Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuranga kwaMwari Kwairatidza Utsinye Here?

Kuranga kwaMwari Kwairatidza Utsinye Here?

KUTI tipindure mubvunzo uyu, ngatimboongororai muchidimbu kurangwa kuviri kwakaitwa vanhu naMwari kuri muBhaibheri. Tichaona nezveMafashamo emunguva yaNoa uye kuparadzwa kwevaKenani.

MAFASHAMO EMUNGUVA YANOA

ZVINOTAURWA NEVAMWE: “Mwari akaita utsinye paakaunza mafashamo akaparadza vanhu vose ndokusiya Noa nemhuri yake chete.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: Mwari akati: “Handifariri rufu rwomunhu akaipa, asi kuti munhu akaipa atendeuke panzira yake, arambe achirarama.” (Ezekieri 33:11) Izvi zvinoreva kuti Mwari haana kutombofara nokuparadza kwaakaita vanhu vakaipa munguva yaNoa. Saka akavaparadzirei?

Bhaibheri rinopindura kuti Mwari paakatonga vanhu ivavo vakanga vasingamudi akanga “achiisira vanhu vasingadi Mwari muenzaniso wezvinhu zvichauya.” (2 Petro 2:5, 6) Muenzaniso upi waakasiya?

Kutanga, Mwari akaratidza kuti kunyange zvazvo zvichimurwadza kuti aparadze vanhu, anoona zvinoitwa nevanhu vane utsinye vanokonzera kutambura uye anovarangira mhosva dzavo. Nokufamba kwenguva, achagumisa udzvinyiriri hwose uye kutambura.

Chechipiri, muenzaniso wezvakaitwa naMwari unoratidza kuti anonyevera vanhu nerudo asati avaranga. Noa aiva muparidzi wokururama asi vanhu vakawanda havana kumuteerera. Bhaibheri rinoti: “Havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.”—Mateu 24:39.

Mwari akaramba achiita sezvaakaita munguva yaNoa here? Hongu. Somuenzaniso, akanyevera vanhu vake vaIsraeri kuti kana vaizoita zvakaipa zvaiitwa nemarudzi akanga akavapoteredza, aizorega vavengi vachipamba nyika yavo, voparadza guta ravo guru reJerusarema, vobva vavatapa. VaIsraeri vakaita zvakaipa, vachitopa vana sezvibayiro. Jehovha akavaranga here? Hongu, asi akatanga atuma vaprofita kuti vanyevere vanhu vake kakawanda, kuti vachinje nzira dzavo nguva ichiripo. Akatotaura kuti: “Changamire Ishe Jehovha haazoiti chinhu asina kumbozivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.”—Amosi 3:7.

 KUBATSIRWA KWAUNOITWA: Muenzaniso wekurangwa kwakaitwa vakaipa naJehovha unoita kuti tive netariro. Tinogona kutarisira nechivimbo kuti Mwari acharanga vaya vane utsinye hunokonzera kutambura. Bhaibheri rinoti: “Vanoita zvakaipa vachaparadzwa . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:9-11) Unoona sei kutonga uku kuchanunura vanhu pakutambudzika? Kunoratidza utsinye here kana kuti ngoni?

KUPARADZWA KWEVAKENANI

ZVINOTAURWA NEVAMWE: “Kuparadzwa kwevaKenani ihondo yeutsinye yakangofanana nehondo dzokutsakatisa marudzi dzemazuva ano.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Nzira [dzaMwari] dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira.” (Dheuteronomio 32:4) Kuranga kwaMwari kwakasiyana nehondo dzevanhu. Sei? Pakuti Mwari anoona zvakaita mwoyo, izvo zvisingakwanisi kuitwa nevanhu.

Somuenzaniso, Mwari paakatonga maguta eSodhoma neGomora ndokusarudza kuaparadza, Abrahamu aida kuziva kana mutongo waMwari wakanga wakarurama. Haana kumbofunga kuti Mwari wake asina utsinye ‘aizoparadza vakarurama pamwe chete nevakaipa.’ Nemwoyo murefu, Mwari akavimbisa Abrahamu kuti kudai muSodhoma maizowanika vanhu gumi chete vakarurama, aisazoparadza guta racho. (Genesisi 18:20-33) Zviri pachena kuti Mwari akaongorora mwoyo yevanhu ivavo ndokuona kuipa kwavakanga vakaita.—1 Makoronike 28:9.

Saizvozvowo Mwari akaona kuti vaKenani vakanga vakaipa ndokuita kuti vaparadzwe. VaKenani vaizivikanwa neutsinye hwavo, hwaisanganisira kupisa vana sezvibayiro vari vapenyu. * (2 Madzimambo 16:3) VaKenani vaiziva kuti Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vatore nyika yacho. Saka vaya vakasarudza kuramba vari munyika yacho vachirwisana nevaIsraeri vakanga vachitorwisana naJehovha, uyo akanga apa uchapupu hwakasimba hwokuti aitsigira vanhu vake.

Mwari akanzwirawo ngoni vaKenani vakanga vasiya zvakaipa zvavo ndokugamuchira mitemo yaJehovha. Somuenzaniso, imwe pfambi yechiKenani yainzi Rakabhi yakaponeswa pamwe chete nemhuri yayo. Uyewo vagari vemuguta reKenani rainzi Gibhiyoni pavakatsvaka kunzwirwa ngoni, vakaponeswa pamwe nevana vavo vose.—Joshua 6:25; 9:3, 24-26.

KUBATSIRWA KWAUNOITWA: Tinowana chidzidzo chinokosha pakutongwa kwakaitwa vaKenani. Tava pedyo chaizvo nezuva rakafanotaurwa “rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:7) Kana tichida Jehovha tichabatsirwa paachagumisa kutambura kwevanhu kuburikidza nokubvisa vanhu vanoramba kutonga kwake kwakanaka.

VaKenani vaizivikanwa neutsinye hwavo uye vairwisana naMwari nevanhu vake

Jehovha anotiyeuchidza nerudo kuti zvinosarudzwa nevabereki zvine zvazvinoita pavana vavo. Shoko raMwari rinoti: “Sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu, imi nevana venyu, nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari.” (Dheuteronomio 30:19, 20) Tingati mashoko aya ndeaMwari ane utsinye here kana kuti ndeaMwari anoda vanhu uye anoda kuti vasarudze zvakanaka?

^ ndima 15 Vanochera matongo vakawana uchapupu hunoratidza kuti kunamata kwevaKenani kwaisanganisira kupa vana sezvibayiro.