Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinopa Chegumi Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinopa Chegumi Here?

 Aiwa, Zvapupu zvaJehovha hazvipi chegumi. Basa redu rinotsigirwa nemari yezvipo inobviswa nemunhu achizvidira. Chegumi chii, uye sei Zvapupu zvaJehovha zvisingapi chegumi?

 Murayiro wokupa chegumi, waiva muMutemo wakapiwa vaIsraeri vekare. Asi Bhaibheri rinojekesa kuti Mutemo uyu, unosanganisira “murayiro wokutora zvegumi,” haushandi kuvaKristu.​—VaHebheru 7:5, 18; VaKorose 2:13, 14.

 Panzvimbo pokupa chegumi uye kufambisa ndiro yokukanda mari, Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera vaKristu vepakutanga-tanga uye zvinotsigira ushumiri hwazvo nenzira mbiri: vose vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa vasingabhadharwi uye vanopa mari dzezvipo dzavanokwanisa.

 Tinotevedzera murayiro uri muBhaibheri wakapiwa vaKristu wokuti: ’Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana kugombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.’​—2 VaKorinde 9:7.