Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RAKASVIKA SEI KWATIRI?

Bhaibheri Rakachengetedzwa Kuti Risaparara

Bhaibheri Rakachengetedzwa Kuti Risaparara

CHAIITA KUTI ZVIOME KURICHENGETEDZA: Vanyori veBhaibheri uye vamwe vakazorikopa vaiwanzonyorera pamatehwe uye pamapepa akagadzirwa nenhokwe. (2 Timoti 4:13) Sei izvi zvaiita kuti zviome kuchengetedza Bhaibheri?

Pepa rakagadzirwa nenhokwe rinokurumidza kubvaruka uye kuchinja ruvara. Richard Parkinson naStephen Quirke avo vanoongorora zvaiitika kuEgypt vanoti, “Pepa racho rinogona kupedzisira raora rosara raita tushinda-shinda uye raita hupfu. Kana rikachengetwa panenge paine unyoro rinogona kuita chakuvhuvhu kana kuora uye rinogona kurumwa nemakonzo kana kudyiwa nemujuru.” Zvimwe zvinyorwa zvakawanika zvainge zvakagadzirwa nenhokwe, zvakaiswa paiva nechiedza chakawanda uye unyoro, uye izvi zvakaita kuti zvikurumidze kuora.

Matehwe akasimba kupfuura nhokwe, asi anogona kuparara kana akasabatwa zvakanaka kana kuti akachengetwa panonyanya kutonhora kana kupisa, pane unyoro, kana kuti pane chiedza chakawanda. * Tupukanana tunofarirawo matehwe. Ndokusaka bhuku renhoroondo dzekare rinonzi Everyday Writing in the Graeco-Roman East rakati, “kashoma kuwana zvinyorwa zvekare.” Saka kudai Bhaibheri rakaparara, hapana pataizomboziva nezvaro.

BHAIBHERI RAKAZOSVIKA SEI KWATIRI? Murayiro wevaJudha waiti mambo wese aifanira “kuzvinyorera kopi yomutemo uyu mubhuku,” uye mutemo wacho waiumbwa nemabhuku mashanu ekutanga eBhaibheri. (Dheuteronomio 17:18) Uyewo, vakopi vaiva neunyanzvi vakagadzira zvinyorwa zvakawanda zveBhaibheri zvekuti pakazotanga chiKristu, Magwaro akanga ava kuwanika mumasinagogi akawanda muIsraeri yose, kusvika kunyange kuMakedhoniya chaiko! (Ruka 4:16, 17; Mabasa 17:11) Zvakafamba sei kuti zvimwe zvinyorwa zvekare-kare zvirambe zviripo kusvikira iye zvino?

Zvinyorwa zvinonzi maDead Sea Scrolls zvakaita mazana emakore zvakachengetwa muzvirongo zvaiva mumapako, munzvimbo dzisina unyoro

“VaJudha vaizivikanwa nekuchengeta Magwaro muzvirongo,” akadaro mumwe anoongorora nezveTestamende Itsva, anonzi Philip W. Comfort. Zvinoita sekuti vaKristu vakaendererawo mberi nekuita izvi. Kune zvinyorwa zvekare-kare zveBhaibheri zvakawanikwa muzvirongo, uyewo munzvimbo dzine rima dzakadai semapako, nemunzvimbo dzainge dzisina unyoro.

IZVI ZVAKABATSIRA SEI? Nhasi uno kune zvinyorwa zvakawanda chaizvo zvekare zveBhaibheri, uye zvimwe zvacho zvatova nemakore anopfuura 2 000. Hapana rimwe bhuku rine zvinyorwa zvekare zvakawanda seizvi.

^ ndima 5 Somuenzaniso, gwaro reU.S. Declaration of Independence rakasainwa pakawana United States kuzvitonga kuzere, rainge riri redehwe. Gwaro iri harisati rasvitsa makore 250 asi zvakanyorwa zvacho hazvichanyatsooneka.