Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shanduro Inoratidza Kuti Shoko raMwari Ibenyu

Shanduro Inoratidza Kuti Shoko raMwari Ibenyu

“Shoko raMwari ibenyu.”VAH. 4:12.

NZIYO: 37, 116

1. (a) Mwari akapa Adhamu basa rei? (b) Vanhu vaMwari vari kushandisa sei chipo chemutauro?

JEHOVHA MWARI akapa zvisikwa zvake chipo chekukwanisa kutaura. Pashure pekupa Adhamu musha wakanaka, Mwari akamupa basa rekupa mhuka mazita, izvo zvaisanganisira kushandisa mutauro. Adhamu akashandisa uchenjeri hwake kupa mhuka imwe neimwe zita rakakodzera. (Gen. 2:19, 20) Kubvira panguva iyoyo, vanhu vaMwari vakashandisa chipo chemutauro kurumbidza Jehovha uye kuita kuti vamwe vazive kuda kwake. Mazuva ano, vanhu vaMwari vari kushandisa chipo ichi kufambisira mberi kunamata kwechokwadi kuburikidza nekushandura Bhaibheri.

2. (a) Zvinhu zvipi zvitatu zvaifungwa nezvazvo neKomiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva payaishandura Bhaibheri? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Pane zviuru zveshanduro dzeBhaibheri, asi shanduro idzi dzinosiyana pamabudisiro adzinoita zvaiva muzvinyorwa zvekare. Mumakore ekuma1940, Komiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva yakanyora pasi zvinhu zvitatu zvinokosha zvaizofanira kufungwa nezvazvo pakushandura Bhaibheri, izvo zvakazoshandiswawo mumitauro inopfuura 130. Zvinhu zvacho zvinoti, (1) Kutsvenesa zita raMwari nekuridzorera paraiva muMagwaro. (Verenga Mateu 6:9.) (2) Kushandura shoko neshoko kana zvichiita, asi kana zvisingaiti, kungoshandura pfungwa iri kurehwa. (3) Kushandisa mutauro uri nyore kunzwisisa unoita kuti munhu ade kuverenga. * (Verenga Nehemiya 8:8, 12.) Ngationei kuti zvinhu izvi zvitatu zvakashandiswa sei pakushandura Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva mune mimwe mitauro uye pakudzokorora shanduro yakazobudiswa muna 2013.

KUREMEKEDZA ZITA RAMWARI

3, 4. (a) Zita raMwari rinowanikwa muzvinyorwa zvipi zvekare? (b) Vashanduri vemaBhaibheri vakawanda vakaitei nezita raMwari?

3 Vanoongorora zvinyorwa zveBhaibheri zvekare zvechiHebheru, zvakadai sezviya zveGungwa Rakafa, vakaona kuti zita raMwari, iro rinomiririrwa nemabhii mana anonzi Tetragrammaton, rakazara muzvinyorwa izvozvo. Zita raMwari rinowanikawo mumakopi eSeptuagint yechiGiriki akabudiswa mumakore ari pakati pa200 B.C.E na100.E.

4 Pasinei neuchapupu huri pachena hwekuti zita raMwari rinowanika muBhaibheri, vashanduri vakawanda vanotobvisa zita dzvene raMwari mumaBhaibheri avo. Pangopfuura makore maviri chete Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yabudiswa muna 1950, shanduro inonzi Revised Standard Version yakabva yabudiswawo. Shanduro iyi yakanga isina zita raMwari. Vashanduri vacho havana kuita zvaienderana nechisungo chakanga chaitwa nevakashandura American Standard Version muna 1901. Nei vakadaro? Mashoko okutanga eRevised Standard Version anoti: “Kushandiswa kwezita chairo raMwari mumwe chete . . . hakuna kutombokodzera zvachose kuChechi yechiKristu.” Izvi ndizvo zvakazotevedzerwawo mune dzimwe shanduro dzeChirungu uye dzemimwe mitauro.

5. Nei zvichikosha kuti zita raMwari riwanike muBhaibheri?

5 Zvine basa here kuti zita raMwari rive mushanduro yeBhaibheri kana kuti risavamo? Mushanduri ane unyanzvi anoziva kuti zvinokosha kuti abudise zvairehwa neakatanga kunyora. Magwaro akawanda anoratidza kuti zita raMwari rinokosha uye rinofanira kuremekedzwa. (Eks 3:15; Pis. 83:18; 148:13; Isa. 42:8; 43:10; Joh. 17:6, 26; Mab. 15:14) Jehovha Mwari,—anova ndiye munyori weBhaibheri,—akafemera vanyori varo kuti vashandise zita rake vakasununguka. (Verenga Ezekieri 38:23.) Kusiya zita iroro, iro rinowanikwa kane zviuru muzvinyorwa zveBhaibheri zvekare, kunoratidza kusaremekedza Munyori waro.

6. Nei Shanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa iine zita raMwari pane mamwe mavhesi 6?

6 Uchapupu hunoratidza kuti zita raMwari rinofanira kuramba riri muBhaibheri huri kuramba huchiwedzera. Shanduro yeNyika Itsva ya2013 yakadzokororwa yava nezita raMwari pane mamwe mavhesi 6 anga asingawaniki zita iri mushanduro ya1984, zvichiita kuti riwanike imomo ka7 216. Mamwe mavhesi acho mashanu ndi1 Samueri 2:25; 6:3; 10:26; 23:14, 16. Zita raMwari rakadzorerwa munzvimbo idzi nekuti rinowanika muzvinyorwa zveGungwa Rakafa, izvo zvakanyorwa makore anopfuura 1 000 zvinyorwa zvechiHebheru zvevaMasorete zvisati zvanyorwa. Zita iri rakadzorerwawo pana Vatongi 19:18 nekuti kuongororwa kwezvinyorwa zvekare kwakaratidza kuti raivapo pavhesi iyi.

7, 8. Tsanangudzo yokuti, “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda” inorevei?

7 VaKristu vechokwadi vanokoshesa chaizvo zita raJehovha. Shanduro yeNyika Itsva ya2013 yakadzokororwa ine mamwe mashoko akagadziridzwa panyaya iyi. Komiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva inonzwisisa kuti zita iri rinobva pashoko rechiito rechiHebheru rokuti ha·wahʹ, iro rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive.” * Kare, mabhuku edu aitsanangura zvinoreva zita iri achishandisa Eksodho 3:14 iyo inoti: “Ndichava Iye Wandichava.” Izvi zvakaita kuti Shanduro ya1984 itsanangure kuti zita iri rinoreva kuti “anongoramba achizviita kuti ave Munhu anoita zvaakapikira.” * Zvisinei, Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari kanotsanangura kuti: “Kunyange zvazvo zita rekuti Jehovha ringasanganisira pfungwa iyi, haringogumiri pane zvaanosarudza kuva. Rinosanganisirawo zvaanokonzera kuti zviitike kuzvisikwa zvake uye pakuzadzika kwechinangwa chake.”

8 Jehovha anoita kuti zvisikwa zvake zviite sezvaanoda. Mwari akaita zvinoenderana nezita rake paakaita kuti Noa avake areka, Bhezareri ave mhizha yemandorokwati, Gidhiyoni ave mhare yekurwa, uye kuti Pauro ave muapostora kune mamwe marudzi. Chokwadi, vanhu vaMwari vanonzwisisa kuti zita rake rinoreva zvakawanda. Komiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva haina kuderedza ukoshi hwezita iri nekuribvisa muBhaibheri.

9. Nei Dare Rinotungamirira richikoshesa kushandurwa kweBhaibheri mune mimwe mitauro?

9 Shanduro yeNyika Itsva iyo inowanika mumitauro inopfuura 130, inokudza zita raMwari nekuridzorera paraiva muzvinyorwa zvitsvene. (Verenga Maraki 3:16.) Asi, vamwe vashanduri vakawanda veBhaibheri vakatsiva zita raMwari nezita rekuremekedza rakadai serekuti “Ishe” kana kuti zita remumwe mwari wemunyika yavanogara. Ichi ndicho chikonzero chikuru chinoita kuti Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha riite zvese zvarinogona kuti vanhu vakawanda vawane Bhaibheri rinokudza zita raMwari.

SHANDURO YAKARURAMA UYE INONZWISISIKA

10, 11. Mashoko api aiomera vamwe vashanduri veShanduro yeNyika Itsva vemimwe mitauro?

10 Kushandurira magwaro matsvene mumitauro yakawanda kwakanga kusiri nyore. Somuenzaniso, Shanduro yeNyika Itsva yeChirungu yekare yaitevedzera zvakaitwa nedzimwe shanduro dzeBhaibheri dzeChirungu dzinoshandisa shoko rechiHebheru rokuti “Sheori” pamavhesi akaita saMuparidzi 9:10. Ndima yacho yaiti: “MuSheori, iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” Vashanduri vemitauro isiri yeChirungu vakasangana nedambudziko pakuti shoko rokuti “Sheori” harizivikanwi nevaverengi vakawanda uye haritombowanikwi mumaduramazwi avo, zvokuti kana vachirinzwa vanofunga kuti izita reimwe nyika. Saka vashanduri vakapiwa mvumo yekushandisa shoko rokuti “Guva,” zvinova ndizvo zvinorehwa neshoko rokuti “Sheori” uye rechiGiriki rakafanana naro rokuti “Hadhesi.”

11 Mashoko ekuti neʹphesh muchiHebheru uye psy·kheʹ muchiGiriki aishandurwa neshoko rimwe chete rekuti “soul” muChirungu pose paanowanika. Mune mimwe mitauro kushandisawo shoko rimwe chete sezvakaitwa pakashandurwa Bhaibheri reChirungu, kwaivhiringidza vaverengi. Chii chaiita kuti zvidaro? Mashoko aishandiswa mumitauro yacho aiita kuti zviite sokuti “soul” [mweya] chimwe chinhu chiri pamunhu. Izvi zvaigona kupa pfungwa yekuti pane chimwe chinhu chinogona kuzviraramira chega kana munhu afa. Mashoko okuwedzera eNew World Translation of the Holy Scriptures—With References akanga agara aine tsanangudzo dzeshoko iri. Saka vashanduri vacho vakabvumirwa kushandisa tsanangudzo idzi pakushandura shoko reChirungu rokuti “soul” kuti rienderane nezvinenge zvichitaurwa muvhesi yacho. Vaikoshesa kuti mashoko acho anzwisisike zviri nyore, uye vakaisa mashoko omuzasi ane dzimwe tsanangudzo dzinobatsira muverengi kuti anzwisise.

12. Ndezvipi zvimwe zvakachinjwa pakadzokororwa Shanduro yeNyika Itsva ya2013? (Onawo nyaya iri mumagazini ino yakanzi “Shanduro yeNyika Itsva Yakadzokororwa Yakabudiswa Muna 2013.”)

12 Mibvunzo yaibvunzwa nevashanduri yakaratidza kuti vamwe vaverengi vangangodaro vaisanzwisisawo zvimwe zvinhu zvaiva mushanduro yeChirungu. Saka muna September 2007, Dare Rinotungamirira rakapa mvumo yokuti Bhaibheri reChirungu ridzokororwe. Zviuru nezviuru zvemibvunzo yakabvunzwa nevashanduri zvakashandiswa pakudzokororwa kweshanduro ya2013. Mashoko eChirungu ekare akatsiviwa neari kushandiswa mumutauro wemazuva ano, uye pakashandwa nesimba kuti shanduro yacho inzwisisike asi zvairehwa zvisingachinji. Kutevedzera zvakanga zvaitwa nevashanduri vemimwe mitauro kwakaita kuti shanduro yeChirungu inyatsobuda zvakanaka.—Zvir. 27:17.

RAKAFARIRWA CHAIZVO NEVANHU

13. Vanhu vari kunzwa sei neshanduro yeBhaibheri yakadzokororwa ya2013?

13 Vanhu vakawanda vari kunzwa sei neShanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa yeChirungu yavakagamuchira? Zviuru zvetsamba dzekutenda zvakatumirwa kumahofisi edu makuru kuBrooklyn. Zvakataurwa neimwe hanzvadzi zvinoratidza kufara kuri kuita vanhu vakawanda. Yakati: “Bhaibheri rakaita sebhokisi rakazara matombo anokosha. Iye zvino kuverenga Shoko raJehovha tichishandisa shanduro ya2013 kwafanana nekutora dombo rimwe nerimwe, uchinyatsoriongorora, uchiyevedzwa nemativi aro ose, kupenya kwaro, ruvara rwaro uye manakiro arakaita. Magwaro acho akanyorwa nenzira inonyatsonzwisisika uye ari kundibatsira kunyatsoziva Jehovha, uyo anenge achiita sababa vakabata kamwana kavo mumaoko vachikaverengera mashoko anozorodza.”

14, 15. Shanduro yeNyika Itsva yakabatsira sei vanhu vanotaura mitauro yakasiyana-siyana?

14 Haisi Shanduro yeNyika Itsva yeChirungu yakadzokororwa chete yakabaya mwoyo yevanhu. Mumwe murume wechikuru wekuSofia, kuBulgaria, akataura nezveShanduro yeNyika Itsva yechiBulgarian achiti: “Ndava nemakore akawanda ndichiverenga Bhaibheri, asi handisati ndamboverenga shanduro iri nyore kunzwisisa uye inosvika pamwoyo zvakadaro.” Imwe hanzvadzi yekuAlbania payakagamuchira Shanduro yeNyika Itsva yakatiwo: “Hakusi kunakidza kunoita kuverenga Shoko raMwari muchiAlbanian! Chikomborero chikuru kunzwa Jehovha achitaura nesu mumutauro wedu!”

15 Munyika dzakawanda, maBhaibheri anodhura uye haasi nyore kuwana, saka kungova neBhaibheri chikomborero chikuru. Tsamba yakabva kuRwanda yakati: “Kwenguva yakareba, vanhu vakawanda vaidzidziswa Bhaibheri vakanga vasingafambiri mberi pakunamata nokuti vakanga vasina maBhaibheri. Vakanga vasina mari yekutenga shanduro yeBhaibheri inowanika munyika yedu. Vaitadzawo kufambira mberi pakunamata nekuti vaisanzwisisa zvinorehwa nedzimwe ndima dziri muBhaibheri.” Zvinhu zvakazochinja pakabudiswa Shanduro yeNyika Itsva mumutauro wavo. Mumwe murume nemudzimai vekuRwanda vane vana 4 vari kuyaruka vakati: “Tinotenda chaizvo Jehovha nemuranda akatendeka akangwara nekutipa Bhaibheri iri. Tiri varombo uye takanga tisina mari yekutengera munhu wose wemumhuri medu Bhaibheri. Asi iye zvino tose tava nemaBhaibheri. Kuti tiratidze kutenda kwatinoita Jehovha, tinoverenga Bhaibheri semhuri zuva nezuva.”

16, 17. (a) Jehovha anoda kuti vanhu vake vaite sei? (b) Tinofanira kutsunga kuitei?

16 Nekufamba kwenguva, Shanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa ichange yava kuwanika mune mimwe mitauro. Satani anoedza kuita kuti urongwa uhwu husabudirira, asi tinoziva kuti Jehovha anoda kuti vanhu vake vose vanzwe achitaura navo mumutauro wakajeka uye unonzwisisika. (Verenga Isaya 30:21.) Pachasvika nguva yekuti ‘nyika ichange yazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.’Isa. 11:9.

17 Ngatitsungei kunyatsoshandisa zvipo zvese zvatinopiwa naJehovha, kusanganisira shanduro iyi inokudza zita rake. Mubvumire kuti ataure newe zuva nezuva achishandisa Shoko rake. Anokwanisa kunyatsoteerera minyengetero yedu yose nekuti ane uchenjeri husingagumi. Kukurukura naye tichishandisa nzira idzi kuchatibatsira kuti tinyatsomuziva uye tiwedzere kumuda.—Joh. 17:3.

Chikomborero chikuru kunzwa Jehovha achitaura nesu mumutauro wedu!”

^ ndima 2 Ona nyaya inoti, “Ungasarudza Sei Shanduro yeBhaibheri Yakanaka?” muNharireyomurindi yaMay 1, 2008.

^ ndima 7 Mamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri anobvumirana nepfungwa iyi, asi havasi vaongorori vese veBhaibheri vanobvumirana nayo.

^ ndima 7 Ona chikamu chakanzi, “Zita raMwari muMagwaro echiHebheru,” muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, peji 1928.