Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

AspctStyle/stock.adobe.com

MUSHANDIRAPAMWE WEKUKOKA VANHU KUZOYEUKA RUFU RWAJESU

Jesu Ndiye Achapedza Hondo

Jesu Ndiye Achapedza Hondo

 Jesu paaiva panyika airatidza kuti aida vanhu zvakadzama, zvekuti akasvika pakutovafira. (Mateu 20:28; Johani 15:13) Munguva pfupi iri kutevera, acharatidza zvekare kuda kwaanoita vanhu nekushandisa kwaachaita simba rake saMambo weUmambo hwaMwari “kugumisa hondo munyika yese.”—Pisarema 46:9.

 Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri zvichaitwa naJesu:

  •   “Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nemunhu akaderera uye munhu wese asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo, uye achaponesa varombo. Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:12-14.

 Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unotenda zvatakaitirwa naJesu uye zvaachazotiitira mune ramangwana? Pana Ruka 22:19, Jesu akaudza vateveri vake kuti vayeuke kufa kwake. Ndosaka Zvapupu zvaJehovha zvichiungana gore negore zvichiyeuka zuva rekufa kwake. Tinokukoka kuti uzobatanawo nesu pakuyeuka kufa kwaJesu musi weSvondo 24 March, 2024.

Ona Kuchaitirwa Chirangaridzo