Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI

Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Ane Utsinye

Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Ane Utsinye

ZVINOTENDWA NEVAKAWANDA

“Pashure chaipo pokufa, mweya yevaya vanofa vachiita zvivi zvakaipisisa inoenda kuhero, kwainonotambura ichirangwa ‘mumoto nokusingaperi.’” (Catechism of the Catholic Church) Vamwe vatungamiriri vezvitendero vanoti hero rinoreva kusava noukama naMwari zvachose.

CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI

“Mweya unotadza—ndiwo uchafa.” (Ezekieri 18:4) Vakafa “havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Saka kana mweya uchifa uye usina chaunoziva, ungatambura sei “mumoto nokusingaperi” kana kuti kurwadziwa nemhaka yokusava noukama naMwari nokusingaperi?

Mashoko echiHebheru nechiGiriki anoshandurwa kuti “hero” anongoreva guva rinovigwa vanhu. Somuenzaniso, Jobho paairwadziwa zvikuru akanyengetera kuti: “Ndinoshuva kuti dai maizondivanza henyu muguva rangu [“muhero,” Douay-Rheims Version].” (Jobho 14:13, Holy Bible—Easy-to-Read Version) Jobho akanga asingadi kuzorora munzvimbo yokupiswa kana kuti yokusava noukama naMwari, asi muguva.

NEI ZVICHIKOSHA

Dai Mwari aiva neutsinye taisazomufarira. Rocío uyo anogara kuMexico anoti: “Kubvira ndichiri mudiki ndaidzidziswa kuti vanhu vakaipa vanopiswa mugehena. Zvaindityisa zvokuti ndaisambofunga kuti Mwari ane humwe unhu hwakanaka. Ndaifunga kuti anongogara akatsamwa uye haanzwisisi.”

Mashoko eBhaibheri akajeka nezvemitongo yaJehovha uye mamiriro ezvinhu evakafa, zvakaita kuti Rocío achinje maonero aaiita Mwari. “Ndakanzwa ndasunungurwa, zvichiita sokuti ndabvisirwa mutoro unorema mupfungwa dzangu,” anodaro Rocío. Anowedzera kuti, “Ndakatanga kuvimba kuti Mwari anoda kuti zvitifambire zvakanaka, anotida, uye kuti ndinogona kumuda. Akafanana naBaba vanofamba vakabata vana vavo maoko uye vanoda kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka.”—Isaya 41:13.

Vakawanda vanoenda kuchechi nokuti vanotya kupiswa, asi Mwari haadi kuti umunamate nokuti unotya kuti achakuranga. Jesu akati: “Ida Jehovha Mwari wako.” (Mako 12:29, 30) Uyewo kana iye zvino tikaziva kuti Mwari haaiti zvisina kururama, tinogona kuvimba nezvaachaita mune remangwana. Tinogona kutaura nechivimbo sezvakaitwa neshamwari yaJobho, Erihu, kuti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama.”—Jobho 34:10.