Enda pane zvauri kuda

Nzvimbo yeZvapupu zvaJehovha paZimbabwe International Trade Fair inokwezva vaenzi vakawanda

13 JUNE 2023
ZIMBABWE

Vanhu Vanobva Kwakasiyana-siyana Vanoparidzirwa Pachirongwa che2023 Zimbabwe International Trade Fair

Vanhu Vanobva Kwakasiyana-siyana Vanoparidzirwa Pachirongwa che2023 Zimbabwe International Trade Fair

Chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair (ZITF) chakaitwa muguta reBulawayo, muZimbabwe, kubva musi wa25 kusvika 29 April 2023. Chirongwa cheZITF ndechimwe chezvirongwa zvakakura zvekushambadza zvinhu muZimbabwe, uye chaiva nevashambadzi 500 vakabva munyika 22, uye vanhu vanopfuura 60 000 vakanoona zvinhu zvaishambadzwa. Zvapupu zvaJehovha zvaivawo nenzvimbo yekushambadzira muchikwata chaishambadza nezvedzidzo.

Kuti vanobva kune dzimwe nyika vabatsirwe, mabhuku anotsanangura Bhaibheri aiwanika mumitauro 10, kusanganisira mutauro wemasaini wemuZimbabwe. Vanhu vaiudzwawo nezvekosi yeBhaibheri inoitiswa neZvapupu zvaJehovha. Pachirongwa ichi, mabhuku anopfuura 12 000 akapiwa vanhu uye vanhu vanopfuura 450 vakakumbira kushanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Hanzvadzi Eucebiah Mukura, avo vaigamuchira vaenzi panzvimbo yeZvapupu vakati: “Vakawanda vakabvuma kosi yeBhaibheri isingabhadhariswi. Zvakandifadza kunzwa vanhu vakawanda vachiti vanotarisira kuzoona Zvapupu zvaJehovha zvichivashanyira.”

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene raivapowo panzvimbo yedu. Mumwe mukadzi paakanzwa mumwe munhu achiverenga Bhaibheri iri zvinonzwika mumutauro weNdebele, akanakidzwa nekujeka kwarakaita uye akabva akumbirawo rake. Mumwewo mukadzi wechidiki akaratidza hanzvadzi yedu JW Library yaakaisa mufoni make. Akataura kuti akaiisa kuti akwanise kuva neBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva mufoni make.

“Takanakidzwa chaizvo,” vakadaro Hanzvadzi Gillian Ellerman, avo vaigamuchira vaenzi. “Vanhu vairamba vachingouya panzvimbo yedu. Izvi zvakaita kuti Jehovha arumbidzwe zvikuru!”

Zvinokurudzira chaizvo kuona hama nehanzvadzi dzedu muZimbabwe dzichishandisa mikana yese kuti dzipe vamwe “ruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:4.