Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mutsa wechiKristu Wakaratidzwa Kamwe Chete

Mutsa wechiKristu Wakaratidzwa Kamwe Chete

MUNE rimwe guta diki muGujarat, India, baba vaJohn vakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha makore ekuma1950 ava kunopera. John nevamwe vana 5 vemumba mavo pamwe chete naamai vavo vainge vakadzika midzi muchechi yeRoma uye vaipikisa chaizvo chitendero chababa vacho.

Rimwe zuva, baba vaJohn vakamukumbira kuti aendese hamvuropu kune imwe hama yemuungano yavo. Asi mangwanani iwayo John akachekwa chigunwe achivhura gaba rakakura. Zvisinei, achida kuteerera baba vake, akatora kachira akasunga chigunwe chake chaibuda ropa ndokuendesa hamvuropu yacho.

John paakasvika pamba pacho, mudzimai wehama yacho, uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha akatambira hamvuropu yacho. Akaona kuti chigunwe chaJohn chainge chakuvara ndokutaura kuti aida kumubatsira. Akabudisa zvinhu zvake zvefirst-aid, ndokugeza ronda racho nemushonga unouraya utachiona achibva aribhandeja. Akabva abikira John tii, uye panguva yese iyi aitaura naye nezveBhaibheri, achiita kudaro neushamwari.

Panguva iyi maonero asina kunaka ayo John aiita Zvapupu akanga ava kuita achinyangarika, saka akamubvunza nezvenyaya mbiri dzaaisawirirana nadzo pane zvaitendwa naBaba vake. Imwe yaiva yekuti Jesu ndiMwari here uye imwe yaiva yekuti vaKristu vanofanira kunyengetera kuna Mariya here. Semunhu ainge adzidza mutauro waJohn wechiGujarati, Chapupu chacho chakamupindura chichishandisa Bhaibheri ndokumupa kabhuku kanonzi “Aya Mashoko Akanaka Oumambo.”

Pava paya, paaiverenga kabhuku kacho, John akaona kuti akanga achinzwa chokwadi cheBhaibheri kekutanga. Akaenda kumupristi wake ndokumubvunza mibvunzo yacho miviri. Pasina nguva mupristi wacho akagumbuka ndokumukandira Bhaibheri achishevedzera kuti: “Wava Satani chaiye! Ndiratidze muBhaibheri panoti Jesu haasi Mwari. Ndiratidze parinoti haufaniri kunamata Mariya. Ndiratidze!” John akakatyamadzwa nezvakaitwa nemupristi zvekuti akaudza mupristi wacho kuti, “Handichafi ndakatsika muchechi yeRoma zvakare.” Uye haana kuzombomutsika.

John akatanga kudzidza neZvapupu, ndokutsigira kunamata kwechokwadi, uye akatanga kushumira Jehovha. Nekufamba kwenguva vamwe vemumhuri yacho vakaitawo izvozvo. Nanhasi John achiri nevanga pachigunwe chekurudyi chaakachekwa makore 60 apfuura. Anoyeuka mutsa wechiKristu waakaratidzwa kamwe chete uyo wakaita kuti atange upenyu hwekunamata kwakachena.​—2 VaK. 6:4, 6.