Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NDIANI ANGAKUNYARADZA?

Mwari Anotinyaradza Sei?

Mwari Anotinyaradza Sei?

Muapostora Pauro akati Jehovha * ndiye “Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Saka Bhaibheri rinotiudza kuti hapana munhu anonzi haakwanisi kubatsirwa naMwari, uye hakuna dambudziko ringatiwira ringanzi rakakura zvekuti Baba vedu vekudenga vangatadza kutinyaradza.

Asi tinewo zvatinofanira kuita kana tichida kunyaradzwa naMwari. Chiremba angatibatsira sei kana tikasaronga kuti tionane naye? Muprofita Amosi akabvunza kuti: “Vanhu vaviri vangafamba pamwe chete vasina kumborangana kuti vasangane here?” (Amosi 3:3) Bhaibheri rinotiudza kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

Tinoziva sei kuti Mwari achaswedera pedyo nesu? Chekutanga ndechekuti iye pachake anotiudza kuti anoda kutibatsira. (Verenga  mashoko ari mubhokisi.) Chechipiri ndechekuti kune vanhu vakararama kare uye vamwe vari kurarama iye zvino vakanyatsozvionera kuti Mwari anogona kunyaradza.

Mambo Dhavhidhi aigara achisangana nematambudziko uye aitsvakawo kubatsirwa naMwari. Akambokumbira Jehovha kuti, “Inzwai inzwi rokuteterera kwangu pandinochemera kubatsirwa nemi.” Mwari akamupindura here? Ehe. Dhavhidhi akazoti: “Ndakabatsirwa, zvokuti mwoyo wangu unopembera nomufaro.”—Pisarema 28:2, 7.

ZVINOITWA NAJESU PAKUNYARADZA VOSE VANOCHEMA

Mwari akapa Jesu basa rekuti anyaradze vanhu. Aifanira ‘kusunga maronda evakaora mwoyo,’ uye ‘kunyaradza vose vanochema.’ (Isaya 61:1, 2) Sezvakagara zvataurwa, Jesu aida chaizvo kubatsira vanhu ‘vaishanda zvakaoma uye vainge vakaremerwa.’—Mateu 11:28-30.

Jesu ainyaradza vanhu nemazano akanaka aaivapa, nemabatiro aaivaita, uye pamwe pacho aitovarapa. Rimwe zuva, mumwe murume aiva nemaperembudzi akakumbira Jesu achiti: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” Asiririswa, Jesu akapindura kuti: “Ndinoda. Cheneswa.” (Mako 1:40, 41) Murume wacho akabva apora.

Kunyange zvazvo Mwanakomana waMwari asisiri panyika kuti atinyaradze, Baba vake Jehovha, “Mwari wokunyaradza kwose,” vachiri kubatsira vanhu vari kutambudzika. (2 VaKorinde 1:3) Chimboona nzira 4 dzinonyanya kushandiswa naMwari pakunyaradza vanhu.

  • Bhaibheri. “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.”—VaRoma 15:4.

  • Mudzimu Mutsvene waMwari. Nguva pfupi Jesu afa, ungano yechiKristu yaida kunyaradzwa. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akavanyaradza achishandisa mudzimu mutsvene. (Mabasa 9:31) Mudzimu mutsvene une simba guru. Mwari anogona kuushandisa kunyaradza munhu wese pasinei nekuti ane dambudziko rakadini.

  • Munyengetero. Bhaibheri rinotiudza kuti, “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho.” Rinoenderera mberi richiti, ‘kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari, uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga.’—VaFiripi 4:6, 7.

  • VaKristu Vatinonamata Navo vanogona kutinyaradza panguva yatinenge tiri pakaoma. Pauro akati shamwari dzake ‘dzaimusimbisa’ kana kuti dzaimunyaradza panguva yaaiva ‘munhamo nematambudziko.’—VaKorose 4:11; 1 VaTesaronika 3:7.

Asi unogona kuzvibvunza kuti izvi zvinotibatsira sei. Ngatimboonai kuti vanhu vataurwa kwatangira nyaya ino vakabatsirwa nei pavakasangana nematambudziko. Izvi zvichaita kuti newewo uone kuti Mwari achiri kuzadzisa zvaanotivimbisa paanoti: “Samai vanonyaradza mwana wavo, saizvozvo ndichakunyaradzai.”—Isaya 66:13, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.

^ ndima 3 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.