Enda pane zvauri kuda

Kuva neImba yeUmambo Munharaunda Yenyu Kwakanakirei?

Kuva neImba yeUmambo Munharaunda Yenyu Kwakanakirei?

Zvapupu zvaJehovha zvava nemakore anopfuura 100 zvichivaka dzimba dzekuti vanamatire. Nzvimbo iyi yekunamatira inonzi Imba yeUmambo iri kuvakwawo here kwaunogara? Kuva neImba yeUmambo munharaunda yenyu kwakanakirei?

Flowery Branch, Georgia, U.S.A.

“Chipo Chakanaka Kuvanhu Vemunharaunda”

Dzimba dzeUmambo dzinovakwa zvakanaka kuti dzive dzinoyevedza munharaunda. Jason uyo anobatsira pakuronga kuvaka Dzimba dzeUmambo muUnited States anoti, “Chinangwa chedu ndechekuti Imba yeUmambo imwe neimwe ivewo pakati pezvivako zvakanaka uye zvinoremekedzwa munharaunda.” Chimwe Chapupu chinoshanda neboka rinodhirowa mapurani chinoti, “Tinoda kuti Imba yeUmambo painopera ive chipo chakanaka kuvanhu vemunharaunda.”

Dzimba dzeUmambo dzinovakwa neZvapupu zvaJehovha zvinopa nguva yazvo uye zvinoshandisa unyanzvi hwazvo kuti pabude zvivako zvemhando yepamusoro. Vanhu vanowanzoyemura basa ravanoita. Semuenzaniso, pabasa rekuvakwa richangobva kuitwa muRichmond, Texas, kuU.S.A., mumwe inisipekita weko akati denga reImba yeUmambo yacho rakanga riri pakati peakanakisisa acho. Kuchitsuwa cheJamaica, mumwe inisipekita akaenda kunoona Imba yeUmambo nevamwe vakanga vachidzidzira kuzova mainisipekita ndokubva avaudza kuti: “Vanhu ava musazombovatyira. Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsotevedzera mapurani uye vanotoita basa rakanaka kupfuura zvinotarisirwa nemutemo.” Mumwe inisipekita wemuFlorida, kuU.S.A., akati, “Ndakaenda muzvipatara uye zvivako zvikuru zvehurumende, asi handisati ndamboona vanhu vakarongeka semi. Munoita basa rakanaka.”

Concession, Zimbabwe

Imba yeUmambo Inobatsira Vanhu Vemunharaunda

Misangano inoitwa paImba yeUmambo inobatsira vaya vanoipinda. Vanhu vanobatsirwa kuva vanababa, vanaamai uye vana vari nani. Rod, uyo anoshanda neboka rinodhirowa mapurani anoti: “Imba yeUmambo imwe neimwe inoshanda senzvimbo yekudzidzisa vanhu kuti vave netsika dzakanaka uye izvozvo zvinobatsira nharaunda.” Anotiwo, “Ndiko kwaunogona kunobatsirwa paunenge uine matambudziko. Unogamuchirwa zvakanaka nevanhu vane ushamwari, unonyaradzwa uye unobatsirwa kuziva zvakawanda nezvaMwari.”

Vanhu vanonamatira paImba yeUmambo vanoda vavakidzani vavo uye vanokurumidza kubatsira kana pakaitika njodzi. Semuenzaniso, pakaitika Hurricane Matthew muna 2016 kuBahamas, Zvapupu zvaJehovha zvakagadziridza dzimba 254. Mune imwe nharaunda, imba yevamwe ambuya vane makore 80 vanonzi Violet yakanga yakazara mvura vachibva vataura neZvapupu zvaibatsira vanhu. Mbuya ava vakakumbira kubatsirwa vachibva vati vaizobhadhara. Zvapupu izvi zvakaramba kubhadharwa asi vakagadziridza denga remba yacho kuti mvura isapinda uye kugadziridza makanga maparadzwa nemvura. Pavakapedza, mbuya ava vakavambundira vese vachivatenda vachiti, “Chokwadi muri vanhu vaMwari!”

Bad Oeynhausen, North Rhine-Westphalia, Germany

‘Tinofara Kuti Tine Imba yeUmambo Munharaunda Yedu’

Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vanhu vanoungana paImba yeUmambo kuti vagone kuigadzirisa kuitira kuti irambe yakanaka. Izvi zvinoita kuti vanoona varumbidze. Semuenzaniso, mune imwe nharaunda iri muArizona, mumwe mukadzi akakokwa kumusangano achibva auya kuImba yeUmambo. Akarumbidza kuchengetedzwa kwayaiitwa uye akashamiswa kunzwa kuti patori neurongwa hwekuigadziridza kuti itowedzera kunaka. Mukadzi uyu aishandira pepanhau remutaundi racho uye pepanhau racho rakazobudisa nyaya yaitaura nezveImba yeUmambo. Nyaya yacho yakapedzisa nekuti, “Tinofara kuti . . . tine Imba yeUmambo munharaunda yedu.”

Dzimba dzeUmambo dzinowanika munzvimbo dzakawanda pasi rese. Tinokukoka kuti uzomboonawo zvayakaita uye zvinoitwapo. Uchagamuchirwa nemaoko maviri.