NHARIREYOMURINDI January 2014 | Kana Munhu Afa Zvatopera Here?

Vanhu vakawanda havafariri kutaura nezverufu. Vakawanda vanoshuva kuti dai vakasafa kana kufirwa. Tingakunda rufu here?

NYAYA IRI PAKAVHA

Kurwadza Kunoita Rufu

Tose zvedu tinogona kufirwa iye zvino kana kuti nokufamba kwenguva. Kurwadza kwerufu kwakaita kuti vakawanda vatsvage mhinduro.

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuedza Kwevanhu Kukunda Rufu

Vanhu vange vachitsvaga nzira dzokukunda rufu kubvira kare. Tinogona kukunda rufu here?

NYAYA IRI PAKAVHA

Rufu Harusi Mugumo Wezvose!

Nei Jesu akafananidza rufu nekurara? Tingadzidzei panyaya dzemuBhaibheri dzevanhu vakamutswa?

KUKURUKURA NEMUVAKIDZANI

Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Bhuku rokutanga romuBhaibheri rinotsanangura chikonzero nei Mwari achibvumira kuti zvakaipa zviitike iye aine simba rokuzvigumisa.

Waizviziva Here?

Mipiro yepatemberi yaiunganidzwa sei munguva yaJesu? Munyori weBhaibheri anonzi Ruka akanyora nhoroondo dzakarurama here?

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Jehovha Akanga Asina Kundikanganwa”

Mukadzi uyu aiva akanyura mune zvechitendero akazowana mhinduro dzemuMagwaro dzemibvunzo yake nezvekuti nei tichifa uye chinoitika kana munhu afa. Ona kuti chokwadi chakachinja sei upenyu hwake.

Tariro Yokumutswa Kwevakafa

Vaapostora vaJesu vainyatsodavira kuti vakafa vachamutswa. Nemhaka yei?

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Unozivei nezvaMwari? Tingasvika sei pakunyatsomuziva?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Mwari Anoda Kuti Ndiitei Neupenyu Hwangu?

Unoda chiratidzo here kana kuti kurotswa kuti uzive kuti uzive zvinodiwa naMwari? Ona mhinduro yacho muBhaibheri.