Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu 7 Zvinobatsira Pakuchengetedza Zvekudya Uye Kudya Zvine Utano

Zvinhu 7 Zvinobatsira Pakuchengetedza Zvekudya Uye Kudya Zvine Utano

 Nei zvichikosha kuti ungwarire zvaunodya?

 Zvaunodya zvinogona kuita kuti uve neutano hwakanaka kana kuti kukurwarisa. Kana ukachengetedza zvekudya zvakanaka, wodya zvine utano, unogona kuvandudza utano hwako. Asi kusachengetedza zvekudya zvakanaka kana kudya zvinhu zvisina utano kunogona kukonzera matambudziko akakura eutano, sezvinoitika kumota kana ikashandisa mafuta asina kunaka. Matambudziko acho angasaoneka ipapo ipapo, asi achatovapo.VaGaratiya 6:7.

 Sangano reutano rinonzi World Health Organization (WHO) rinoti ‘nyika imwe neimwe ine vanhu vanorwara nekushaya zvekudya zvakakwana, kana kuti vakanyanya kusimba kupfuura zvavanotarisirwa.’ Kugara uchidya kana kunwa zvinhu zvisina utano kunowedzera mikana yekubatwa nezvirwere zvakadai sechirwere chemwoyo, cheshuga, stroke, uye kenza. Maererano imwe ongororo, kudya zvekudya zvisina utano kwakauraya vanhu vanopfuura 11 miriyoni muna 2017. Sangano reWHO rinofungidzira kuti zvekudya zvine utachiona zvinouraya vanhu vanopfuura 1 000 zuva rega rega uye zvinorwarisa mamiriyoni evanhu.

 Bhaibheri rinotibatsira kuona kuti nei zvichikosha kuti zvekudya zvichengetedzwe uye zvive neutano. Rinotidzidzisa kuti kuna Mwari “ndiko kunobva upenyu.” (Pisarema 36:9) Upenyu chipo, uye tinofanira kuratidza kuti tinohukoshesa nekuchengetedza utano hwedu nehwemhuri dzedu. Ona kuti ungazviita sei.

 Zvinhu 4 zvaunofanira kuziva panyaya yekuchengetedza zvekudya

 1. Ngwarira paunenge uchibika.

 Nei zvichikosha? Utachiona a hunenge huri muchikafu nemumvura hunogona kupinda mumuviri wako hwokurwarisa.

 Nyanzvi dzezveutano dzinokurudzira kuti:

  •   Usati watanga kubika zvekudya, geza maoko ako nesipo nemvura. b Kwiza maoko ako kwemasekondi 20 kana kudarika. Kwiza kuseri kwemaoko ako, pakati pezvigunwe zvako nemukati menzara dzako. Dzumburudza maoko ako wobva waaomesa zvakanaka.

  •   Shandisa sipo nemvura pakugeza mabhodhi ekuchekera, madhishi, uye chero zvimwe zvinhu zvichasangana nechikafu. Uyewo, usashandise bhodhi rimwe chete kuchekera zvekudya zvichabikwa nezviya zvisingabikwi.

  •   Geza michero uye miriwo, uyewo zviise mushonga unouraya utachiona kana uchigara munharaunda inodiridzwa zvirimwa nemvura yesuweji.

 2. Usasanganisa zvekudya zvakabikwa nezvisina.

 Nei zvichikosha? Utachiona hunenge huri muchikafu chakadai senyama hunogona kushatisa chimwe chikafu.

 Nyanzvi dzezveutano dzinokurudzira kuti:

  •   Paunotakura zvekudya uchibva kunozvitenga nepaunozvichengeta mumba, usasanganisa zvekudya zvisina kubikwa, kunyanya nyama, nechikafu chakabikwa.

  •   Paunopedza kucheka nyama isina kubikwa, nyatsogeza maoko ako, banga rawashandisa, uye bhodhi rawachekera usati wacheka zvimwe zvekudya.

 3. Iva nechokwadi chekuti chikafu chinobikwa chanyatsobikwa chikaibva.

 Nei zvichikosha? Utachiona hunokuvadza hunofa kana zvekudya zvikanyatsopisa zvakakwana.

 Nyanzvi dzeutano dzinokurudzira kuti:

  •   Bika zvekudya kusvikira zvava kunyatsopisa. Zvekudya, kusanganisira pakatikati penyama, zvinofanira kupisa kusvika madhigirii 70 kwemasekondi 30 zvichikwira.

  •   Ita kuti muto uye zvimwewo zvekudya zvine muto zvifashaire.

  •   Kana uchida kudya chikafu chakambobikwa chikasara, chidziyise kusvika chava kunyatsopisa zvekubudisa kahutsi kekupisa.

 4. Chengeta zvekudya zviri pane tembiricha yakakodzera.

 Nei zvichikosha? Kana zvekudya zvikachengetwa zviine tembiricha iri pakati pemadhigirii 5 ne60 kwemaminitsi 20 chete, mabhakitiriya anenge arimo anogona kuwedzera zvakapetwa kaviri. Uyewo, kana nyama ikasachengetwa iine tembiricha yakakodzera mamwe mabhakitiriya anogona kubudisa zvinhu zvinokuvadza zvisingaparadzwe nekubika.

 Nyanzvi dzezveutano dzinokurudzira kuti:

  •   Chengeta zvekudya zvichipisa kana kutonhora kwete zvichidziya, kuitira kuti utachiona husawande.

  •   Usambofa wakasiya zvekudya zvisiri mufiriji kwemaawa anopfuura maviri, uye kweinopfuura awa kana kuchipisa madhigirii 32 zvichikwira.

  •   Kana zvekudya zvabikwa, zvichengete zvichipisa kusvika pazvichadyiwa.

 Zvinhu 3 zvaunofanira kuziva panyaya yekudya zvine utano

 1. Idya michero nemiriwo yakasiyana-siyana zuva nezuva.

 Michero nemiriwo zvine mavhitamini, nezvimwe zvinhu zvinodiwa kuti uve neutano hwakanaka. Sangano reWHO rinoti muviri wako unoda kuti udye magiramu 400 zvichikwira emichero nemiriwo zuva nezuva. Izvi hazvisanganisiri zvinhu zvinoita kuti muviri uwane simba zvakadai sembatatisi nemufarinya.

 2. Usadye mafuta akawanda.

 Sangano reWHO rinokurudzira kuti usanyanye kudya zvekudya zvakafurayiwa uye zviya zvemumagaba kana zvinotengeswa zvakabhekwa. Izvi zvinowanzova nemafuta anokanganisa utano. Pazvinenge zvichiita, bika nemafuta akagadzirwa achibva mumiriwo (unsaturated vegetable oils). c Mafuta aya ari nani pane emhuka anogwamba.

 3. Usadye munyu neshuga zvakawanda.

 Sangano reWHO rinokurudzira kuti vanhu vakuru vasadye munyu unopfuura tisipunu pazuva. Sangano iri rinokurudzirawo kuti munhu asadye matisipunu anopfuura 12 eshuga inoiswa muchikafu pazuva. d Shuga inoshandiswa chaizvo muzvinhu zvakadai sezvekudya zvemumagaba uye mumadhiringi. Semuenzaniso, paavhareji, bhodhoro redhiringi rakakura 355ml rinenge riine matisipunu anenge 10 eshuga. Kunyange zvazvo madhiringi achigona kuita kuti muviri uwane simba rakawanda, haana utano.

 Bhaibheri rinoti: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.” (Zvirevo 22:3) Ukangwarira zvaunodya uye wochinja zvaunofanira kuchinja, unenge uchiratidza Mwari kuti unokoshesa upenyu uye utano hwako.

 Nhema dzinowanzotaurwa nevanhu

 Zvavanotaura: Zvekudya hazvikuvadzi kana zvichiratidzika zvakanaka, zvichinhuwirira, uye zvichinaka pakuravira.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Zvinoda mabhiriyoni 10 emabhakitiriya kuti rita rimwe chete remvura riite kakucheneruka, asi zvinongoda mabhakitiriya anokuvadza 15 kusvika 20 kuti urware. Kuti uve nechokwadi chekuti zvekudya nezvekunwa zvako zvakachengeteka, zvibike, zvipakure, uye zvichengete kwenguva uye patembiricha yakakodzera.

 Zvavanotaura: Nhunzi hadzishatisi zvekudya.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Nhunzi dzinodya uye dzinoberekera pazvinhu zvakasviba zvakadai setsvina, saka dzinowanzotakura mamiriyoni eutachiona hunokonzera zvirwere mumakumbo adzo. Kuti udzivirire zvekudya zvagadzirwa kuti zvisaiswa utachiona nenhunzi, nyatsozvivhara zvakakwana.

 Zvavanotaura: “Ndava nenguva yakareba ndichidya zvinhu zvisina utano zvekuti hazvichabatsiri kuti ndichinje zvandinodya iye zvino.”

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Vanotsvakurudza vakaona kuti kudya zvine utano iye zvino kunoderedza mikana yekufa nekukurumidza uye unowedzera kuva neutano hwakanaka paunoramba uchidya zvine utano.

a Utachiona, tupukanana tudikidiki zvekuti hatuoneki nemaziso. Tunosanganisira mabhakitiriya, mavhairasi, uye maparasites. Tumwe tupukanana twacho tunokubatsira, asi tumwe twakaipa uye tunogona kukurwarisa kana kutokuuraya.

b Sipo nemvura zvinobvisa utachiona hwakawanda kupfuura kungoshandisa mvura chete.

c Mafuta anonzi ari unsaturated anenge akaita mvura mvura, asingagwambe.

d Shuga iyi inosanganisira shuga chena, uchi, masyrup, uye madhiringi anogadzirwa nemichero. Izvi hazvibatanidzi shuga inowanika muzvinhu zvakadai semichero chaiyo, miriwo, uye mukaka.