Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mufananidzo uri kuratidza chikuva uye tende rakanyorwa riri pamusoro pacho

1922—Makore 100 Apfuura

1922—Makore 100 Apfuura

‘MWARI anotipa kukunda kubudikidza naJesu Kristu.’ (1 VaK. 15:57) Mashoko aya, ayo akasarudzwa kuti ave rugwaro rwegore rwa1922, akaita kuti Vadzidzi veBhaibheri vave nechokwadi chekuti vaizopiwa mubayiro wekutendeka kwavo. Gore iroro, Jehovha akakomborera vaparidzi ava vaishingaira. Akavakomborera pavakatanga kuprinda vega mabhuku avo uye kushandisa redhiyo pakuparadzira chokwadi cheUmambo. Pave paya muna 1922, zvakava pachena kuti Jehovha aikomborera vanhu vake. Vadzidzi veBhaibheri vakakwanisa kuungana pagungano rinokosha rakaitirwa paCedar Point, Ohio, U.S.A. Gungano iroro rine zvarakaita pamaitirwo ezvinhu musangano raJehovha kusvika nanhasi.

“ZANO RAKAZONAKA CHAIZVO”

Kuwedzera kwaiita basa rekuparidza kwaiitawo kuti padiwe mabhuku akawanda. Hama dzepaBheteri rekuBrooklyn dzaiprinda magazini, asi dzakanga dzichiri kushandisa mamwe makambani pakuprinda mabhuku ane makavha akasimba. Pakazoita mwedzi yakawanda makambani achitadza kuprinda mabhuku anokwana pakuita basa rekuparidza. Saka Hama Rutherford vakabvunza Robert Martin uyo aiva maneja wefekitari kana zvaiita kuti vatange kuprinda vega mabhuku.

Fekitari yemunaConcord Street iri muBrooklyn, New York

Hama Martin vakati, “Iroro raiva zano rakazonaka chaizvo, nekuti zvaireva kuvhura fekitari inoprinda mabhuku.” Hama dzakarenda chivakwa panhamba 18 Concord Street muBrooklyn ndokutenga michina yaidiwa.

Haasi munhu wese akafarira izvi. Mukuru weimwe kambani yaimbotiprindira mabhuku akashanyira fekitari yacho. Akati: “Ndimika mune muchina wemhando yepamusoro wekuprindisa asi pano pasina kana mumwe chete anogona kuushandisa. Mumwedzi 6 chete zvese zvinenge zvati gojodo izvi.”

Vachitaura nezvazvo, Hama Martin vakati, “Zvakataurwa nemurume uyu zvaiita sezvine musoro, asi zvakanga zvisina Ishe mukati, uye Ishe agara ainesu.” Hama Martin vakataura chokwadi. Pasina nguva, muchina uyu wakanga wava kuprinda mabhuku 2 000 pazuva.

Hama dzaiita basa rekuprinda dzakamira pedyo nemichina yadzaishandisa

KUPARIDZIRA ZVIURU PACHISHANDISWA REDHIYO

Kuwedzera pakuprinda vega mabhuku avo, vanhu vaJehovha vakatanga kushandisa imwe nzira itsva yekuparadzira mashoko akanaka, yekushandisa redhiyo. Musi weSvondo 26 February 1922 ari masikati, Hama Rutherford vakataura paredhiyo kekutanga. Vakapa hurukuro yaiva nemusoro unoti “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi.” Hurukuro iyi vakaipa panhepfenyuro yeKOG muLos Angeles, California, U.S.A.

Vanhu vanenge 25 000 vakanzwa purogiramu yacho. Vamwe vavo vakatumira tsamba dzekutenda purogiramu iyi. Imwe yetsamba dzacho yakabva kuna Willard Ashford, uyo aigara kuSanta Ana, California. Akatenda Hama Rutherford nekuda kwepurogiramu “yaivaraidza uye yainakidza.” Akabva awedzera kuti: “Pamba pedu pane vanhu vatatu vasingakwanisi kubva pamba nekuti vari kurwara, saka taisakwanisa kunzwa hurukuro yacho kunyange kudai makauya kuzokurukura muri panzvimbo iri pedyo chaizvo nesu.”

Dzimwe hurukuro dzakazopiwa paredhiyo mumavhiki akatevera. Pakazopera gore, Nharireyomurindi yakati “vanhu vanenge 300 000 [vakanga] vanzwa mashoko akanaka pawairesi.”

Vadzidzi veBhaibheri vakakurudzirwa nemashoko aibva kuvateereri, saka vakasarudza kuvaka nhepfenyuro yeredhiyo muStaten Island, iri pedyo neBheteri rekuBrooklyn. Mumakore akazotevera, Vadzidzi veBhaibheri vaizoshandisa nhepfenyuro iyi yainzi WBBR, kuti vaparadzire mashoko eUmambo munzvimbo dzakawanda.

“ADV”

Nharireyomurindi yaJune 15, 1922, yakazivisa kuti gungano raizoitwa paCedar Point, Ohio, kubva musi wa5 kusvika 13 September 1922. Vadzidzi veBhaibheri vaifara chaizvo pavaisvika paCedar Point.

Muhurukuro yavo yekutanga, Hama Rutherford vakaudza vateereri kuti: “Ndine chivimbo chakazara chekuti Ishe . . . achakomborera gungano rino uye richapa uchapupu husati hwambopiwa pano panyika.” Vakurukuri vepagungano iroro vairamba vachikurudzira hama nehanzvadzi kuti dziparidze.

Vanhu vakawanda vakapinda gungano remuna 1922 paCedar Point, Ohio,

Musi weChishanu, 8 September, vanhu vanenge 8 000 vakadirana munhandare yacho vachida chaizvo kunzwa hurukuro yaHama Rutherford. Vaitarisira kuti Hama Rutherford vaizotsanangura zvairehwa nemabhii ekuti “ADV,” ayo ainge akanyorwa pamapepa ekuvakoka. Sezvavaigara pasi, zviri pachena kuti vamwe vakaona tende hombe rainge rakamonererwa nechekumusoro. Arthur Claus, uyo ainge auya kugungano achibva kuTulsa, Oklahoma, U.S.A., akawana pekugara paaikwanisa kunyatsonzwa nekuti zvaisava nyore kunyatsonzwa sezvo pagungano iroro paisava nemagudzanzwi.

“Tainyatsoteerera zvese zvaitaurwa”

Kuti pasava nechinovhiringidza hurukuro yacho, sachigaro akapa chiziviso chekuti vanhu vanenge vanonoka vaisazobvumirwa kupinda munhandare panguva inenge ichipiwa hurukuro yaHama Rutherford. Nenguva dza9:30 mangwanani, Hama Rutherford vakatanga nekutaura mashoko aJesu ari pana Mateu 4:17 ekuti: “Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.” Vachitaura nezvekuti vanhu vaizonzwa sei mashoko eUmambo uhwu vakati: “Jesu pachake akazivisa kuti panguva yekuvapo kwake aizotungamirira basa rekukohwa achiunganidza vanhu vechokwadi uye vakavimbika.”

Hama Claus, avo vainge vakagara pedyo nemukurukuri vanoti: “Tainyatsoteerera zvese zvaitaurwa.” Asi vakangoerekana varwara, uye vaifanira kubuda munhandare yacho. Arthur akabuda asingadi nekuti aiziva kuti aisazobvumirwa kupinda zvakare.

Pashure pemaminitsi mashomanana akanga ava kunzwa zviri nani. Anoti paakanga ava kudzokera kunhandare, akanzwa vanhu vachiombera zvine mutsindo. Izvi zvakaita kuti anzwe manyukunyuku! Akaona kuti kana akakwira padenga renhandare yacho aizonzwa chikamu chainge chasara chehurukuro iyi yakazonaka. Arthur, uyo aiva nemakore 23 panguva yacho, akawana pekukwira napo. Mahwindo aiva padenga rechivakwa chacho ainge akavhurika uye sezvo Arthur akanga ava kusvika pedyo nawo, akaona kuti aikwanisa kunyatsonzwa.

Asi Arthur akanga asiri ega. Dzimwe shamwari dzake dzakanga dzitoriwo padenga racho. Mumwe wavo uyo ainzi Frank Johnson, akakurumidza kuenda kwaiva naArthur ndokumubvunza kuti, “Une banga remuhomwe rakapinza here?”

Arthur akati, “Ehe ndinaro.”

Frank akapindura kuti,“Uri mhinduro yemunyengetero wedu. Uri kuona here tende hombe iri rakamonererwa? Rine mashoko akanyorwa uye rakabatwa nezvipikiri izvi. Nyatsoteerera Mutongi. a Paachati, ‘uye munofanira kuzivisa, kuzivisa,’ ibva wadambura tambo 4 idzi.”

Saka aine banga muruoko, Arthur nevamwe vake vakamirira kuti vanzwe mashoko airatidza kuti yakanga yava nguva yekuti vadambure tambo dzacho. Pasina nguva, Hama Rutherford vakasvika pachikamu chinonyanya kukosha chehurukuro yavo. Vachinzwa manyukunyuku, vanogona kunge vakataura vachishevedzera mashoko ekuti: “Ivai zvapupu zvakatendeka uye zvechokwadi zvaShe. Rambai muchirwisa kusvikira Bhabhironi raparadzwa zvachose. Paridzai shoko kwese kwese. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiye Mwari uye kuti Jesu Kristu ndiye Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe. Ino ndiyo nguva inokosha kupfuura dzimwe dzese munhoroondo yevanhu. Tarisai, Mambo ari kutonga! Mune basa rekuudza vamwe mashoko aya. Saka zivisai, zivisai, zivisai, Mambo neUmambo hwake!”

Arthur anoti iye nedzimwe hama vakadambura tambo dzacho, uye tende racho rakabva rabhedhenuka. Kuwirirana nemabhii ekuti “ADV,” tende racho rainge rakanyorwa kuti: “Advertise the King and Kingdom” (Zivisai Mambo neUmambo).

BASA RINOKOSHA

Gungano repaCedar Point rakabatsira hama kuti dziise pfungwa pabasa rinokosha rekuparidza Umambo uye vaya vaiva nemwoyo unoda vaifara chaizvo kuriita. Mumwe mucolporteur (uyo ava kuzivikanwa sapiyona) anobva kuOklahoma, U.S.A., akanyora kuti, “Taiparidza munzvimbo yaiva nevanhu vakawanda vaishanda mumigodhi yemarasha uye vaiva varombo zvikuru.” Akati kakawanda vanhu pavainzwa mashoko aiva mumagazini yeGolden Age, “vaitanga kuchema.” Akapedzisa achiti, “Chikomborero chaicho kuvanyaradza.”

Vadzidzi veBhaibheri ava vaiziva kukosha kwemashoko aJesu ari pana Ruka 10:2 ekuti: “Kukohwa kukuru zvechokwadi, asi vashandi vashoma.” Gore racho parakapera, vakanga vava nechido chakasimba chekuzivisa mashoko eUmambo kwese kwese.

a Dzimwe nguva Hama Rutherford vainzi “Mutongi” nekuti vakamboshanda semutongi kuMissouri, U.S.A.