Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 150

Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

(Zefaniya 2:3)

  1. 1. Marudzi anova

    Pamwe kuti arwise

    Mwanakomana waMwari.

    Nguva yawo yakwana,

    Haazotongizve;

    Umambo hwakagadzwa.

    Kristu achapwanya vavengi,

    Haangambononoki.

    (KORASI)

    Tsvaga Mwari ununurwe,

    Mutsvage uvimbe naye.

    Tsvaga kururama,

    Utendeke,

    Tsigira uchangamire.

    Mwari achakununura

    Nesimba rake.

  2. 2. Zvino toparidza

    Mashoko akanaka,

    Tichipa vanhu mukana,

    Kunzwa kana kuramba.

    Nyange zvikaoma,

    Mwoyo yedu haityi.

    Jah anoda vakavimbika;

    Tikachema achanzwa.

    (KORASI)

    Tsvaga Mwari ununurwe,

    Mutsvage uvimbe naye.

    Tsvaga kururama,

    Utendeke,

    Tsigira uchangamire.

    Mwari achakununura

    Nesimba rake.