Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

4 | Batsirwa naMwari Kukunda Ruvengo

4 | Batsirwa naMwari Kukunda Ruvengo

Zvinodzidziswa neBhaibheri:

“Zvibereko zvemweya rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kuva akanaka, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”​VAGARATIYA 5:22, 23.

Zvazvinoreva:

Tinokwanisa kukunda ruvengo tichibatsirwa naMwari. Mweya wake mutsvene unogona kutibatsira kuva neunhu hwataisagona kuva nahwo tiri tega. Saka pane kuti tiedze kukurira ruvengo tiri tega, zviri nani kuti tivimbe nerubatsiro rwatinopiwa naMwari. Kana tikadaro, tichavawo nemanzwiro akafanana neemuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Uye tichakwanisa kutaura kuti: “Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.

Zvaungaita:

“Jehovha akandichinja kubva pakuva munhu aida zvekurwisana nevanhu kuti ndive munhu ane rugare.”—WALDO

Nyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese uchimukumbira mweya wake mutsvene. (Ruka 11:13) Mukumbire kuti akubatsire kuva neunhu hwakanaka. Dzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezveunhu hunotibatsira kukunda ruvengo hwakadai serudo, rugare, mwoyo murefu uye kuzvidzora. Chiedza kushandisa zvauri kudzidza muupenyu hwako. Uye shamwaridzana nevanhu vari kuedzawo kuva neunhu ihwohwo. Vanhu ivavo ‘vachakukurudzira kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka.’—VaHebheru 10:24.