Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakuru, Munoona Sei Basa Rokudzidzisa Dzimwe Hama Muungano?

Vakuru, Munoona Sei Basa Rokudzidzisa Dzimwe Hama Muungano?

“Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.”—MUP. 3:1.

1, 2. Ndezvipi zvakaonekwa nevatariri vematunhu kuti hazvisi kuitwa muungano dzakawanda?

MUMWE mutariri wedunhu akanga ava kupedza kuita musangano nedare revakuru. Akabayiwa mwoyo chaizvo nokuti vafudzi ava vaishanda nesimba, kunyange zvazvo vamwe vacho vakanga vakura zvokuti aigona kutovati vanababa. Asi akatangawo kunetseka, saka akavabvunza kuti, “Hama, ndezvipiwo zvamakaita pakudzidzisa vamwe mabasa omuungano?” Vakuru vacho vakabva vayeuka kuti mutariri wedunhu uyu paakapedzisira kushanyira ungano yavo, akanga avakurudzira kuti vawanewo nguva yokudzidzisa vamwe kuita mabasa omuungano. Mumwe mukuru akazoti, “Kutaura chokwadi, hapana zvatakamboita.” Vamwe vose vakabva vagutsurira.

2 Kana uri mukuru wechiKristu, pamwe zvakaitika pamusangano uyu zvakamboitikawo kwauri. Vatariri vematunhu vari munyika dzakasiyana-siyana vakaona kuti muungano zhinji, pane zvakawanda zvinofanira kuitwa pakudzidzisa hama dzechiduku nedzakura, kuti dziite basa rokufudza makwai aJehovha. Asi hazvisi nyore. Nei tichidaro?

3. (a) Magwaro anoratidza sei kuti basa rokudzidzisa vamwe rinokosha, uye nei nyaya iyi ichibata tose zvedu? (Ona mashoko omuzasi.) (b) Chii chinogona kuita kuti vamwe vakuru vaomerwe nokudzidzisa vamwe?

3 Semufudzi, hapana mubvunzo kuti unoziva kuti zvinokosha kudzidzisa vamwe mabasa omuungano. * Unoziva kuti pari kudiwa hama dzakawanda dzinobatsira kuti ungano dzirambe dzakasimba uye kuti pakwanise kuumbwa ungano itsva. (Verenga Isaya 60:22.) Unozivawo kuti Shoko raMwari rinokukurudzira kuti ‘udzidzise vamwe.’ (Verenga 2 Timoti 2:2.) Asi, kungofanana nevakuru vataurwa mundima yokutanga, ungaomerwa nokuita izvozvo. Ungaona sokuti haungambowani nguva yokudzidzisawo vamwe vari muungano nokuti unenge uchifanira kuriritira mhuri, kuenda kubasa, kuita mabasa omuungano uye kuita zvimwe zvinhu zvinenge zvichida kukurumidza kuitwa. Saka ngatikurukurei kuti vakuru vanofanira kuona sei basa rokudzidzisa vamwe.

KUDZIDZISA VAMWE KUNOKOSHA

4. Nei vamwe vakuru vachiverengera kudzidzisa hama mabasa omuungano?

4 Chii chinogona kuita kuti vamwe vakuru vaomerwe nokuwana nguva yokudzidzisa vamwe mabasa omuungano? Vamwe vanofunga kuti pane zvimwe zvinhu zvomuungano zvinoda kukurumidza kuitwa zvinokosha kupfuura kudzidzisa vamwe. Saka vangafunga kuti kana vakazodzidzisa vamwe pave paya, zvinhu zvinongoramba hazvo zvichifamba zvakanaka muungano. Kunyange zvazvo paine zvinhu zvakawanda zvaunenge uchida kukurumidza kuita, kana ukaverengera kudzidzisa hama, ungano inogona kukanganisika pakunamata.

5, 6. Tinodzidzei pamuenzaniso wemutyairi anoverengera kuchinja oiri yemota yake, uye izvi zvingashanda sei pakudzidzisa vamwe mabasa omuungano?

5 Ngatimbofungei nezvemuenzaniso unotevera: Mutyairi wemota anoziva kuti anofanira kugara achichinja oiri yemota yake kuitira kuti irambe ichishanda zvakanaka. Asi angafunga kuti sezvo mota isingakwanisi kufamba isina mafuta, zviri nani kuti ambotanga adira mafuta emota, zvokuchinja oiri ozozviona pane imwe nguva. Angafunga kuti mota yake inogona kumboramba ichifamba kunyange zvazvo asina kuchinja oiri. Asi chii chinogona kuitika? Kana akaramba achiverengera, mota yake inozongoerekana yafa. Saka anenge ava kufanira kupedza nguva yakawanda achiigadzirisa uye zvichamudyira mari yakawanda. Tinodzidzei?

6 Vakuru vane zvinhu zvakawanda zvavanofanira kukurumidza kuita. Kana vakasazviita, ungano inogona kukanganisika. Saka kungofanana nemutyairi uya anova nechokwadi chokuti anogara achidira mafuta mumota, vakuru vanofanirawo kuva “nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.” (VaF. 1:10) Zvisinei, vamwe vakuru vanonyanya kubatikana nemamwe mabasa anoda kukurumidza kuitwa zvokuti vangafunga kuti zvokudzidzisa vamwe zvinozoonekwa pave paya, sezvinoitwa nemutyairi uya anoverengera kuchinja oiri yemota yake. Kana vakaramba vachiverengera, ungano inozopedzisira yava nehama shoma dzinokwanisa kuita mabasa ose anenge achida kuitwa.

7. Tinofanira kuona sei vakuru vanowana nguva yokudzidzisa hama mabasa muungano?

7 Saka hatifaniri kuona basa rokudzidzisa vamwe sechinhu chisinganyanyi kukosha. Vakuru vaya vanofunga nezveramangwana uye vanodzidzisa hama mabasa omuungano, vanoratidza kuti vatariri vakachenjera uye chikomborero kuungano. (Verenga 1 Petro 4:10.) Ungano inobatsirwa sei?

DZIDZISAI VAMWE KUITIRA RAMANGWANA

8. (a) Chii chinoita kuti vakuru vadzidzise vamwe? (b) Ibasa ripi rinofanira kukurumidza kuitwa nevaya vanoshumira kune dzimwe nyika? (Ona bhokisi rakanzi “ Basa Rinofanira Kukurumidza Kuitwa.”)

8 Kunyange vakuru vagara nebasa vanofanira kubvuma kuti ichasvika nguva yavanenge vasisakwanisi kuita zvakawanda muungano nemhaka yokukwegura. (Mika 6:8) Vanofanirawo kuziva kuti kuwirwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” kungaita kuti zvinhu zvingoerekana zvachinja zvokuti havazogoni kuita mabasa omuungano. (Mup. 9:11, 12; Jak. 4:13, 14) Saka vakuru vakangwara vanoudza hama dzechiduku zvavakadzidza mumakore avashumira Jehovha vakatendeka nemhaka yokuti vanoda chaizvo makwai aJehovha uye vanenge vachigadzirira ramangwana.—Verenga Pisarema 71:17, 18.

9. Chii chichaitika mune ramangwana chinoita kuti basa rokudzidzisa vamwe rikoshe chaizvo?

9 Chii chimwezve chinoita kuti vakuru vanodzidzisa hama kuita mabasa omuungano vanzi chikomborero? Vanoita kuti ungano irambe yakasimba. Sei? Kana vakuru vakadzidzisa dzimwe hama, zvichaita kuti pave nehama dzakawanda dzinosimbisa ungano uye dzinoita kuti ibatane. Izvozvo zvinobatsira munguva ino, asi zvichatonyanya kubatsira pakutambudzika kukuru, zvinhu pazvichange zvaoma. (Ezek. 38:10-12; Mika 5:5, 6) Saka vakuru, tinokukumbirai kuti kutanga nhasi, mugarewo muchidzidzisa vamwe kuita mabasa omuungano.

10. Mukuru anofanira kuitei kuti awane nguva yokudzidzisa vamwe?

10 Zvichida nguva yamunotora muchiita mabasa omuungano ingaita kuti musare maparara nokuneta. Asi munofanirawo kusiya zvimwe zvinhu kuti muwane nguva yokudzidzisa vamwe. (Mup. 3:1) Pamunoita izvozvo, munenge muchirongera ramangwana.

GADZIRIRA MWOYO WOMUDZIDZI

11. (a) Chii chinoshamisa pamazano okudzidzisa vamwe akataurwa nevakuru vanobva kunyika dzakasiyana-siyana? (b) Maererano naZvirevo 15:22, nei zvichibatsira kukurukura mazano akataurwa nevamwe vakuru?

11 Munguva ichangopfuura, vamwe vakuru vari kubatsira hama kuti dziite zvakawanda muungano vakabvunzwa kuti vanoshandisa nzira dzipi pakudzidzisa vamwe. * Kunyange zvazvo vakuru ava vachibva munyika dzakasiyana-siyana, mazano avakataura akafanana. Izvi zvinoratidzei? Zvinoratidza kuti mazano eBhaibheri anobatsira vadzidzi vari “kwose kwose muungano dzose” sezvazvakanga zvakangoita munguva yemuapostora Pauro. (1 VaK. 4:17) Saka munyaya ino neinotevera, tichakurukura mamwe mazano akataurwa nevakuru ava. (Zvir. 15:22) Tichataura nezvevakuru tichishandisa shoko rokuti “vadzidzisi” uye shoko rokuti “vadzidzi” kureva hama dzinenge dzichidzidziswa kuita mabasa omuungano.

12. Mudzidzisi anofanira kuitei asati adzidzisa mumwe munhu, uye nei achifanira kudaro?

12 Mudzidzisi anofanira kutanga agadzirira mwoyo womudzidzi asati atanga kumudzidzisa. Izvi tinogona kuzvifananidza nezvinoitwa nemurimi. Paanenge achida kudyara mbeu, anotanga atimbira ivhu. Saka mudzidzisi angagadzirira sei mwoyo womudzidzi? Izvi anozviita nokutevedzera nzira yakashandiswa nemumwe muprofita waMwari. Inzira ipi iyoyo?

13-15. (a) Muprofita Samueri akapiwa basa rei? (b) Samueri akaita sei basa rake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (c) Nei nyaya yaSamueri ichibatsira vakuru mazuva ano?

13 Makore anodarika 3 000 akapfuura, Jehovha akaudza muprofita Samueri kuti: “Mangwana panenge panguva ino ndichakutumira mumwe murume anobva kunyika yaBhenjamini, umuzodze kuti ave mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.” (1 Sam. 9:15, 16) Samueri akaziva kuti basa rake rokutungamirira vaIsraeri rainge rava kunopera uye Jehovha ainge amupa basa rokuti agadze munhu aizomutsiva. Samueri anofanira kunge akazvibvunza kuti, ‘Ndingagadzirira sei mwoyo womurume uyu kuti azokwanisa kuita basa rake?’ Akafunga zano.

14 Zuva rakatevera racho, Samueri akaona Sauro uye Jehovha akamuudza kuti: “Hoyu murume” wacho. Samueri akabva aita zvaakanga aronga. Akakoka Sauro kuti vanodya vose muimba yokudyira. Vasvika ikoko Samueri akapa Sauro nemushandi wake zvigaro zvakanaka chaizvo uye nyama yakanaka chaizvo uye Samueri akati: “Idya, nokuti vazvichengetera iwe.” Vapedza kudya, Samueri naSauro vakatanga kufamba vachienda kumba kwomuprofita wacho vachikurukura zvavo. Chinangwa chaSamueri paakaita zvose izvi chaiva chokuti atange ava neushamwari naSauro asati amuudza mashoko aaiva nawo. Pavakasvika kumba kwaSamueri vakabva vakwira pamusoro pemba. Manheru iwayo kuchitonhorera, Samueri “akaramba achitaura naSauro vari pamusoro pemba” kusvikira vaenda kunorara. Zuva rakatevera, Samueri akazodza Sauro, akamutsvoda uye akamupa mimwe mirayiridzo. Akabva arega Sauro achienda, agadzirira zvaiva mberi.—1 Sam. 9:17-27; 10:1.

15 Ichokwadi kuti kuzodza munhu kuti ave mutungamiriri hakuna kufanana nokudzidzisa hama kuti izova mukuru kana mushumiri anoshumira muungano. Asi vakuru vanogona kuwana zvidzidzo zvinokosha panzira yakashandiswa naSamueri. Ngatikurukurei zviviri zvacho.

DZIDZISAI NECHIDO UYE UMBAI USHAMWARI

16. (a) Samueri akanzwa sei vaIsraeri pavakati vaida mambo? (b) Samueri akaita sei paakaudzwa naJehovha kuti azodze Sauro?

16 Dzidzisai nechido, musaita zvechirango. Samueri paakanzwa kuti vaIsraeri vaida munhu anovatungamirira, pakutanga akarwadziwa uye akanzwa sokuti vanhu vainge vamuramba. (1 Sam. 8:4-8) Aisatomboda kuita zvaidiwa nevanhu vacho, zvokuti Jehovha akamuudza katatu kuti aifanira kuvateerera. (1 Sam. 8:7, 9, 22) Kunyange zvakadaro, Samueri haana kugumbukira murume aizomutsiva uye haanawo kumuitira godo. Jehovha paakaudza muprofita wacho kuti azodze Sauro, akateerera uye akaita basa iroro nemwoyo wose, kwete nokungoti ndizvo zvaainge audzwa.

17. Mazuva ano vakuru vanotevedzera sei Samueri, uye chii chinoita kuti vafare?

17 Mazuva ano kune vakuru vakawanda vagara nebasa vanotevedzera Samueri uye vanodzidzisa vamwe nemwoyo wose. (1 Pet. 5:2) Vakuru ivavo havaregi kudzidzisa vamwe vachityira kuti vangazovatorera mamwe mabasa avanoita muungano. Havaoni vadzidzi sevanhu vari kukwikwidzana navo, asi ‘sevashandi pamwe chete navo’ uye sechikomborero muungano. (2 VaK. 1:24; VaH. 13:16) Vakuru ivavo vanofara chaizvo pavanoona hama dzavanenge vachidzidzisa dzichishandisa unyanzvi hwadzo kubatsira ungano!—Mab. 20:35.

18, 19. Mukuru angagadzirira sei mwoyo womudzidzi, uye nei kuita izvozvo kuchikosha chaizvo?

18 Iva shamwari yemudzidzi, kwete kungova mudzidzisi chete. Samueri paakaonana naSauro, aigona kudai akangotora mudziyo wemafuta odira mumusoro waSauro, obva amurega achienda azodzwa asi asina kugadzirira kutungamirira vanhu vaMwari. Asi akatanga agadzirira mwoyo waSauro zvishoma nezvishoma. Samueri akazoona kuti yainge yasvika nguva yokuti azodze Sauro pashure pokunge vambodya, vafamba vose, vakurukura kwenguva yakareba uye vazorora usiku.

Kudzidzisa vamwe kunotanga nokuumba ushamwari (Ona ndima 18, 19)

19 Saizvozvowo, mudzidzisi anofanira kutanga aumba ushamwari nemudzidzi asati atanga kumudzidzisa. Zvingaitwa nemukuru kuti aumbe ushamwari ihwohwo zvinogona kusiyana munyika nenyika, zvichienderana nemamiriro ezvinhu emo netsika dzemo. Asi pasinei nekwaunogara, kana ukawana imwe nguva yokuti uve nemudzidzi kunyange zvazvo uine zvakawanda zvokuita, unenge uchiita seuri kumuudza kuti, “Unokosha chaizvo kwandiri.” (Verenga VaRoma 12:10.) Vadzidzi vachanyatsoona kuti unovada uye vachakuonga chaizvo.

20, 21. (a) Mudzidzisi anobudirira anoita sei? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Vakuru, yeukai kuti: Mudzidzisi anobudirira haangogumiri pakuda kudzidzisa mumwe munhu, asi anodawo munhu wacho waanenge achidzidzisa. (Enzanisa naJohani 5:20.) Kana mudzidzi akaona kuti mudzidzisi wake ane hanya naye, achabvuma kudzidziswa. Saka, imi vakuru, pamunenge muchidzidzisa vamwe, musangogumira pakuva vadzidzisi asi ivaiwo shamwari dzavo.—Zvir. 17:17; Joh. 15:15.

21 Kana mukuru achinge agadzirira mwoyo womudzidzi, anogona kutanga kuchimudzidzisa. Angazviita sei? Izvozvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

^ ndima 3 Nyaya ino neinotevera dzakanyanya kunyorerwa vakuru, asi zviri kutaurwa zvinogona kubatsira munhu wose ari muungano. Nei tichidaro? Nokuti nyaya idzi dziri kukurudzira varume vose vakabhabhatidzwa kuti vazive kuti vanofanira kudzidziswa mabasa omuungano. Kana vakadzidziswa mabasa iwayo, zvichabatsira vose vari muungano.

^ ndima 11 Vakuru ava vanobva kuAustralia, Bangladesh, Belgium, Brazil, France, French Guiana, Japan, Korea, Mexico, Namibia, Nigeria, Réunion, Russia, South Africa, uye United States.