Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 107

Muenzaniso waMwari Werudo

Muenzaniso waMwari Werudo

(1 Johani 4:19)

  1. 1. Rudo rwaJehovha rwatinodzidza

    Rworatidza nzira.

    Zviito zvake zvinotiratidza

    Zvakanyatsoita rudo.

    Akapa Mwana wake wa’nodisa

    Kuti tikanganwirwe zvivi zvedu.

    Rudo rwakadaro rwunoshamisa!

    Chokwadi Mwari wedu rudo.

  2. 2. Tikafamba naye tichadanana

    Zvinobva pamwoyo.

    Tichada hama dzedu dzese zvadzo,

    Kwete kungoda vashoma.

    Tinoda Jehovha nehama dzedu;

    Hatingadi Mwari, tisingadzidi.

    Dzatitadzira, todzikanganwira.

    Ndirwo rudo, rwekuda hama.

  3. 3. Rudo rwaMwari, rwotibatanidza

    Tova mhuri imwe.

    Baba vedu vari kuti: “Huyai:

    Muravidze kubatana.”

    Neurwu rudo tinozivikanwa;

    Mweya wake neShoko zvotinatsa.

    Hama dzedu dzichitiyeuchidza:

    Mwari rudo. Jehovha rudo.

(Onawo VaR. 12:10; VaE. 4:3; 2 Pet. 1:7.)