:23) Kana wava nemakore uchipindura pamisangano yeungano, zvinokosha kuti uratidze muenzaniso wakanaka nekupa mhinduro pfupi. Kana ukapa mhinduro refu dzakaoma kunzwisisa, vamwe vachatya, vachifunga kuti havazokwanisi kupa mhinduro dzakaita sedzako. Uyewo kupa mhinduro pfupi kuchaita kuti vanhu vakawanda vakwanise kupindura. Kana ukapiwa mukana wekupindura pekutanga, ipa mhinduro iri nyore inonyatsopindura mubvunzo wabvunzwa. Usaedza kutaura pfungwa dzese dziri mundima. Kana pfungwa huru yendima yacho yakurukurwa, unogona kutaura nezvedzimwe pfungwa dzekuwedzera.—Ona Bhokisi rakanzi “ Chii Chandingataura Pakupindura?

19. Achaitisa chidzidzo anogona kukubatsira sei, asi unofanira kuitei?

19 Udza achaitisa kuti une paunoda kuzopindura. Kana ukasarudza kuita izvozvo, unofanira kuona achaitisa chidzidzo chacho musangano usati watanga. Kana nguva yekupindura pandima yacho yasvika, kurumidza kusimudza ruoko rwako zvekuti anenge achiitisa anokwanisa kurwuona.

20. Musangano weungano wakafanana papi nezvekudya zvaunodya neshamwari dzako?

20 Ona misangano yeungano sezvekudya zvaunodya pamwe chete neshamwari dzakanaka. Fungidzira kuti shamwari dzemuungano dzaronga kuti mumbodyira-dyira uye wakumbirwa kuti uuyewo nezvekudya zvishomanana. Waizoita sei? Waigona kuti netsekei, asi waizoita zvese zvaunogona kuti ubike zvinofarirwa nevanhu vese. Jehovha uyo anotikoka, anotigadzirira tafura yakazara zvekudya zvakanaka zvakawanda pamisangano yedu. (Pis. 23:5; Mat. 24:45) Uye anofara kana tikauya nechipo chidiki chakanakisisa chatinogona kupa. Saka nyatsogadzirira uye pindura wakanyatsosununguka. Kana ukadaro uchadya patafura yaJehovha uye uchauyawo nechipo chauchapawo ungano.

RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu

^ ndima 5 Tese tinoda Jehovha uye tinomurumbidza sezvaiitwa nemunyori wemapisarema Dhavhidhi. Tine mukana wekuratidza kuti tinoda Mwari patinoungana nevamwe tichinamata. Asi vamwe tinoomerwa nekupindura pamisangano yedu. Kana uchiomerwawo, nyaya ino ichakubatsira kuti uone zvinoita kuti utye kupindura uye ichakubatsira kuti uone zvaungaita kuti usatya.

^ ndima 17 Enda pajw.org, woona vhidhiyo inonzi Iva Shamwari yaJehovha—Gadzirira Kuzopindura. Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VANA.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Vanhu vemuungano vari kupindura pachidzidzo cheNharireyomurindi vachifara.

^ ndima 65 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Vanhu ava vemuungano ndivo vamboratidzwa vachipindura pachidzidzo cheNharireyomurindi. Kunyange zvazvo vaine mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, vese vanoronga kuti vave nenguva yekudzidza zvichakurukurwa pamusangano.