Enda pane zvauri kuda

European Court of Human Rights muStrasbourg, France

29 JUNE 2022
RUSSIA

Russia Inobuda muEuropean Court of Human Rights

Russia Inobuda muEuropean Court of Human Rights

Musi wa11 June 2022, Purezidhendi weRussia, Vladimir Putin, akasaina magwaro maviri emutemo ekuti kubva musi wa15 March 2022 Russia haichisiri pasi pemitemo yeEuropean Court of Human Rights (ECHR). Saka mitongo yese yakapiwa neECHR kubva musi wa15 March 2022 zvichienda mberi haichashandi muRussia. Mitongo iyi inosanganisira wakapiwa musi wa7 June waitaura kuti kubhanwa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha muRussia hakusi pamutemo, Russia inofanira kumira kusunga Zvapupu zvaJehovha, inofanira kusunungura Zvapupu zviri mumajeri uye inofanira kudzorera zvinhu zvese zvayakavatorera kana kuti kuvabhadhara US$63 000 000.

The Committee of Ministers of the Council of Europe ndiyo inoona kuti mitongo inenge yapiwa neECHR yatevedzerwa nenyika dziri pasi payo. Russia yanga iri muCouncil of Europe kubva muna 1996.

Musi wa15 March 2022, Russia yakaudza Council of Europe kuti yakanga isingachadi kuva mumwe wayo. Zuva rakatevera, Council yacho yakabvisa Russia zviri pamutemo. Hurumende yeRussia yakazoudzwa kuti maererano nechibvumirano chayakasaina payakapinda muCouncil of Europe, Russia inofanira kutevedzera mitemo yeECHR kusvikira musi wa16 September 2022.

Musi wa7 June 2022, Russia yakaedza kuzvibvisa muECHR isina kuita zvayakanga yanzi inofanira kuita nekugadza mitemo miviri yambotaurwa. Uyu ndiwo musi wakapiwa mutongo neECHR ichitsigira hama dzedu dziri muRussia.

Mutongo wakapiwa neECHR unogona kushandiswa mumatare enyika 46 dziri muCouncil of Europe padzinenge dzichitonga nyaya dzine chekuita neZvapupu zvaJehovha. Chinonyanya kukosha ndechekuti mutongo uyu unonyatsoratidza pachena kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kupomerwa nhema nehurumende yeRussia. Mutongo uyu uri kupa uchapupu nezvaJehovha pasi rese uye uri kureverera zita rake. Zvechokwadi, kurumbidzwa kwese kunoenda kuna Jehovha!—Pisarema 83:18.