Enda pane zvauri kuda

Panoitika Njodzi, Rudo Rwunotiita Kuti Tibatsire Vamwe

Panoitika Njodzi, Rudo Rwunotiita Kuti Tibatsire Vamwe

Panoitika njodzi, Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira vanhu vavanonamata navo nevamwewo vanenge vachida kubatsirwa. Rudo ndirwo runoita kuti vaite zvese izvi. VaKristu vechokwadi vanozivikanwa nerudo.​—Johani 13:35.

Zviri kutaurwa pasi apa ndezvimwe zvatakaita kubva muna 2011 kusvika muna 2012. Takabatsirawo vanhu pane zvekunamata uye pakushungurudzika kwavakanga vachiita kunyange zvazvo tisina kuzvinyora pasi apa. Basa rakawanda rekubatsira rakaitwa neMakomiti Ekubatsira Vanenge Vawirwa Nenjodzi ayo akarongwa nemahofisi edu emapazi. Ungano dzemunzvimbo dzacho dzaibatsirawo.

Japan

Japan: Musi wa11 March 2011, pane kudengenyeka kwenyika kwakaitika uye kwakabva kwazoitikawo tsunami. Izvi zvakakanganisa vanhu vakawanda vaigara kuchamhembe kweJapan. Zvapupu zvaJehovha zviri pasi rese zvakabatsira nenzira dzakasiyana siyana. Vamwe vavo vakapa mari, vamwe vane mabasa avanogona vakaendawo kunobatsira, vamwewo vakapa zvinhu zvavo. Ona vhidhiyo yatakabudisa inotaura nezvezvakaitwa pakubatsira vanhu pakaitika kudengenyeka kwenyika muJapan.

Brazil: Mafashamo uye kuondomoka kwevhu, zvakauraya mazana evanhu. Zvapupu zvaJehovha zvakabva zvabatsira vanhu vakanga vawirwa nenjodzi nematani 42 echikafu chisingakurumidzi kuora, twugubhu twemvura 20 000, matani 10 ehembe, uye matani 5 ezvinhu zvinoshandiswa pakuchenesa, uye mishonga nezvimwewo.

Congo (Brazzaville): Nzvimbo yaichengeterwa zvombo payakaputika, dzimba 4 dzeZvapupu zvaJehovha dzakaparara uye dzimwe dzimba 28 dzezvimwe Zvapupu dzaitoda kugadziridzwa. Vakanga wawirwa nenjodzi vakapiwa zvekudya uye zvekupfeka, uye Zvapupu zvemunzvimbo iyoyo zvakatanga kugara nemhuri dzakanga dzaparadzirwa dzimba.

Congo (Kinshasa): Vakanga vabatwa nechirwere checholera vakapiwa mishonga. Vakanga vaparadzirwa zvinhu nemafashamo vakapiwa zvekupfeka. Vanhu vakanga vari mumusasa vakarapwa, vakapiwa mbeu yekudyara, uye matani ehembe.

Venezuela: Mvura yakawanda yakakonzera mafashamo uye kuondomoka kwevhu kubva mumakomo. Makomiti anobatsira vanenge vawirwa nenjodzi akabatsira Zvapupu 288. Dzimba dzinopfuura 50 dzakavakwa. Makomiti aya ari kubatsirawo vanhu vane dzimba dzinogona kungoparadzwa nemhaka yekuwedzera kuri kuita mvura yemuLake Valencia.

Philippines

Philippines: Madutu akaita kuti kune rimwe divi renyika iyi kuitike mafashamo. Bazi rakatumira zvekudya nezvekupfeka uye Zvapupu zveikoko zvakabatsira pakuchenesa nzvimbo iyi, mvura yemafashamo payainge yadzikira.

Canada: Rimwe sango guru reAlberta rakabata moto uye ungano inonzi Slave Lake yakapiwa mari neZvapupu zvinogara munharaunda dziri pedyo kuti ichenese nzvimbo yacho. Mari yavakapiwa yainge yakawandisa, saka vakatozopa inopfuura hafu yemari iyoyo sechipo kune dzimwe nyika, kuti izobatsira vanhu vanenge vawirwawo nenjodzi.

Côte d’Ivoire: Hondo isati yatanga, payaiitika, uye payakazopera, vanhu vaipiwa pekugara, vairapwa, uye vaipiwa zvimwe zvinhu.

Fiji: Makaitika mafashamo akakanganisa mhuri 192 dzeZvapupu. Dzakawanda dzacho dzakasara dzisisina minda, iyo yaidziwanisa zvekudya uye mari. Mhuri idzi dzakapiwa zvekudya.

Ghana: Vanhu vakawirwa nemafashamo nechekumabvazuva kwenyika iyi vakapiwa zvekudya, mbeu uye vakavakirwa dzimba.

United States: Madutu akaitika munzvimbo nhatu zvekuti dzimba dzeZvapupu 12 dzakaparadzwa uye 66 dzaitofanira kugadziridzwa. Kunyange zvazvo varidzi vedzimba idzi vakawanda vakanga vaine mainsurance, pane mari yainge yakatounganidzwa yekubatsira pakugadzirisa zvakanga zvaparadzwa.

Argentina: Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzakabatsira vakanga vari kumaodzanyemba kwenyika yacho vakanga vaparadzirwa dzimba dzavo pakaputika gomo.

Mozambique: Mvura haina kunaya saka kwakava nenzara, chikafu chikaendeswa kuvanhu vanopfuura 1 000.

Nigeria: Zvapupu 24 zvakanga zvakuvara mutsaona yebhazi yakaipisisa zvakabatsirwa nemari. Vanhu vaigara kuchamhembe kwenyika iyi avo vakanga vaparadzirwa misha nemhaka yemagakava echitendero vakabatsirwawo.

Benin: Vakanga vawirwa nemafashamo vakapiwa mishonga yekurapa, hembe, mamosquito net, mvura yekunwa, uye pekugara.

Dominican Republic

Dominican Republic: Pashure peHurricane Irene, ungano dzemunzvimbo yacho dzakagadziridza dzimba uye dzakapa vakanga vawirwa nenjodzi zvavaida.

Ethiopia: Vanhu vaiva munharaunda mbiri dzaiva nenzara uye mune imwe nharaunda yakaitika mafashamo vakabatsirwa.

Kenya: Vanhu vaigara munzvimbo dzakanga dziine nzara vakabatsirwa.

Malawi: Vanhu vaigara mumusasa wevapoteri weDzaleka vakayamurwa.

Nepal: Kuondomoka kwevhu kubva mumakomo kwakaparadza imba yemumwe weZvapupu zvaJehovha. Saka akapiwa pekuti ambofanogara, uye ungano yake yakamubatsirawo.

Papua New Guinea: Vanhu vakapisa dzimba 8 dzeZvapupu. Pakarongwa kuti dzimba dzacho dzivakwe patsva.

Romania: Dzimba dzezvimwe Zvapupu dzakaparadzwa nemafashamo. Zvapupu zvakabatsira kuti dzimba dzacho dzivakwezve.

Mali: Zvapupu zvemunyika yeSenegal, iyo yakavakidzana neMali, zvakapa mari kuvanhu vakanga vasina zvekudya zvakakwana zvichikonzerwa nekuti havana kuwana goho rakanaka nekuda kwekusanaya kwemvura.

Sierra Leone: Vamwe vanachiremba vaibva kuFrance vakanobatsira Zvapupu zvaJehovha zvaigara munzvimbo dzakanga dzasakadzwa nehondo. Vanachiremba ava Zvapupu zvaJehovha.

Thailand: Mumapurovhinzi akati kuti, mafashamo akaparadza zvinhu zvakawanda. Zvapupu zvakachenesa dzimba dzevanhu 100 uye Dzimba dzeUmambo 6.

Czech Republic: Pashure pekunge mafashamo aparadza dzimba dzakati kuti muCzech Republic, Zvapupu zvemuSlovakia zvakabatsira vakanga vawirwa nenjodzi iyi.

Sri Lanka: Basa rakawanda rekuyamura vanhu vakanga vawirwa netsunami rakapera.

Sudan: Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvabvisa mumisha yazvo nekuda kwehondo yakanga ichiitika munyika yacho, zvakapiwa zvekudya, hembe, bhutsu nemaplastic sheets.

Tanzania: Pakaitika mafashamo, pane mhuri 14 dzakarasikirwa nezvese zvadzaiva nazvo. Ungano dzepedyo nenzvimbo iyi dzakabatsira nehembe uye midziyo yemumba. Imba imwe chete yakavakwa patsva.

Zimbabwe: Kusanaya kwemvura kwakaita kuti imwe nharaunda yemuZimbabwe ive nenzara. Vanhu vakawirwa nedambudziko iri vakapihwa mari uye zvekudya.

Burundi: Vapoteri vari kubatsirwa, uyewo vamwe vavo vanenge vachirwara vari kurapwa.