Enda pane zvauri kuda

Kudzima Moto

Kudzima Moto

“Moto! Paita moto!” Sandra, akaona marimi emoto paimba inochengeterwa zvinhu paakanga ari kumba kwatezvara vake. Iye nemurume wake Thomas vakabva vamhanya-mhanya kuti vaudzime. Sandra paaitora fire extinguisher, Thomas akamhanya kunoona kuti chii chaiitika. Sandra akauya nefire extinguisher achibva apa Thomas kuti adzime moto wacho. Anoti: “Kudai tisina kukurumidza ingadai yakaroroma.”

Chii chakaita kuti Thomas naSandra vasavhunduka uye vakurumidze kuziva zvekuita? Pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muSelters, kuGermany, pane vanhu vanosvika 1 000 vanoshandapo uye ndipo panoshandawo Thomas naSandra. Saka vakadzidziswa kuti zvii zvavanofanira kuita kana pakaita moto.

Nzvimbo yacho yakakura maeka70 uye ine mahofisi, dzimba dzekugara, kunowachirwa, kunoprindirwa mabhuku, uye kunoitwa mabasa akasiyana-siyana. Nzvimbo idzi dziri nyore kubatira moto. Saka dhipatimendi repo rinonzi Safety and Environment rakaronga purogiramu yekudzidzisa vashandi zvavanofanira kuita kana pakaita moto. Chekutanga, boka reEmergency Response Team rinotanga ranodzidziswa nevanodzima moto vemunzvimbo yacho. Zvadaro, munhu wese anoshanda pabazi racho anogara achiita zvinotevera:

  • Kudzidzira kutiza kana pakaita moto.

  • Kupinda makirasi anenge achidzidzisa kuzvidzivirira kwavangaita pamoto.

  • Kudzidzira kudzima moto uchangotanga.

    Saka ruzivo rwavanowana runozovabatsira kana pakaita moto.

Kudzidzira Kudzima Moto Usingazviisi Panjodzi

Vanhu vanodzidziswa kudzima moto vasingazviisi panjodzi. Christin, uyo akanga apedzisira kudzidza nezvemoto ari kuchikoro, akataura nezvekudzidziswa kwaakaitwa pabazi achiti: “Ndakatora fire extinguisher, ndikaivhura, ndichibva ndaenda kune moto nekwaibva nemhepo. Kudai ndisina kudaro ndaizotsva kumeso. Ndakabva ndadzima moto wacho—ndega! Ndakadzidzawo kuti ndingadzima sei moto neboka revanhu 4 kana 5.”

Kudzidzira “kunoita kuti usanyanya kutya moto,” anodaro Daniel, uyo anoshanda pahofisi yebazi semumwe wevanodzidzisa kudzima moto. Anoti: “Panoitika moto, vanhu vanowanzoshaya pekubata. Vanotanga kufunga kuti ‘Toita sei? Fire extinguisher toishandisa sei?’ Asi kana vachiziva zvekuita, vanogona kudzima moto usati wakura.” Patinovadzidzisa, “vanodzidzira kuti fire extinguisher inoshandiswa sei pakudzima moto. Izvi zvinoita kuti vave neushingi kana pakazoita moto nekuti vanenge vava kuziva zvekuita,” anodaro Daniel.

Kudzidzisa Uku Kunobatsira

Vakawanda vanotenda chaizvo kudzidziswa kwavanoitwa. Christin, ambotaurwa nezvake anoti: “Ndipo pandakatotangawo kubata fire extinguisher muupenyu hwangu. Ndinofunga kuti munhu wese anofanira kudzidziswa izvi.” Nadja, anoshanda panhandare yendege asi ane mazuva aanouya achizoshanda pahofisi iyi yebazi uye anoti: “Mumakore 10 apfuura, ndakadzidza kuti ndinofanira kuita sei kana pakaita moto asi zvaingova zvepabepa. Asi kuno kuhofisi yebazi, tinodzidzira nemoto chaiwo. Izvi zvinondibatsira kuti kana pakaita moto ndava kuziva zvekuita.”

Sandra anoti kudzidziswa kwaakaitwa pahofisi yebazi ndiko kwakamubatsira pavakadzima moto kumba kwatezvara vake. Anoti, “Handichatyi kushandisa fire extinguisher. Zvakakosha kudzidzira gore rega rega. Zvakandibatsira chaizvo.”

Kudzidziswa Nevanodzima Moto

Dhipatimendi rinodzima moto remunzvimbo yacho rinogara richiuya pahofisi yebazi kuzodzidzira. Mukuru wavo, anonzi Theo Neckermann anotaura chikonzero chinoita kuti vauye. Anoti: “Ndisu tinoona nezveSelters. Tinowanzodzima moto mudzimba uye mumafurati. Chatinouyira kuno kuhofisi yebazi ndechekuti nzvimbo yacho yakakura, ine zvivako zvakakura, uye panoitwa mabasa akati wandei. Izvi zvinoita kuti tiwedzere unyanzvi hwedu kana panzvimbo ino pakazoita moto. Saka tinofara chaizvo kuuya kuzoshanda pano uye tinokutendai nekutibvumira kushandisa nzvimbo ino.”

Vanhu vanopfuura 100 vari muEmergency Response Team vanodzidzira zvavanofanira kuita kana pakaita moto pamwe chete nedhipatimendi rinodzima moto remunzvimbo iyoyo. VaNeckermann vanoti: “Tinoyemura chaizvo zvinoitwa neEmergency Response Team yenyu. Pasina rubatsiro rwavo, zvaizotiomera kunyatsoita basa redu patinodzidzira.”

Kuratidza vanhu zvinoitika kana ukaedza kushandisa mvura kudzima oiri iri kubvira

Mamwe manheru emuna February 2014, veDhipatimendi remoto uye veEmergency Response Team vakaratidza unyanzvi hwavo. Pane imwe imba yepabazi yakazara chiutsi. “Utsi hwacho hwakanga hwakanyanya zvekuti waitadza kuona chinhu chiri mberi kwako,” anodaro Daniel, uyo ambotaurwa nezvake. “Takabva tangofonera vanodzima moto tikabva tatanga kubudisa vanhu mudzimba dzese 88. Pakazosvika vanodzima moto vanhu vese vakanga vatobuda panze.” VaNeckermann vanoti: “Dai moto uyu wanga waitikira muguta reFrankfurt handifungi kuti taizokurumidza kubudisa vanhu sekukurumidza kwamaita. Makanyatsorongeka, uye timu yenyu yeEmergency Response yakagona basa!” Vanodzima moto vakaona chakanga chakonzera utsi vachibva vazvigadzirisa. Hapana akakuvara uye hapana zvakakuvadzika zvakanyanya.

Vari pahofisi yebazi remuSelters vanongoshuvira kuti dai pakasamboita moto wakakura. Asi kana ukaitika, hapana chekunyanya kutya nekuti vanhu vakagadzirira.