Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UNGADA HERE KUDZIDZA BHAIBHERI?

Chirongwa Chekudzidza Bhaibheri Chemunhu Wose

Chirongwa Chekudzidza Bhaibheri Chemunhu Wose

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nekuparidza. Asi waizviziva here kuti tinewo chirongwa chekudzidzisa vanhu Bhaibheri chinoitwa munyika yose?

Muna 2014, Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni 8, zviri munyika 240, zvakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvingasvika 9 500 000 mwedzi mumwe nemumwe. * Kutaura zvazviri, nhamba yevanhu vatinodzidza navo Bhaibheri inotopfuura nhamba yevanhu vanogara mune imwe neimwe yenyika dzinenge 140!

Kuti zviite basa iri rokudzidzisa vanhu, gore negore Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa zvinyorwa zvingasvika bhiriyoni nehafu zvakadai semaBhaibheri, mabhuku, magazini, nezvimwewo zvinobatsira pakudzidza Bhaibheri, mumitauro inenge 700. Basa iri risina raringaenzaniswa naro rinobatsira vanhu kuti vadzidze Bhaibheri mumutauro wavanoda.

MHINDURO DZEMIBVUNZO INOWANZOBVUNZWA NEZVECHIRONGWA CHEDU CHEKUDZIDZA NEVANHU BHAIBHERI

Chidzidzo chacho chinoitwa sei?

Tinokurukura misoro yakasiyana-siyana, tichiongorora kuti Bhaibheri rinotii nezvayo. Ngatimbotii tiri kuda kukurukura musoro unoti: Mwari. Somuenzaniso, Bhaibheri rinopindura mibvunzo yakadai seyekuti: Mwari ndiani? Akaita sei? Ane zita here? Anogara kupi? Tinogona here kuswedera pedyo naye? Dambudziko riri pakuti munhu angawana mhinduro dzacho papi muBhaibheri.

Kuti tibatsire vanhu kuwana mhinduro, tinowanzoshandisa bhuku rine mapeji 224 rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? * Rakanyorwa kuti ribatsire vanhu kunzwisisa dzidziso dzeBhaibheri dzavanofanira kutanga kuziva. Zvidzidzo zvirimo zvinotaura nezvaMwari, Jesu Kristu, kutambura kwevanhu, kumutswa kwevakafa, kunyengetera nezvimwewo.

Chidzidzo chacho chinogona kuitwa riini uye kupi?

Chidzidzo chacho chinogona kuitwa panguva nenzvimbo zvakakunakirai.

Chidzidzo chimwe nechimwe chinoitwa kwenguva yakareba sei?

Vanhu vakawanda vanosarudza kudzidza Bhaibheri kweinenge awa imwe chete pavhiki. Asi munhu ega ega anosarudza kuti anoda kudzidza kwenguva yakareba sei. Tinodzidza newe kwenguva yaunenge wasarudza. Vamwe vanongodzidza kwemaminitsi 10 kana 15 pavhiki.

Chirongwa chacho chekudzidza chinoita marii?

Chirongwa ichi nemabhuku anoshandiswa pakudzidza hazvibhadhariswi. Izvi zvinoenderana nemashoko akataurwa naJesu kuvadzidzi vake okuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.”—Mateu 10:8.

Chirongwa chacho chinoitwa kwenguva yakareba sei?

Unogona kudzidza kusvika paunoda. Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rine zvidzidzo 19. Unogona kudzidza zvimwe zvacho kana kuti zvese zvichienderana nezvaunokwanisa.

Ndinotofanira kubva ndaita mumwe weZvapupu zvaJehovha here?

Kwete. Tinoremekedza kodzero yemunhu mumwe nemumwe yekusarudza zvaanoda kutenda. Asi kana vanhu vakanzwisisa dzidziso dzeBhaibheri huru vanenge vava kuziva kuti vosarudza zvipi.

Ndingawanepi mamwe mashoko?

Nzvimbo yepaIndaneti inonzi jw.org ine mashoko echokwadi pamusoro pedzidziso uye zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha.

Ndingaita sei kuti ndibatsirwe kudzidza Bhaibheri?

  • Zadza fomu riri pawww.ps8318.com rekukumbira kudzidza Bhaibheri.

  •  
  • Tsvaga Zvapupu zvaJehovha zviri pedyo newe.

^ ndima 4 Chidzidzo cheBhaibheri chinogona kuitiswa munhu mumwe chete kana kuti boka diki revanhu.

^ ndima 9 Bhuku iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikwa mumitauro inopfuura 260 uye kusvika pari zvino, pakapirindwa anopfuura mamiriyoni 230.