Enda pane zvauri kuda

Hama dzekuPoland dzakagadzirira kubatsira hama dzavo dzekuUkraine. Vamwe vanomira pamabhodha, vamwe vachigadzira tutsapo tune zvinhu zvekushandisa

7 APRIL 2022
POLAND

Kubatsira Vamwe Panguva Yakaoma

Hama Nehanzvadzi Dzedu “Dziri Kugamuchira Vaenzi Zvakanaka”

Kubatsira Vamwe Panguva Yakaoma

Barbara Osmyk-Urban nevana vake, Jakub naNina

Hanzvadzi Barbara Osmyk-Urban, amai vanorera vana vari vega vanogara kuRzeszów, Poland, vakashandisa nguva yavanoita Kunamata Kwemhuri kwevhiki nevhiki kuti vadzidzise vana vavo, Jakub ane makore 10 naNina ane makore 8, kuti vade kugamuchira vaenzi zvakanaka uye vave netsitsi. Mhuri yacho iri kushandisa zvayakadzidza. Vakagamuchira hama nehanzvadzi dzinopfuura 20 kubva pakatanga hondo yekuUkraine musi wa24 February 2022.

Hama nehanzvadzi dzedu padziri kutiza muUkraine, umo masakadzwa nehondo, dzichienda kune dzimwe nyika, Zvapupu zvekuPoland nedzimwe nyika zviri kuvagamuchira mudzimba dzavo kana kuvabatsira nedzimwe nzira. Kusvika pari zvino, Zvapupu zvinopfuura 11 000 zvekuUkraine zvakatizira kuPoland. Varume vekuUkraine vane makore ari pakati pe18 ne60 havasi kubvumirwa kubuda munyika macho nekuda kwehondo. Asi varume vane vana vadiki vatatu kana kupfuura vari kubvumirwa havo kubuda.

Barbara akati: “Vapoteri ava vari kubva kuUkraine ihama dzedu”. Vana vake vanodawo hama nehanzvadzi dzavakagamuchira pamba pavo. Jakub naNina vakabuda mudzimba dzavo dzekurara vachiitira kuti hama nehanzvadzi idzi dzishandise. Havanzwanani pamutauro, saka vaingonyemwererana, kumbundirana uye kuchema navo. Pakazoenda vapoteri vacho, Jakub akataura kuti pamba pavo pakanga panyanya kunyarara uye akakumbira amai wake kana vaikwanisa kugamuchira dzimwe hama nehanzvadzi.

Łukasz Cholewiński naRafał Jankowski

Hama Łukasz Cholewiński nahama Rafał Jankowski vanozvipira kuendesera hama dzavo dziri kuUkraine zvekudya, mvura, mishonga nezvimwewo. Hama idzi dzinoti dzinoona mapoka akakura evakadzi nevana vanenge vachichema vakamirira kuyambuka bhodha kuti vaende kune dzimwe nyika. Łukasz anoti: “Chinoshamisa ndechekuti patinoona hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dzichifara.”

Rwendo rwekuenda nekudzoka kuUkraine runogona kuita maawa 4. Panongosvika zvinhu zvacho kuUkraine hama dzeko dzinobva dzazviendesa kuhama nehanzvadzi dziri munyika yacho yese. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinozvipira kuenda ikoko pasinei nekuti zvine ngozi. Rafał akati: “Iropafadzo yakakura chaizvo kuwana mukana wekubatsira.”

Hanzvadzi Elżbieta Ustrzycka, vanogara kuRzeszów, vanotsanangura manzwiro avakaita pavakagamuchira Zvapupu zvekuUkraine vachiti: “Pandakaona vakuru vemuungano yedu vachisvika pamba pangu pakati peusiku vaine hama idzi, vakabata vana vakarara mumaoko avo ndakawedzera kuvada uye kuvaonga. Handimbofi ndakazvikanganwa.”

Bartłomiej naEstera Figura

Hama Bartłomiej Figura ndemumwe vevakuru vari kushanda nesimba. Ivo nemudzimai wavo Estera, vanoenda kubhodha kana kuzviteshi zvechitima kuti vanotora zvimwe Zvapupu vachizviendesa kunzvimbo dzakachengeteka. Dzimwe nguva, vanotombobva pamba pavo kuti hama nehanzvadzi idzi dziwane pekugara. Pavanenge vachikwanisa vanovapawo zvekurarama nazvo.

Bartłomiej anoti “Tiri mhuri imwe chete yevanhu vaJehovha. Tiri kunzwa tiri pedyo nehama nehanzvadzi dzedu. Patinobatsira vamwe, tinoona kuti Jehovha ari kutishandisa kuti ape hama nehanzvadzi dzedu zvadzinenge dzichida panguva iyoyo.”

Kusvika pari zvino, hama dzekuPoland dzagadzira tutsapo tunenge 23 000 tune zvinhu zvakadai sezvekudya, nezvimwevo zvekushandisa.

Vechidiki vekuPoland nevabereki vavo vari kushandisa JW Language neJW Library kuti vanyore makadhi mumutauro wekuUkraine. Makadhi aya anoiswa mututsapo tune zvinhu zvekushandisa

Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achipa hama nehanzvadzi dzekuUkraine zvadzinoda achishandisa rupo ruri kuratidzwa nehama nehanzvadzi dzavo.—Zvirevo 11:24; VaRoma 12:13.