Enda pane zvauri kuda

23 DECEMBER 2022
MAURITIUS

Magwaro echiKristu echiGiriki Akabudiswa Mumutauro weMauritian Creole

Magwaro echiKristu echiGiriki Akabudiswa Mumutauro weMauritian Creole

Musi wa17 December 2022, Hama Louis Breine, vari muDare Rebazi rekuFrance, vakazivisa nezvekubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weMauritian Creole. a Chiziviso ichi chakapiwa papurogiramu yakanga yagara yakarekodhwa ichibva yazotepfenyurwa kuvanhu vanodarika 2 200. Bhaibheri iri rava kuwanika pafoni uye akaprindwa atovapowo.

Mutauro weMauritian Creole unonyanya kutaurwa nevanhu vanogara kuchitsuwa cheMauritius, icho chiri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwegungwa reIndian Ocean. Chitsuwa ichi chakakura 2 007 square kilometers, uye chiri nechekumabvazuva kweMadagascar. Kubva kuMadagascar kusvika kuMauritius pane makiromita 800. Zvapupu zvaibva kuSouth Africa zvakatanga kuparidza muMauritius kuma 1933. Ungano yekutanga yakaumbwa muna 1951, uye misangano yaiitwa neChirungu, mutauro unonyanya kushandiswa nehurumende yemuMauritius.

Kungori neimwe shanduro imwe chete yakazara yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weMauritian Creole. Asi zita raMwari rekuti Jehovha harimo mushanduro iyoyo. MuShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, zita rekuti Jehovha rinowanika ka237 uye inonyatsotaurawo mashoko anoshandiswa muBhaibheri zviri nyore kunzwisisa.

Vashanduri vaifanira kumbomira kuita basa ravo nemhaka yechirwere cheCOVID-19. Mumwe mushanduri akati: “Patakatangazve kuita basa redu, takariita nechido. Basa racho rakatanga kufamba nekukurumidza. Takashanda zvekuti takakwanisa kuripedza panguva yatakanga tagara takaronga chirwere cheCOVID chisati tatanga.”

Tine chokwadi chekuti shanduro iyi ichabatsira hama nehanzvadzi dzedu kuramba dzichiwana zvadzinoda pakunamata.—Isaya 65:13.

a Dare Rebazi rekuFrance ndiro rinotungamirira basa rekuparidza rinoitwa muMauritius.