Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Sinagogi Repanguva yevaKristu Vekutanga: Mufananidzo uyu unoratidza zvinofungidzirwa kuti ndizvo zvainge zvakaita sinagogi repanguva yevaKristu vekutanga riri kumatongo eGamla, iyo iri makiromita angasvika 10 nechekuchamhembe kweGungwa reGarireya. Unotibatsira kunzwisisa zvainge zvakaita masinagogi ekare

Masinagogi Akatanga Sei?

SHOKO rekuti “sinagogi” rinobva pashoko rechiGiriki rinoreva kuti “ungano” kana kuti “kuungana.” Zita iri rakakodzera nekuti kubvira kare, masinagogi aiva nzvimbo dzaiunganira vanhu kuti vadzidziswe uye vanamate kwese kwaigara vaJudha. MuMagwaro echiHebheru, hapana panowanika shoko rekuti sinagogi, asi Magwaro echiKristu echiGiriki anoratidza kuti nzvimbo idzodzo dzaiunganira vanhu dzakanga dzagara dziriko Jesu asati auya panyika.

Vaongorori vakawanda vanoti masinagogi akatanga vaJudha pavaiva nhapwa muBhabhironi. Encyclopaedia Judaica inoti: “Vanhu vaiva nhapwa, avo vainge vasina Temberi munyika isiri yavo vaida kunyaradzwa pakutambudzika kwavo, saka vaiungana nguva nenguva, zvichida pamaSabata, voverenga Magwaro.” Zvinoita sekuti vaJudha pavakasunungurwa muutapwa vakaramba vachiungana kuti vanyengetere uye vaverenge Magwaro, uye vaitanga masinagogi kwese kwavainogara.

Pakazosvika nguva yevaKristu vekutanga, masinagogi ndiwo ainge ava kunamatirwa uye kuitirwa zvimwe zvinhu nevaJudha vaigara pedyo negungwa reMediterranean, muMiddle East uye muIsraeri pachayo. “Ndiyo nzvimbo yavaiverengera, yavaidyira pamaSabata nepamitambo, yaitongerwa nyaya, yaichengeterwa mari yaizobatsira nharaunda yacho uye ndiyo nzvimbo yaiitirwa misangano yezvematongerwo enyika nekugara zvakanaka kwevanhu,” anodaro Professor Lee Levine weThe Hebrew University of Jerusalem. Anowedzera kuti: “Asi zvinhu zvekunamata ndizvo zvainyanya kukosheswa.” Ndokusaka Jesu aigara achienda kumasinagogi. (Mako 1:21; 6:2; Ruka 4:16) Paaienda ikoko aidzidzisa uye aikurudzira vainge variko. Pakazoumbwa ungano yechiKristu, muapostora Pauro akaparidzawo kakawanda mumasinagogi. Vanhu vaida zvekunamata vaienda kusinagogi, saka Pauro paaipinda mune rimwe guta, aiwanzotanga kuenda kusinagogi oparidza ikoko.​—Mab. 17:1, 2; 18:4.