Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | SEI ZVAKAIPA ZVICHIITIKA KUVANHU VAKANAKA?

Sei Zvakaipa Zvichiitika Kuvanhu Vakanaka?

Sei Zvakaipa Zvichiitika Kuvanhu Vakanaka?

Sezvo Jehovha Mwari * ari iye musiki wezvinhu zvose ane simba rose, vanhu vakawanda vanganzwa vachida kumupa mhosva pane zvose zviri kuitika panyika, kusanganisira zvakaipa zvose. Asi ona zvinotaurwa neBhaibheri nezvaMwari wechokwadi:

  • “Jehovha akarurama munzira dzake dzose.”—Pisarema 145:17.

  • “Nzira dzake [Mwari] dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; Iye akarurama uye akatendeseka.”Dheuteronomio 32:4.

  • “Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.”Jakobho 5:11.

Mwari haakonzeri kuti zvakaipa zviitike. Asi anokurudzira vamwe kuti vaite zvakaipa here? Kwete. Magwaro anoti, “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’” Nemhaka yei? “Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Mwari haaedzi munhu kuburikidza nokumukurudzira kuva neunhu hwakaipa. Mwari haakonzeri zvakaipa uye haakurudziri vamwe kuzviita. Saka ndiani kana kuti chii chinokonzera zvakaipa?

KUVA MUNZVIMBO INE NGOZI PANOITIKA NJODZI

Bhaibheri rinoratidza chimwe chinoita kuti vanhu vatambure parinoti: “Vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Kana pakaitika njodzi kana kuti zvimwe zvinhu zvisingatarisirwi, munhu anogona kuwirwa nenjodzi yacho kana kusawirwa nayo zvichienderana nokuti anenge ari kupi painoitika. Makore anenge 2 000 akapfuura, Jesu akataura nezveimwe njodzi yevanhu 18 vakawirwa neshongwe ndokufa. (Ruka 13:1-5) Mararamiro avakanga vaita haasiwo akaita kuti vawirwe nenjodzi, asi vaingovawo pasi peshongwe yacho payakawa. Munguva pfupi yakapfuura, muna January 2010, kuHaiti kwakaitika kudengenyeka kwenyika kwakaipisisa, uye hurumende yeko yakati vanhu vanopfuura 300 000 vakafa. Vanhu vose ivavo vakafa pasinei nokuti vaiva vanaani. Munhu wese anogonawo kungorwara chero nguva.

Nei Mwari asingadziviriri vanhu vakanaka panjodzi?

Vamwe vangabvunza kuti: ‘Mwari aitadza kuita kuti matambudziko aya anouraya asaitika here? Aitadza kudzivirira vanhu vakanaka kuti vasawirwa nematambudziko acho here?’ Kudai Mwari aizoita izvozvo, zvaizoreva kuti anoziva zvakaipa zvacho zvisati zvaitika. Kunyange zvazvo Mwari achikwanisa kuziva zvichaitika mune ramangwana, mubvunzo watinofanira kuzvibvunza ndewokuti: Mwari anosarudza kushandisa simba rake kufanoziva kese kachaitika here?—Isaya 42:9.

Magwaro anoti: ‘Mwari wedu ari kumatenga; anoita zvinhu zvose zvaanofarira kuita.’ (Pisarema  115:3) Jehovha anoita zvaanoona kuti zvakakodzera, kwete zvose zvaanokwanisa. Izvi zvinoshandawo pane zvaanosarudza kufanoziva. Somuenzaniso, pashure pokunge uipi hwatekeshera mumaguta ekare eSodhoma neGomora, Mwari akaudza musoro wemhuri Abrahamu kuti: “Ndakatsunga kwazvo kuburuka kuti ndione kana vachiita maererano nokuchema kunoitwa pairi uko kwasvika kwandiri, uye, kana zvisizvo, ndigozviziva.” (Genesisi 18:20, 21) Kwenguva yakati, Jehovha akasarudza kusaziva kuti uipi hwemumaguta iwayo hwakanga hwakadii. Saka Jehovha anogona kusarudza kusafanoziva zvimwe zvinhu. (Genesisi 22:12) Izvi hazviratidzi kuti Jehovha ane zvaanotadza kuita. Sezvo “basa rake rakakwana,” Mwari haaiti kuti kukwanisa kwake kufanoziva zvichaitika kukanganise chinangwa chake chokuti tiite zvinhu asingatimanikidzi. * (Dheuteronomio 32:4) Saka tingagumisa kutii? Mwari anosarudza zvaanoda kufanoziva uye anoona kana zvakakodzera kuti adaro.

Nei Mwari asingadziviriri vanhu vakanaka pakuparwa kwemhosva?

VANHU NDIVO VARI KUZVIKONZERA HERE?

Zvimwe zvinhu zvakaipa zvinokonzerwa nevanhu. Ona kuti Bhaibheri rinotsanangura sei zvinoita kuti munhu agume aita zvakaipa. “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.” (Jakobho 1:14, 15) Vanhu pavanoita maererano nezvido zvavo zvisina kukodzera, vanototi vatambure nezvakaipa. (VaRoma 7:21-23) Nhoroondo inoratidza kuti vanhu vakaita zvinhu zvakaipa chaizvo, zvikakonzera kutambura kusingatauriki. Saka vanhu vakaipa vanogona kuita kuti vamwe vaitewo zvakaipa, zvoita kuti uipi hurambe huchipfuurira.—Zvirevo 1:10-16.

Vanhu vakaita zvinhu zvakaipisisa ndokukonzera kutambura kwakakura

Mwari anofanira kupindira, odzivisa vanhu kuita zvakaipa here? Funga masikirwo akaita munhu. Magwaro anoti Mwari akasika munhu nemufananidzo wake, kureva kuti akafanana naye. Saka vanhu vanokwanisa kutevedzera Mwari. (Genesisi 1:26) Vanhu vakapiwa chipo chokusarudza uye vanogona kusarudza kuda Mwari, voramba vakavimbika kuburikidza nokuita zvakanaka kwaari. (Dheuteronomio 30:19, 20) Kudai Mwari aizomanikidza vanhu kurarama neimwe nzira, zvaisazoratidza kuti chipo chokuzvisarudzira hachichashandi here? Vanhu vaizongofanana nemichina inongoita zvayakarongerwa! Taizoita semichina yakadaro kudai kuri kuti zvatinoita uye zvose zvinoitika kwatiri zvakafanorongwa. Tinofara chaizvo kuti Mwari akatikudza kuburikidza nokutibvumira kuti tisarudze toga zvokuita! Izvi hazvirevi kuti matambudziko anokonzerwa nekutadza  kwevanhu uye kukundikana kusarudza zvakanaka acharamba achirwadzisa vanhu nokusingaperi.

MARARAMIRO AKAITA MUNHU NDIWO ANOITA KUTI ATAMBURE HERE?

Kudai waizobvunza munhu wechitendero chechiHindu kana kuti chechiBudha mubvunzo uri pakavha yemagazini ino, waigona kunzwa mhinduro yekuti: “Zvakaipa zvinoitika kuvanhu vakanaka nemhaka yemararamiro avakamboita vasati vaberekwazve [Karma]. Vari kukohwa zvavakaita pavakamborarama.” *

Padzidziso iyi, zvinobatsira chaizvo kuona zvinotaurwa neBhaibheri nezverufu. Mumunda weEdheni, umo makatangira vanhu, Musiki akati kumunhu wekutanga Adhamu: “Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:16, 17) Kudai Adhamu asina kutadza kuburikidza nokusateerera Mwari, angadai akararama nokusingaperi. Rufu rwakauya sechirango chokusateerera murayiro waMwari. Uye pakaberekwa vana, “rufu rwakapararira kuvanhu vose.” (VaRoma 5:12) Saka zvinogona kunzi “mubayiro wechivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Bhaibheri rinotsanangurawo kuti: “Uya anenge afa asunungurwa pachivi chake.” (VaRoma 6:7) Nemamwe mashoko, vanhu havazorambi vachibhadhara zvivi zvavo kana vafa.

Mamiriyoni evanhu mazuva ano anoti kutambura kwevanhu kunokonzerwa nemararamiro avakaita vasati vaberekwazve. Kakawanda munhu anotenda izvozvo anogona kusanyanya kunetseka nezvekutambura kwake uye kwevamwe. Asi nyaya iri pakuti dzidziso iyi haitombopi tariro yekuti zvakaipa zvichapera. Zvinonziwo munhu haazorambi achiberekwazve kana akaratidza unhu hwakanaka uye akava nezivo yechiHindu. Asi maonero akadaro akasiyana chaizvo nezvinotaurwa neBhaibheri. *

ANONYANYA KUKONZERA UIPI!

Waiziva here kuti “mutongi wenyika,” Satani Dhiyabhorosi ndiye honzeri huru yekutambura?—Johani 14:30

Vanhu havasirivo vanonyanya kukonzera uipi. Satani Dhiyabhorosi uyo aimbova ngirozi yaMwari yakatendeka, “haana kumira zvakasimba muchokwadi,” uye akaunza chivi munyika. (Johani 8:44) Akakonzera kupanduka mumunda weEdheni. (Genesisi 3:1-5) Jesu Kristu akamudana kuti “akaipa” uye “mutongi wenyika.” (Mateu 6:13; Johani 14:30) Vanhu vakawanda vanotevera Satani pavanobvuma kukurudzira kwaanoita kuti vanhu vasiye nzira dzakanaka dzaJehovha. (1 Johani 2:15, 16) Pana 1 Johani 5:19 panoti, “Nyika yose iri musimba reakaipa.” Panewo dzimwe ngirozi dzakapanduka ndokubatana naSatani. Bhaibheri rinoti Satani nemadhimoni ake vari “kutsausa nyika yose inogarwa” vachikonzera “nhamo” panyika. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Saka honzeri huru yezvakaipa ndiSatani Dhiyabhorosi.

Zvakajeka kuti Mwari haasiriye ari kukonzera kuti zvinhu zvakaipa zviitike kuvanhu uye haaiti kuti vatambure. Pane kudaro, akavimbisa kuti achabvisa zvakaipa, sezvicharatidzwa munyaya inotevera.

^ ndima 3 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

^ ndima 11 Kuti uzive kuti nei Mwari achirega uipi huripo, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 16 Kuti unzwe kwakabva dzidziso iyi, ona mapeji 8-12 ebhurocha rinonzi Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 18 Ona zvinotaurwa neBhaibheri nezvevakafa uye nezvetariro pamusoro pevakafa muzvitsauko 6 ne7 zvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?