Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW.ORG WEBSITE

Shandisa Bhuku Rinonzi “Imbira Jehovha Uchifara”

Shandisa Bhuku Rinonzi “Imbira Jehovha Uchifara”

 Dhaunirodha bhuku renziyo

Baya pakanzi RAIBHURARI > MIMHANZI.

Baya bhatani iri kuti ukwanise kusarudza zvaunenge uchida kudhaunirodha.

Bhokisi iri rinoratidza mafaira ebhuku rinonzi “Imbira Jehovha Uchifara” aunogona kudhaunirodha.

Baya bhatani iri kuti uone mhando dzefaira raunenge uchida kudhaunirodha. Semuenzaniso baya pakanzi “PDF” kuti uone maPDF aunogona kudhaunirodha.

Baya bhatani iri kuti udhaunirodhe faira rauri kuda. Bhatani iroro rinenge richiratidza kuti faira racho rakakura zvakadini.

 Ridza kana kudhaunirodha mimhanzi

Kana paine mimhanzi yenziyo dzacho mumutauro wako, mimhanzi yacho pamwe chete nebhuku racho nenziyo zvinowanika pakanzi RAIBHURARI> MIMHANZI.

Baya bhatani iri rinenge riri pane bhuku racho kuti ukwanise kuridza kana kuti kuridhaunirodha.

Pakanzi Ridza Uye Dhaunirodha panoita kuti ukwanise kuridza nziyo kana mavhidhiyo.

  • Baya kabhatani kakaita seaka kuti uteerere nziyo dzese kubva kwekutanga.

  • Baya kabhatani kakaita seaka kuti uteerere rwiyo rwauri kuda.

  • Baya kabhatani kakaita seaka kuti uone vhidhiyo yerwiyo rwacho.

Nziyo dzacho dzinorira dzichitevedzana kusvika dzese dzapera.

Pakanzi Ridza Uye Dhaunirodha panoitawo kuti ukwanise kudhaunirodha nziyo dzacho dzese kana kuti rwiyo rumwe chete rwaunenge uchida.

  • Baya pakanzi ZIP kuti udhaunirodhe nziyo dzese. Makuriro akaita faira iri anenge achiratidzwa ipapo.

  • Baya pakanzi MP3 kuti udhaunirodhe rwiyo rwauri kuda. Makuriro akaita faira racho anenge achiratidzwa ipapo.

  • Baya kapikicha kakaita seaka kuti udhaunirodhe rwiyo rwauri kuda.

 Tsvaga, ridza, uye ona nziyo dzacho

Baya pakanzi RAIBHURARI > MIMHANZI.

Kuti uvhure bhuku rinonzi “Imbira Jehovha Uchifara,” baya bhuku racho kana kuti baya musoro webhuku racho.

Apa unowana nziyo dzaunenge uchida kuteerera kana kuona.

Baya pakanzi Ramba Uchiridza kuti uridze nziyo dzacho dzese. Mimhanzi inozotomira kurira kana yese yapera.

Baya pakanzi Ridza Zvisingatevedzani kana uchida kuti nziyo dzacho dzirire dzisingatevedzani. Mimhanzi inozotomira kurira kana yese yapera.

Shandisa mabhatani ari pasi apa kuti uite zvaunoda paunenge uchiridza mimhanzi:

  • Baya bhatani iri kuti utange kuridza nziyo kubva kwekutanga. Kana kuti ribaye parwiyo rwaunenge uchida kuridza.

  • Baya bhatani iri kuti rwiyo rwumire kurira. Baya kabhatani kari pamusoro apa zvakare kuti rwiyo rwuenderere mberi.

  • Fambisa kadenderedzwa aka uchienda kumberi kana kumashure kuti usvike pauri kuda kunzwa murwiyo rwacho.

  • Kana wabaya pakanzi Ramba uchiridza kana kuti Ridza Zvisingatevedzani, baya bhatani iri kuti udzoke parwiyo rwuri kumashure.

  • Kana wabaya pakanzi Ramba uchiridza kana kuti Ridza Zvisingatevedzani, baya bhatani iri kuti uende parwiyo rwuri kumberi.

  • Baya kabhatani aka kana uchida kuti mumhanzi umbonyarara.

Paunenge uchiridza mimhanzi, mabhatani ese ari pamusoro apa unogona kuashandisa paunenge uchidzika kana kukwidza nepeji iyi yemimhanzi. Saka unogona kumbomisa mimhanzi kana kurwuridza asi usingarasiki paunenge uri papeji yacho.

Pane nzira mbiri dzekuona mashoko emubhuku rinonzi “Imbira Jehovha Uchifara.” Unogona kuita kuti abude achidzika kana kuti achienda kurudyi.

  • Baya bhatani iri kuti nhamba yerwiyo nemusoro werwiyo rwacho zvibude zvichidzika. Aya ndomabudiro anoita nziyo paunotanga kudzivhura.

  • Baya bhatani iri kuti uridze rwiyo rwaunoda, kana kuti baya musoro werwiyo rwacho kuti uone mashoko arwo.

  • Baya bhatani iri kuti uone nhamba dzenziyo chete. Baya nhamba yerwiyo kuti uone mashoko erwiyo rwacho.

 Ona mashoko erwiyo

Kana mashoko erwiyo aripo paIndaneti, baya nhamba kana musoro werwiyo kuti uone mashoko acho.

Kuti utsvage rwiyo, shandisa kabhokisi kari padivi pebhatani iri.

  • Baya mukabhokisi aka kuti uone nhamba nemisoro yenziyo.

  • Nyora nhamba yerwiyo kana mamwe mashoko emusoro werwiyo rwacho.

  • Baya rwiyo rwaunoda kuti uone mashoko acho.

Sarudza kuti unoda kuti mashoko acho abude sei:

  • Bhatani iri rinoita kuti mashoko erwiyo abude nenzira yekuti Magwaro anenge arimo anovhurika paunoabaya. Aya ndiwo mabudiro anoita nziyo paunotanga kudzivhura. Paunenge uchiridza rwiyo, mashoko erwiyo rwacho anenge achihairaitwa achienderana nemumhanzi.

  • Bhatani iri rinoita kuti mashoko erwiyo abude sepikicha. Nzira iyi inoita kuti uone manotsi erwiyo rwacho. Kana wangobaya pikicha, unogona kuikudza kana kuiita diki, uye kana foni kana tablet yako iine touch screen, unogona kushandisa minwe yako pakuita izvi.

  • Baya bhatani iri kuti uone vhidhiyo inenge iine mashoko erwiyo rwaunenge uchiridza.