Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Famba ‘Munzira Yakarurama’

Famba ‘Munzira Yakarurama’

Famba ‘Munzira Yakarurama’

“WAKARURAMA . . . uchava nomufaro,” akazivisa kudaro muprofita Isaya, “nokuti vachadya zvibereko zvamabasa avo.” Isaya akatiwo: “Nzira yavakarurama yakarurama.” (Isaya 3:10; 26:7) Zviri pachena kuti kana mabasa edu achizobereka zvibereko zvakanaka, tinofanira kuita zvakarurama mumaziso aMwari.

Kunyange zvakadaro, tingafamba sei munzira yakarurama? Zvikomboreroi zvatingatarisira nokuita kudaro? Uye vamwe vangabatsirika sei nokuomerera kwedu pazvinodiwa naMwari zvakarurama? Muchitsauko 10 chebhuku reBhaibheri raZvirevo, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anopindura mibvunzo iyi sezvaanosiyanisa wakarurama newakaipa. Sezvaanodaro, anoshandisa shoko rokuti “wakarurama” kana kuti “vakarurama” ka13. Shoko iri rinooneka kapfumbamwe mundima 15 kusvikira ku32. Saka, kuongorora Zvirevo 10:15-32 kuchakurudzira. *

Teerera Kurayirirwa

Soromoni anotaura kukosha kwakaita kururama. Anoti: “Pfuma yomupfumi ndiro guta rake rakasimba; zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo. Zvaakabatira zvinoisa wakarurama kuupenyu; zvakawanikwa nowakaipa zvinoisa kuzvivi.”Zvirevo 10:15, 16.

Pfuma inogona kutidzivirira pazvimwe zvinhu zvatisingatarisiri muupenyu, sezvinongoita guta rakasimba rinodzivirira vaya vanogara mariri kusvikira pamwero wakati. Uye urombo hunogona kuparadza kana pakamuka zvinhu zvisingatarisirwi. (Muparidzi 7:12) Zvisinei, mambo akachenjera angangove ari kutaura zvisina kunanga nezvengozi yezvose zviri zviviri pfuma uye urombo. Munhu akapfuma angaisa mwoyo wake wose papfuma, achifunga kuti zvinhu zvake zvinokosha kunge “rusvingo rurefu.” (Zvirevo 18:11) Uye murombo angaona zvisina kururama sokunge urombo hwake hunoita kuti ashaye tariro neremangwana rake. Saka, vose vanotadza kuva nezita rakanaka naMwari.

Ukuwo, kana munhu wakarurama angava aine zvinhu zvakawanda kana kuti zvishoma, basa rake rakarurama rinomutungamirira kuupenyu. Sei? Nokuti anogutsikana nezvaanazvo. Haabvumiri mamiriro ake ezvinhu emari kumukanganisira zita rake rakanaka naMwari. Zvisinei nokuti mupfumi here kana kuti murombo, nzira youpenyu yomunhu wakarurama inoita kuti afare iye zvino uye atarisire kurarama nokusingaperi munguva ichauya. (Jobho 42:10-13) Wakaipa haabatsiriki kunyange akawana pfuma. Pane kuti aratidze kuonga kukosha kwayo kunodzivirira uye kuti ararame maererano nokuda kwaMwari, anoshandisa pfuma yake kusimudzira upenyu hwezvivi.

“Unoteerera kurayirirwa, uri panzira youpenyu,” anoenderera mberi achidaro mambo waIsraeri, “asi unoramba kurayirwa, unotsausa vamwe.” (Zvirevo 10:17) Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti ndima iyi inganzwisiswa munzira mbiri. Kutanga ingave ichireva kuti munhu anobvuma kurayirirwa otsvaka kururama ari panzira inoenda kuupenyu, asi uya anoramba kutsiurwa anosiya nzira iyoyo. Ndima yacho ingarevawo kuti “uyo anoteerera kurayirirwa anoratidza nzira youpenyu [kune vamwe nokuti muenzaniso wake wakanaka unovabatsira], asi ani naani anoramba kugadziriswa anotsausa vamwe.” (Zvirevo 10:17, New International Version) Chero zvazvinoreva, zvinokosha kwazvo kuti titeerere kurayirirwa tobvuma kutsiurwa!

Tsiva Ruvengo Norudo

Soromoni anobva ataura chirevo chine mativi maviri ane pfungwa yakafanana, divi rechipiri richisimbisa rokutanga. Anoti: “Unovanza kuvenga, une miromo yenhema.” Kana munhu achivenga mumwe munhu mumwoyo make uye achivanza izvozvo nemashoko anotapira kana kuti okubata kumeso, ari kunyengera—ane “miromo yenhema.” Kune izvi mambo akachenjera anowedzera kuti: “Une makuhwa, ibenzi.” (Zvirevo 10:18) Pane kuvanza kuvenga kwavo, vamwe vanhu vanopomera zvenhema munhu wavanovenga kana kuparadzira mashoko anosvibisa zita rake. Izvi upenzi nokuti mashoko enhema haachinji munhu iyeye. Uye muteereri anonzwisisa achaona nhema dzacho uye mupfungwa dzake haazonyanyi kuremekedza muzvinaguhwa. Saka munhu anoparadzira mashoko akaipa anozvikuvadza.

Nzira yakarurama ndeyokurega kunyengera kana kutaura nhema. Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Usavenga hama yako mumwoyo mako.” (Revhitiko 19:17) Uye Jesu akapa vateereri vake zano rokuti: “Rambai muchida [kunyange] vavengi venyu uye kunyengeterera vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:44, 45) Zvakanaka zvikuru kuzadza mwoyo yedu norudo pane ruvengo!

‘Dzora Miromo Yako’

Achisimbisa kukosha kwokudzora rurimi, mambo akachenjera anoti: “Kudarika hakungakoni pamunhu une mashoko mazhinji; asi anodzora miromo yake, ane uchenjeri.”Zvirevo 10:19.

“Benzi rinowanzawo mashoko.” (Muparidzi 10:14) Muromo waro “unodurura upenzi.” (Zvirevo 15:2) Izvi hazvisi kureva kuti munhu wose anotaurisa ibenzi. Asi zviri nyore kwazvo kumunhu anotaurisa kuti aparadzire guhwa rinokuvadza kana runyerekupe! Zita rakasvibiswa, kunzwa kuvhiringidzika, ukama huri pamakakatanwa, uye kunyange kukuvara chaiko zvingakonzerwa nokutaura kwoupenzi. “Pane mashoko akawanda, hapangashayiki kudarika.” (Zvirevo 10:19, An American Translation) Uyezve, hazvinakidzi nguva dzose kuva nomunhu asingashayi chokutaura panyaya yose yose. Tisawanza mashoko.

Pane kungorega kutaura nhema, anodzora miromo yake anoita nokuchenjera. Anofunga asati ataura. Achikurudzirwa nokuda nzira dzaJehovha uye kuda kubatsira vamwe vanhu zvechokwadi, anofunga zvingaita mashoko ake pavamwe. Mashoko ake ane rudo nomutsa. Anofungisisa kuti angaita sei kuti zvaanotaura zvifadze uye zvibatsire. Mashoko ake akafanana “namatamba endarama mumidziyo yesirivha”—ane unyanzvi uye anoremekedzeka nguva dzose.—Zvirevo 25:11.

‘Ramba Uchisimbisa Vazhinji’

“Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirivha yakasarurwa,” Soromoni anopfuurira kudaro, “mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.” (Zvirevo 10:20) Zvinotaurwa nowakarurama zvakachena—kunge sirivha yakanyatsosarudzwa, isina tsvina. Izvi ndezvechokwadi nezvevashumiri vaJehovha sezvavanopa vamwe zivo inoponesa upenyu yeShoko raMwari. Murayiridzi wavo Mukuru, Jehovha Mwari, akavadzidzisa uye ‘akavapa rurimi rwavakadzidziswa, kuti vazive kusimbisa vakaneta namashoko.’ (Isaya 30:20; 50:4) Zvechokwadi, rurimi rwavo rwakafanana nesirivha yakanyatsosarudzwa sezvo ruchitaura chokwadi chiri muBhaibheri. Zvavanotaura zvine ukoshi husingaperi kuvane mwoyo yakatendeseka kupfuura zvinovavarirwa newakaipa! Ngatide zvikuru kutaura zvoUmambo hwaMwari uye mabasa anoshamisa aMwari.

Wakarurama chikomborero kuvaya vanenge vari paari. “Miromo yowakarurama inosimbisa vazhinji,” anoenderera mberi achidaro Soromoni, “asi mapenzi anofa nokushayiwa zivo.”Zvirevo 10:21.

‘Wakarurama anosimbisa sei vazhinji?’ Shoko rechiHebheru rashandiswa pano rinobudisa pfungwa yokufudza. Rine pfungwa yokutungamirira uyewo yokupa kudya kunovaka, sezvaiwanzoitwa nomufudzi wekare paaitarisira makwai ake. (1 Samueri 16:11; Pisarema 23:1-3; Rwiyo rwaSoromoni 1:7) Munhu akarurama anotungamirira vamwe munzira yakarurama, kutaura kwake kuchivaka vateereri vake. Somugumisiro, vanorarama upenyu hune mufaro, hunogutsa, uye vangatowana upenyu husingaperi.

Zvisinei, zvakadini nebenzi? Zvarisina zivo, rinoratidza kuti harina vavariro yakanaka kana hanya nemigumisiro yenzira yaro. Munhu akadaro anoita chero zvaanoda, asingafungi migumisiro yacho. Saka anotambura migumisiro yezviito zvake. Nepo wakarurama achibatsira vamwe kuti varambe vari vapenyu, munhu anoshayiwa zivo haatombokwanisi kuzvichengeta iye pachake kuti ararame.

Rega Kuita Zvakaipa

Unhu hwomunhu hunowanzoratidzwa nezvaanoda uye zvaasingadi. Achitaura pfungwa iyi, mambo waIsraeri anoti: “Benzi rinoti kuita zvakaipa hutamba; ndizvo zvinoitawo uchenjeri kune ane njere.”Zvirevo 10:23.

Vamwe vanoona kuita zvakaipa sokutamba, kana kuti somutambo, uye vanozviita kuti vango“nakidzwa.” Vanhu vakadaro havaoni Mwari souyo vanhu vose vanofanira kuzvidavirira kwaari, uye havadi kuziva kuipa kwenzira yavo. (VaRoma 14:12) Vanotonyanyisa kuipa mukufunga kwavo zvokuti vanoti Mwari haaoni zvakaipa zvavanoita. Nezviito zvavo, vanototi: “Mwari haako.” (Pisarema 14:1-3; Isaya 29:15, 16) Uhwu ndihwo hunonzi upenzi!

Ukuwo, munhu anonzwisisa, anoziva kuti kuita zvakaipa hausi mutambo. Anoziva kuti hakufadzi Mwari uye kunogona kukanganisa ukama hwomunhu naye. Maitiro akadaro ndeoupenzi nokuti anoita kuti vanhu vasazviremekedze, anoparadza michato, anokuvadza zvose pfungwa nomuviri, uye anoita kuti utadze kukoshesa zvokumudzimu. Tinenge takachenjera kana tikarega kuita zvakaipa toda uchenjeri kunge hanzvadzi yatinoda kwazvo.—Zvirevo 7:4.

Vakira Panheyo Dzakarurama

Achitaura nezvokukosha kwokuti munhu avakire upenyu hwake panheyo yakakodzera, Soromoni anoti: “Zvinotyiwa nowakaipa, ndizvo zvichamuwira; asi wakarurama uchapiwa zvaanoda. Kana chamupupuri chapfuura, wakaipa haachipo; asi wakarurama une nheyo dzisingaperi.”Zvirevo 10:24, 25.

Wakaipa angaita kuti vamwe vatye kwazvo. Zvisinei, pakupedzisira zvaanotya zvinomuwira. Asina kuvakira panheyo dzakarurama, anoita sechivako chisina kutsiga chinowa mudutu rine simba. Anowa kana zvaoma. Ukuwo, wakarurama akafanana nomunhu anoita maererano nokutaura kwaJesu. Iye “murume akangwara, akavakira imba yake paruware.” “Uye,” akadaro Jesu, “mvura yakanaya nesimba mafashamo akauya mhepo ikavhuvhuta ikarova nesimba imba iyoyo, asi haina kuwa, nokuti yakanga yavakirwa paruware.” (Mateu 7:24, 25) Munhu akadaro akatsiga—mafungiro ake nezviito zvakavakirwa zvakasimba panheyo dzaMwari.

Asati aenderera mberi kutaura nezvomusiyano uripo pakati pewakaipa nowakarurama, mambo akachenjera anopa nyevero pfupi asi inokosha. Anoti: “Sezvinoita vhinega pameno, noutsi pameso, ndizvo zvakaita simbe kune vanomutuma.” (Zvirevo 10:26) Vhinega inoita kuti mazino asanzwe zvakanaka. Mvura inovavira iri mairi inoita kuti mukanwa muzhazhire uye ingakonzera kuti mazino omunhu aite ugugu. Utsi hunotosvora maziso nokuarwadzisa. Nokudaro, ani naani anopinza basa munhu ane usimbe kana kumushandisa somumiririri wake achagumbuka uye acharasikirwa.

“Nzira yaJehovha Inhare”

Mambo waIsraeri anopfuurira achiti: “Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; asi makore owakaipa achatapudzwa. Tariro yavakarurama mufaro; asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.”Zvirevo 10:27, 28.

Wakarurama anotungamirirwa nokutya Mwari uye anoedza kufadza Jehovha nemafungiro ake, mashoko nezviito. Mwari anomutarisira uye anoita kuti zvakarurama zvake zvaanotarisira zviitike. Zvisinei, wakaipa anorarama upenyu asina basa naMwari. Dzimwe nguva tariro dzake dzingaita sedziri kuitika asi kwenguva pfupi chete, nokuti mazuva ake anowanzopfupiswa nemhirizhonga dzinoitika kana nechirwere chinokonzerwa nemararamiro ake. Pazuva rokufa kwake tarisiro dzake dzose dzinoparara.—Zvirevo 11:7.

“Nzira yaJehovha inhare kune wakarurama,” anodaro Soromoni, “asi ndiko kuparadzwa kune vanoita zvakaipa.” (Zvirevo 10:29) Nzira yaJehovha iri kutaurwa pano, haisi kureva nzira youpenyu yatinofanira kufamba nayo, asi mabatiro anoita Mwari vanhu. “Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana,” akadaro Mosesi, “nokuti nzira dzake dzose dzakarurama.” (Dheuteronomio 32:4) Nzira dzaMwari dzakarurama dzinoreva kuchengeteka kune vakarurama uye kuparadzwa kune vakaipa.

Zvechokwadi Jehovha inhare yevanhu vake! “Wakarurama haangatongozununguswi nokusingaperi; asi vakaipa havangarambi vagere panyika. Muromo wowakarurama unobudisa uchenjeri; asi rurimi rune nhema ruchabviswa. Miromo yowakarurama inoziva zvinofadza; asi muromo wowakaipa unotaura zvine nhema.”Zvirevo 10:30-32.

Zvechokwadi kune vakarurama zvinhu zvinovafambira zvakanaka uye vanokomborerwa nemhaka yokufamba munzira yakarurama. Chokwadi, “kuropafadza kwaJehovhandiko kunopfumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.” (Zvirevo 10:22) Saka, ngative nechokwadi chokuita zvinhu maererano nenheyo dzaMwari. Ngatirambe tichidzora miromo yedu uye kushandisa rurimi rwedu kuvaka vamwe nechokwadi chinoponesa upenyu cheShoko raMwari tovatungamirira munzira yakarurama.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kana uchida panokurukurwa zvakazara rugwaro rwaZvirevo 10:1-14, ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2001 mapeji 24-7.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Rurimi runogona kufanana ne“sirivha yakasarurwa”