Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vaya Vanoda Jehovha ‘Havana Chinovagumbura’

Vaya Vanoda Jehovha ‘Havana Chinovagumbura’

“Rugare rukuru ndorwevaya vanoda mutemo wenyu, uye hapana chinovagumbura.”—PIS. 119:165.

1. Mafungiro emumwe mumhanyi anoratidza sei kutsunga kwedu kusakanda mapfumo pasi?

KUBVIRA paaiva nemakore ari kuma13, Mary Decker aiva nyanzvi yokumhanya yaizivikanwa pasi pose. Ndiye aitarisirwa kuhwina menduru yegoridhe pamakwikwi ekupedzisira emamita 3 000 pamaOlympic emuchirimo cha1984. Zvisinei, haana kusvika patambo. Akagumburwa negumbo remumwe mumhanyi akanorovera pasi nomusoro. Akuvara uye achichema, akatoita zvokutakurwa kubva maimhanyirwa. Asi Mary haana kukanda mapfumo pasi. Pasina gore, ainge ava kumhanyazve uye muna 1985 akava mukadzi wokutanga kumhanya makiromita 1,6 munguva pfupi kupfuura zvainge zvaimboitwa nevamwe.

2. VaKristu vechokwadi vari munhangemutange pakudii, uye chinangwa chedu chinofanira kuva chei?

2 SevaKristu, tiri munhangemutange, makwikwi evamhanyi okufananidzira. Chinangwa chedu ndechokumhanya kuti tihwine. Nhangemutange yedu haisi yokungoita bara kuti tihwine. Uyewo haisi yokungomhanya zvishoma nezvishoma tichimbomira. Asi ingafananidzwa nenhangemutange yedaro refu, inoda kutsungirira kuti munhu akunde. Muapostora Pauro akashandisa mufananidzo wemumhanyi ari munhangemutange mutsamba yaakanyorera vaKristu vaigara muKorinde, guta raizivikanwa chaizvo nenyaya yemakwikwi ekumhanya. Akanyora kuti: “Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe chete ndiye anogamuchira mubayiro? Mhanyai saizvozvo kuti muuwane.”—1 VaK. 9:24.

3. Sei tichiti vamhanyi vose vanogona kuhwina munhangemutange youpenyu husingaperi?

3 Bhaibheri rinotiudza kuti tipinde munhangemutange iyi yokufananidzira. (Verenga 1 VaKorinde 9:25-27.) VaKristu vakazodzwa vanowana mubayiro weupenyu husingaperi kudenga uye vamwe vamhanyi vose  upenyu husingaperi pasi pano. Kusiyana nemakwikwi okumhanya akawanda, vose vanopinda munhangemutange iyi uye vanotsungirira kusvika pakuguma vanowana mubayiro. (Mat. 24:13) Vamhanyi vanongotadza kuwana mubayiro chete kana vakasamhanya sezvinodiwa nemitemo kana kuti vakatadza kusvika patambo. Uyezve, iyi ndiyo nhangemutange chete inopa mubayiro woupenyu husingaperi.

4. Chii chinoita kuti nhangemutange yedu yokuti tiwane upenyu husingaperi isava nyore?

4 Kuhwina munhangemutange iyi hakusi nyore. Zvinoda kuti munhu azvidzore uye azive chinangwa chake. Jesu Kristu ndiye munhu mumwe chete akakwanisa kusvika patambo asina kumbogumburwa kunyange kamwe chete. Asi mudzidzi wake Jakobho akanyora kuti sevateveri vaKristu “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jak. 3:2, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Ichocho ichokwadi! Tose zvedu tinokanganiswa nokusakwana kwedu uye kwevamwe. Saka pane dzimwe nguva tingagumburwa, todzedzereka uye totadza kuramba tichimhanya zvakanaka. Tingatowa; asi tinosimuka toramba tichimhanya. Vamwe vakawa zvokuti vaitofanira kubatsirwa kusimuka uye kutangazve kumhanya vakananga kutambo. Saka tinogona kumbogumburwa kana kuti kuwa kwekanguva kana kuti kakawanda.—1 Madz. 8:46.

Kana ukawa, bvuma kubatsirwa wosimuka!

KANA UKAGUMBURWA, RAMBA UCHIMHANYA

5, 6. (a) Nei tichiti ‘hapana chinogona kugumbura’ muKristu, uye chii chichamubatsira ‘kusimuka’? (b) Chii chinoita kuti vamwe vatadze kusimuka pavanogumburwa?

5 Zvichida wakamboshandisa shoko rokuti ‘kugumburwa’ kana rokuti ‘kuwa’ uchitsanangura mamiriro ezvinhu emunhu panyaya yokunamata. Mashoko aya emuBhaibheri anogona kureva chinhu chimwe chete, asi pamwe pacho anosiyana. Somuenzaniso, ona zvinotaurwa naZvirevo 24:16: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka; asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.”

6 Jehovha haazoregi vaya vanovimba naye vachigumburwa kana kuti vachiwa, izvo zvinoreva kuwirwa nedambudziko kana chipingamupinyi pakunamata kwavo, zvokuti havagoni kusimuka. Tine chivimbo chokuti Jehovha achatibatsira ‘kusimuka’ kuitira kuti tirambe  tichizvipira kwaari maererano nezvatinokwanisa. Izvozvo zvinonyaradza chaizvo kune vaya vanoda Jehovha zvichinyatsobva pamwoyo! Vakaipa havana chido chakadaro chokusimuka. Havatsvaki kubatsirwa nemudzimu mutsvene waMwari uye nevanhu vake, kana kuti vanoramba rubatsiro rwacho. Asi kune vaya ‘vanoda mutemo waJehovha,’ hapana chinogona kuvagumbura zvokuvatadzisa zvachose kuramba vari munhangemutange youpenyu.—Verenga Pisarema 119:165.

7, 8. Zvingaitika sei kuti munhu ‘awe’ asi oramba achifarirwa naMwari?

7 Vamwe vanoita chivi chisina kunyanya kukura, zvimwe kanoverengeka, pamusana pokukundwa nemiedzo. Asi Jehovha anoramba achivaona sevakarurama kana ‘vakasimuka,’ kureva kuti vakapfidza nemwoyo wose, voedza kutangazve kumushumira vakatendeka. Izvozvo tinogona kuzviona pane zvaiitirwa vaIsraeri naMwari. (Isa. 41:9, 10) Zvirevo 24:16, ine mashoko ambotaurwa, inosimbisa nyaya ‘yokusimuka’ tichibatsirwa naMwari wedu ane ngoni panzvimbo pokusimbisa nyaya ‘yokuwa.’ (Verenga Isaya 55:7.) Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoratidza kuvimba kwavanoita nesu nokutikurudzira ‘kusimuka.’—Pis. 86:5; Joh. 5:19.

8 Kunyange kana mumhanyi akagumburwa kana kuti akawa munhangemutange yedaro refu, angava nenguva yokusimuka opedzisa kumhanya kana akakurumidza kuzviita. Munhangemutange yedu youpenyu husingaperi, hatizivi ‘zuva neawa’ pachaguma nhangemutange yacho. (Mat. 24:36) Asi kana tikagumburwa kashoma, tichavawo nemukana wakakura wokuramba tichimhanya zvakadzikama kusvika tapedza. Saka tingaitei kuti tisagumburwa?

KUGUMBURWA KUNOTADZISA KUFAMBIRA MBERI

9. Ndezvipi zvinhu zvinogona kutigumbura zvatichakurukura?

9 Ngatikurukurei zvinhu zvishanu zvinogona kutigumbura zvinoti, miedzo inotikunda nyore nyore, zvido zvenyama, kuitirwa zvakaipa nevamwe vatinonamata navo, kutambura kana kutambudzwa, uye kusakwana kwevamwe. Zvisinei, yeuka kuti kana tikagumburwa, Jehovha ane mwoyo murefu chaizvo. Haakurumidzi kutiti hatina kuvimbika.

10, 11. Dhavhidhi aikundwa zviri nyore nemuedzo upi?

10 Miedzo inotikunda nyore nyore ingafananidzwa netumatombo turi munomhanyirwa. Patinotarira pane zvakaitika muupenyu hwaMambo Dhavhidhi uye hwemuapostora Petro, tinogona kuona miedzo miviri yakadaro inogona kukunda munhu zviri nyore, kutadza kuzvidzora uye kutya vanhu.

11 Mambo Dhavhidhi aikundwa zviri nyore nokutadza kuzvidzora sezvinoratidzwa pane zvaakaita naBhati-shebha. Uye paakatukwa naNabhari, Dhavhidhi akada kuchimbidza kumurwisa. Chokwadi akatadza kuzvidzora, asi haana kukanda mapfumo pasi pakuedza kufadza Jehovha. Achibatsirwa nevamwe, akakwanisa kusimbazve pakunamata.—1 Sam. 25:5-13, 32, 33; 2 Sam. 12:1-13.

12. Petro akaramba sei ari munhangemutange pasinei nokugumburwa?

12 Petro akaratidza kuti aitya vanhu, zvikaita kuti pane imwe nguva agumburwe chaizvo; asi akaramba akavimbika kuna Jesu naJehovha. Somuenzaniso, akaramba Tenzi wake paruzhinji, kwete kamwe chete, asi katatu. (Ruka 22:54-62) Papfuura nguva, Petro akatadza kuita zvaienderana nechiKristu paakabata vatendi vemamwe marudzi sevanhu vakaderera pane vaKristu vechiJudha. Zvisinei, muapostora Pauro akaona nyaya yacho zvakajeka, kuti muungano maisafanira kuva norusaruro. Mafungiro aPetro ainge akaipa. Pauro akapa Petro zano vakatarisana chiso nechiso, maitiro ake asati akanganisa hama. (VaG. 2:11-14) Petro akagumbuka zvokuti akabuda munhangemutange youpenyu here? Kwete. Akanyatsofunga nezvezano raPauro, akarishandisa, akaramba ari munhangemutange.

13. Kurwara kungaita sei kuti munhu agumburwe?

 13 Dzimwe nguva muedzo ungatikunda zviri nyore une chokuita noutano. Ungauya muupenyu hwedu sechinhu chinogumbura. Ungakanganisa mamhanyiro atinenge tichiita pakunamata uye kunyange kuita kuti tidzedzereke topera simba. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yokuJapan yakarwara chaizvo pashure pokunge yava nemakore 17 yabhabhatidzwa. Yakabva yati sika sika nenyaya youtano zvokuti yakapedzisira yaneta pakunamata. Nokufamba kwenguva yakabva yarega mabasa echiKristu. Vakuru vaviri vakaishanyira. Yakurudzirwa nemashoko avo emutsa, yakatangazve kupinda misangano. Hanzvadzi yacho inoti, “Kukwaziswa noushamwari kwandakaitwa nehama dzacho kwakaita kuti ndicheme.” Hanzvadzi yedu yavazve munhangemutange youpenyu.

14, 15. Idanho ripi rakasimba rinofanira kutorwa kana zvido zvakaipa zvikauya mupfungwa? Taura muenzaniso.

14 Zvido zvenyama zvakagumbura vakawanda. Kana tikasangana nemuedzo uyu, tinofanira kutora danho rakasimba kuti tichengete pfungwa dzedu, tsika, uye kunamata zvakachena. Yeuka zano raJesu rokuti tiite setiri ‘kurasira kure’ chero chinhu chingatigumbura, kunyange ziso redu kana ruoko rwedu. Izvozvo hazvingasanganisiri here pfungwa nemaitiro zvounzenza izvo zvakaita kuti vamwe vabude munhangemutange?—Verenga Mateu 5:29, 30.

15 Imwe hama yakarererwa mumhuri yechiKristu yakanyora kuti kubvira kare yainge ichinetseka nokuda kuita zvoungochani. Yakati: “Ndaigara ndichinetseka. Zvaiita sokuti ndaisaziva pangu chaipo.” Payakasvitsa makore 20, yainge yava piyona wenguva dzose uye mushumiri anoshumira muungano. Yakabva yagumburwa zvakaipa, ikarangwa maererano neMagwaro, asi yakabvuma kubatsirwa nevakuru. Kunyengetera, kudzidza Shoko raMwari, uye kuisa pfungwa pakubatsira vamwe kwakaita kuti isimuke uye itangezve kumhanya pakunamata. Papfuura makore, yakazoti: “Dzimwe nguva pfungwa idzodzo dzinombouya, asi handidziregi dzichindikunda. Ndakadzidza kuti Jehovha haazokuregi uchiedzwa kupfuura zvaunogona kutsungirira. Saka ndine chokwadi chokuti anofunga kuti ndinogona kutsungirira.” Hama iyi inopedzisa nokuti: “Ndichawana mubayiro munyika itsva wokutsungirira kwose kwandiri kuita. Ndizvo zvandinoda! Kusvikira panguva iyoyo, ndicharamba ndichirwa.” Hama iyi yakatsunga kuramba ichimhanya.

16, 17. (a) Chii chakabatsira imwe hama yaifunga kuti yainge yaitirwa zvakaipa? (b) Kuti tisagumburwa, tinofanira kuisa pfungwa pana ani?

16 Zvakaipa zvatingaitirwa nevamwe vatinonamata navo zvinogona kutigumbura. KuFrance, imwe hama yaimbova mukuru yaifunga kuti yainge yaitirwa zvakaipa, uye yakagumbuka. Saka yakarega kuwadzana neungano uye mamwe basa echiKristu. Vakuru vaviri vakaishanyira ndokuteerera vachiratidza kunzwira tsitsi kusvikira yapedza kurondedzera zvayaiti yainge yaitirwa. Vakaikurudzira kukanda mutoro wayo pana Jehovha, vakasimbisa kuti chinonyanya kukosha kufadza Mwari. Yakabvuma zano racho uye pasina nguva yainge yavazve munhangemutange, ichishingaira muungano.

17 VaKristu vose vanofanira kuramba vakaisa pfungwa pana Jesu Kristu, akasarudzwa kuti ave Musoro weungano, kwete pavanhu vanotadza. Jesu, uyo ane maziso “akaita somurazvo womoto,” anoona zvinhu zvose nenzira yakakodzera uye anoona kupfuura zvatinogona kuona. (Zvak. 1:13-16) Somuenzaniso, anoona kuti zvimwe zvinoita sezvakaipa kwatiri kungava kuri kutadza kuona kana kunzwisisa kwatinenge tichiita. Jesu achagadzirisa zvinodiwa neungano nenzira yakanakanaka uye panguva yakakodzera. Saka, hatifaniri kurega zvinoitwa kana kuti zvinosarudzwa nemuKristu chero upi zvake zvichitigumbura.

18. Tingatsungirira sei miedzo kana kuti mamiriro ezvinhu anotambudza?

18 Zvimwe zvinhu zvinogumbura ndeizvi, kutambura kana kutambudzwa uye kusakwana kwevamwe vari muungano. Mumufananidzo  wake womudyari, Jesu akataura kuti “kutambura kana kutambudzwa” nemhosva yeshoko kwaizoita kuti vamwe vanhu vagumburwe. Pasinei nokuti kutambudzwa kwacho kuri kubva kuna ani, vangava vemumhuri, vavakidzani, kana kuti hurumende, kunogona kunyanya kukanganisa munhu asina “midzi maari pachake,” asina kutenda kwakasimba. (Mat. 13:21) Asi kana tikaramba tiine mwoyo wakarurama, mbeu yoUmambo ichatibatsira kuti tive nokutenda kwakadzika midzi. Paunosangana nemiedzo, edza kunyengetera uye kufungisisa zvinhu zvinorumbidzwa. (Verenga VaFiripi 4:6-9.) Tichibatsirwa nesimba raJehovha, tichatsungirira miedzo, tisingabvumiri mamiriro ezvinhu anotambudza kuva zvinhu zvinogumbura.

Usarega chero chii zvacho chichikutadzisa kupedza nhangemutange!

19. Tingaitei kuti kukanganisa kwevamwe kusava chinhu chinotigumbura?

19 Zvinosuruvarisa kuti mumakore akapfuura, vamwe vakarega kusakwana kwevamwe kuchivabudisa munhangemutange. Vakagumburwa nemaonero akasiyana panyaya dzinosiyirwa hana yomunhu. (1 VaK. 8:12, 13) Kana mumwe munhu akatigumbura, ticharega here izvozvo zvichiva nyaya yakakura? Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti varege kutonga vamwe, kuti vakanganwire vamwe, uye kusasimbirira pakodzero dzavo. (Ruka 6:37) Kana ukasangana nechinhu chingaita sedombo rinogumbura, zvibvunze kuti: ‘Ndiri kutonga vamwe here maererano nezvandinoda? Sezvo ndichiziva kuti hama dzangu dzinotadzawo, ndicharega kukanganisa kwemumwe munhu kuchindibudisa munhangemutange youpenyu here?’ Kuda Jehovha kunogona kutibatsira kutsunga kusabvumira chero chii chingaitwa nevamwe chichititadzisa kusvika patambo.

MHANYA UCHITSUNGIRIRA—USAGUMBURWA

20, 21. Watsunga kuitei munhangemutange youpenyu?

20 Watsidza here mumwoyo ku“mhanya kusvika kumugumo”? (2 Tim. 4:7, 8) Kana wadaro, unotofanira kudzidza uri woga. Shandisa Bhaibheri nemamwe mabhuku esangano kuti zvikubatsire kutsvakurudza, kufungisisa, uye kuona zvinhu zvingangokugumbura. Teterera kuti mudzimu mutsvene ukupe simba raunoda pakunamata. Yeuka kuti hapana mumhanyi anonzi uyu achatokundikana munhangemutange youpenyu nemhosva chete yokuti anogumburwa kana kuti anombowa. Anogona kusimuka otangazve kumhanya. Angatoita kuti zvinhu zvinogona kumugumbura zvimubatsire kuwana zvidzidzo zvinokosha kubva pamamiriro ezvinhu chero api zvawo akaoma.

21 Bhaibheri rinoratidza kuti munhangemutange youpenyu husingaperi tinofanira kutoshanda, kwete kungogara. Hatifaniri kuita setiri mubhazi rakatakura vaya vari kuenda kunokunda. Tinofanira kumhanya isu pachedu munhangemutange youpenyu. Patinenge tichidaro, “rugare rukuru” runobva kuna Jehovha ruchaita semhepo iri kutisundira mberi. (Pis. 119:165) Tinogona kuvimba kuti acharamba achitipa makomborero iye zvino uye kuti achapa vaya vose vanopedza kumhanya makomborero asingaperi.—Jak. 1:12.