Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinonyatsoita Here Kuti Tifadze Mwari?

Zvinonyatsoita Here Kuti Tifadze Mwari?

Wakamboverenga here nezvevamwe vanhu vanorondedzerwa muBhaibheri kuti vaiita zvakanaka chaizvo zvekuti wakati nechemumwoyo, ‘Zvavakaita handingambozvigoni!’ Zvimwe ungafunga kuti, ‘Handisi munhu asina chaanopomerwa kana kuti akarurama, uye ndinombokanganisa.’

Jobho “akanga asina chaaipomerwa, akarurama.”—Jobho 1:1

Jobho anonzi aiva musoro wemhuri “asina chaaipomerwa, akarurama.” (Jobho 1:1) Roti ainzi “murume akarurama.” (2 Petro 2:8) Uye Dhavhidhi anonzi aiita “zvakarurama” pamberi paMwari. (1 Madzimambo 14:8) Asi ngatimboongororai upenyu hwevanhu ivavo vanotaurwa muBhaibheri. Tichaona kuti (1) vakambokanganisa, (2) tinogona kudzidza zvakawanda pane zvakaitika kwavari, uye (3) zvinokwanisika kuti vanhu vane chivi vafadze Mwari.

VAKAMBOKANGANISA

“[Mwari] akanunura Roti akarurama, uyo akanga achitambudzika kwazvo nokusazvibata kwakanyanyisa kwevanhu vaizvidza mutemo.”—2 Petro 2:7

Jobho akasangana nematambudziko akatevedzana zvichiita sekuti akanga achiitirwa utsinye. Akasvika pakufunga zvisizvo, achiti Mwari haana basa nekutendeka kwake. (Jobho 9:20-22) Jobho aizviti akarurama zvekuti vamwe vakaona sekuti akanga ava kuzviita munhu akarurama kupfuura Mwari.—Jobho 32:1, 2; 35:1, 2.

Roti akaverengera kuita zvinhu zviri nyore zvaainge audzwa. Ainetseka chaizvo neunzenza hwaisemesa hwaiitwa nevanhu vemuSodhoma neGomora, zvekuti maitiro avo aiita kuti Roti ‘arwadzise mweya wake wakarurama.’ (2 Petro 2:8) Mwari akazivisa kuti akanga ava kuda kuparadza maguta iwayo akaipa uye akaronga kuti Roti nemhuri yake vaponeswe. Ungafunga kuti Roti, uyo aishungurudzika nezvaiitika ndiye aizotanga kubuda muguta. Asi panguva iyoyo, akaverengera. Ngirozi dzainge dzatumwa kunonunura Roti nemhuri yake dzakatozoita zvekuvabata maoko dzikavabudisa kunze kweguta kuti vapone.—Genesisi 19:15, 16.

Dhavhidhi akatevera Mwari “nomwoyo wake wose nokuita zvakarurama chete pamberi [paMwari].”—1 Madzimambo 14:8

Dhavhidhi akambotadza kuzvidzora zvekuti akaita upombwe nemukadzi wemumwe murume. Zvinototyisa ndezvekuti akatourayisa murume wacho achiedza kuvhara mhosva yake. (2 Samueri, chitsauko 11) Bhaibheri rinoti zvakaitwa naDhavhidhi chaiva chinhu “chakaipa kuna Jehovha.”—2 Samueri 11:27.

Jobho, Roti, naDhavhidhi vaimbokanganisa. Pamwe pacho zvikanganiso zvavo zvakanga zvakakura. Asi sezvatichaona, vaida kushumira Mwari uye kumuteerera nemwoyo wose. Vaibvuma pavainge vakanganisa uye vaidawo kuchinja kuti vasadzokorora zvavainge vakanganisa. Izvi zvakaita kuti vafarirwe naMwari, uyewo muBhaibheri ivo vanonzi vaiva varume vakatendeka.

TINODZIDZEI?

Sezvo tiri vanhu vane chivi, panewo patinokanganisa. (VaRoma 3:23) Izvozvo pazvinoitika, tinofanira kubvuma kuti takanganisa, toita zvose zvatinogona kuti tigadzirise.

Jobho, Roti, naDhavhidhi vakaitei kuti vagadzirise zvavainge vakanganisa? Jobho akanga akaperera kuna Mwari. Pashure pekunge Mwari ataura naye, Jobho akazvidemba uye akagadzirisa mafungiro ake. (Jobho 42:6) Zvaifungwa naRoti nezveunzenza hwevanhu vemuSodhoma neGomora zvainyatsoenderana nemitemo yaMwari. Nyaya yaingova pakuverengera kwaakamboita. Asi akazotiza mumaguta iwayo akanga ava kuparadzwa naMwari uye akapona. Haana kutombocheuka kuti atarire zvaakanga asiya nekuti aiteerera. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akakanganisa chaizvo paasina kuteerera mutemo waMwari, kunyengetera kwaakaita achikumbira kunzwirwa ngoni kwakaratidza zvaiva mumwoyo make.—Pisarema 51.

Kufarirwa kwakaitwa vanhu ava naMwari kunoratidza zvaanotarisira kuvanhu vane chivi. Mwari “anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Sezvo Mwari achiziva kuti tiri vanhu vanotadza, anotarisira kuti tiitei?

Mwari “anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”Pisarema 103:14

VANHU VANE CHIVI VANGAITEI KUTI VAFADZE MWARI?

Zvakaudzwa Soromoni nababa vake Dhavhidhi zvinotibatsira kuziva zvatingaita kuti tifadze Mwari. Akati: “Iwe, mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakakwana.” (1 Makoronike 28:9) Zvinorevei kuva nemwoyo wakakwana? Zvinoreva kuda Mwari uye kuva nechido chakasimba chekuita zvaanoda. Hazvirevi kuti hauchatadzi, asi kuti unenge uchishuva kushumira Mwari uchimuteerera uye uchibvuma kururamiswa naye. Kuda Mwari uye kumuteerera ndizvo zvakaita kuti Jobho anzi “akanga asina chaaipomerwa.” Ndizvowo zvakaita kuti Roti anzi “akarurama,” uye Dhavhidhi anzi aiita “zvakarurama chete” pamberi paMwari. Kunyange zvazvo vaikanganisa, vakakwanisa kufadza Mwari.

Kuva nemwoyo wakakwana kunoreva kuda kuita zvinoda Mwari uye kuva nechido chakasimba

Mienzaniso yatakurukura inofanira kuita kuti tishinge kana tichimbofunga zvinhu zvakaipa tisingade, kutaura zvinhu zvinoita kuti tinyare, kana kuita zvinhu zvatinozoona kuti hazvina kunaka. Mwari anoziva kuti hazviiti kuti tigare tisingakanganisi panguva ino. Asi anotarisira kuti timude uye tishande nesimba kuti timuteerere. Kana tikaita izvozvo nemwoyo wakakwana, tichava nechokwadi chekuti nesuwo tinogona kufadza Mwari.