Enda pane zvauri kuda

12 MAY 2023
SUDAN

Hondo yekuSudan Iri Kuramba Ichienderera Mberi

Hondo yekuSudan Iri Kuramba Ichienderera Mberi

Musi wa15 April 2023, mapoka maviri ane zvombo akatanga kurwisana muguta guru reKhartoum kuSudan. Vanobudisa nhau vari kuti hondo iyi yakonzera kufa kwevanhu vanopfuura 600 uye 5 000 vakakuvara.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hama nehanzvadzi dzakatiza kuKhartoum dzakaungana kuti dzikurudzirane muguta reWad Madani riri muSudan

    Hapana hama nehanzvadzi dzakakuvara kana kuti kufa

  • Vaparidzi 318 vakatiza misha yavo. Vamwe vakatizira kune dzimwe nyika

  • Vanhu vakuru 8 vakambovharirwa vachitadza kubuda kwavanoshandira uyewo vana 5 vakambovharirwa kuzvikoro kwavanodzidza. Asi iye zvino vakazobuda uye vava nemhuri dzavo

Mabasa Ekuyamura

  • Vakuru vari kunyaradza vese vakawirwa nedambudziko iri

  • MuSudan uye munyika dziri pedyo makagadzwa Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi kuti azobatsira hama nehanzvadzi

Ticharamba tichinyengeterera hama nehanzvadzi dziri munyika dziri kurwisana sezvatinomirira ramangwana pakuchange kwava ‘nerugare rwakawanda’ pasi rese.—Pisarema 72:7.