Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndaiva Nemibvunzo Yakawanda Kupfuura Mhinduro”

“Ndaiva Nemibvunzo Yakawanda Kupfuura Mhinduro”
  • Gore Rekuberekwa: 1976

  • Nyika: Honduras

  • Nhoroondo yeupenyu: Mufundisi wechechi

MARARAMIRO ANDAIITA

 Ndakaberekerwa muguta rinonzi La Ceiba, kuHonduras, ndiri gotwe uye mukomana ega pavana vashanu. Ndini ndega ndaiva matsi mumhuri medu. Mhuri yedu yaigara munharaunda yakazara matsotsi uye taiva varombo chaizvo. Zvinhu zvakawedzera kutiomera pakafa baba mutsaona kubasa pandaiva nemakore anenge 4.

 Amai vangu vakaita zvese zvavaigona kurera ini nehanzvadzi dzangu, asi kaiva kashoma kuti vawane mari inokwana kunditengera hembe. Pakwainaya, ndaitonhorwa nekuti ndakanga ndisina hembe dzinodziya.

 Sezvandaikura, ndakadzidzira Mutauro Wemasaini wekuHonduras (LESHO), izvo zvakaita kuti ndigone kutaura nedzimwe matsi. Asi amai vangu nehanzvadzi dzangu vaisaziva masaini, uye vaingogona kusaina zvishoma nekuita mamwe masaini ekuzvifungira kuti vataure neni. Zvisinei, amai vangu vaindida uye vaindidzivirira panjodzi. Vachishandisa masaini mashoma avaiziva, vakandiyambira kuti ndisaita zvinhu zvakaipa zvakadai sekusvuta uye kudhakwa. Ndinotenda kuti izvi zvakaita kuti ndikure ndisingashandisi zvinodhaka.

 Pandaiva mudiki, amai vangu vaienda neni kuchechi yeRoma, asi hapana zvandainzwisisa nekuti hapana aiturikira mumutauro wemasaini. Zvaifinha zvekuti ndakarega kuenda kuchechi kwacho pandakasvitsa makore 10. Asi ndakanga ndichiri kuda kuziva zvakawanda nezvaMwari.

 Muna 1999, ndava nemakore 23, ndakasangana nemumwe mukadzi aibva kuUnited States aipinda chechi yainzi Inter-community Church of God. Akandiitisa zvidzidzo zveBhaibheri ndokubva andidzidzisa Mutauro Wemasaini wekuAmerica (ASL). Ndakafarira zvandaidzidza nezveBhaibheri zvakanyanya zvekuti ndakafunga zvekuita mufundisi. Saka, ndakaenda kuPuerto Rico kunodzidza pachikoro chechiKristu chinodzidzisa matsi. Pandakadzoka kuLa Ceiba muna 2002, ndakatanga chechi yematsi ndichibatsirwa neshamwari dzangu. Mumwe wacho ainzi Patricia, uye akazova mudzimai wangu.

 Semufundisi wechechi, ndaipa mharidzo nemasaini, ndichiratidza mifananidzo yenyaya dzemuBhaibheri, uye kuita mitambo yenyaya dzacho kuitira kuti matsi dzinzwisise. Ndakashanyirawo matsi mumataundi aiva pedyo ndichivakurudzira uye kuvabatsira pamatambudziko avo. Ndakatoitawo rwendo rweumishinari kuUnited States nekuZambia. Asi kutaura chokwadi, ndaisaziva zvakawanda nezveBhaibheri. Ndaingovaudza zvandainge ndaudzwawo uye zvandainzwisisa pamifananidzo yacho. Kutaura chokwadi, ndaiva nemibvunzo yakawanda kupfuura mhinduro.

 Rimwe zuva, dzimwe nhengo dzechechi yangu dzakatanga kuparadzira nhema pamusoro pangu. Vakati ndaiva chidhakwa uye ndainge ndisina kuvimbika kumudzimai wangu. Ndakatsamwa zvekuti. Pasina nguva izvi zvaitika ini naPatricia takabuda muchechi yacho.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Ini naPatricia takamboshanyirwa neZvapupu zvaJehovha kakawanda, asi taivadzinga. Asi patakasiya chechi yedu, Patricia akabvuma kudzidza Bhaibheri naThomas naLiccy avo vaiva Zvapupu zvaJehovha. Zvakandibata-bata kuti kunyange vaisava matsi, vaiziva mutauro wemasaini. Saka pasina nguva ndakatangawo kudzidza paidzidza Patricia.

 Takadzidza kwemwedzi inoverengeka tichishandisa mavhidhiyo mumutauro wemasaini wekuAmerica. Asi dzimwe shamwari dzedu padzakapomera Zvapupu zvaJehovha kuti kangori kachechi kemhanga-mhanga, takabva tamira kudzidza Bhaibheri. Kunyange zvazvo Thomas akandipa uchapupu hunoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha isangano rechokwadi, handina kumbozvibvuma.

 Kwapera mwedzi inoverengeka, Patricia paakabatwa nechirwere chedepression, akanyengetera kuna Mwari kuti Zvapupu zvaJehovha zvimushanyire zvekare. Pasina nguva, muvakidzani wedu uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanyira Patricia uye akati aigona kuudza Liccy kuti amushanyire. Liccy akaratidza kuti aiva shamwari yechokwadi. Aiuya kuzoona Patricia vhiki nevhiki kuti amukurudzire uye adzidze naye Bhaibheri. Asi, ini pane zvinhu zvandakanga ndichiine mubvunzo nazvo pamusoro peZvapupu.

 Muna 2012, Zvapupu zvaJehovha zvakaita mushandirapamwe wekuratidza vhidhiyo mumutauro wemasaini wekuHonduras inonzi Ungada Kuziva Chokwadi Here? Liccy akatiunzira vhidhiyo yacho. Pandakaiona ndakashamiswa kuti dzidziso zhinji dzandaimbodzidzisa, dzakadai sekupiswa kugehena, uye kusafa kwemweya hadzimo muBhaibheri.

 Vhiki rakatevera, ndakaenda kuImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha kunotaura naThomas. Ndakamuudza kuti ndaida kudzidzisa matsi chokwadi chiri muBhaibheri, asi kwete semumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndaiva nepfungwa yekutanga chechi yangu itsva yematsi. Thomas akanditenda nekushingaira kwandakanga ndava kuita asi akabva andiratidza VaEfeso 4:5 inotaura kuti ungano yechiKristu yechokwadi inofanira kubatana.

 Thomas akandipawo vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Faith in Action Part 1: Out of Darkness mumutauro wemasaini wekuAmerica. Vhidhiyo yacho yairatidza kunyatsoongorora Bhaibheri kwakaitwa nerimwe boka revarume kuti vanzwisise kuti chokwadi chaicho ndechipi pamusoro pedzidziso dzemuBhaibheri. Pandaiona vhidhiyo iyi ndakanyatsonzwisisa manzwiro aiita varume ava. Kungofanana navo, ndaitsvagawo chokwadi. Vhidhiyo iyi yakaita kuti ndibvume kuti Zvapupu zvinodzidzisa chokwadi nekuti zvavanotenda zvinobva muBhaibheri chete. Saka ndakatangazve kudzidza Bhaibheri, uye muna 2014 ini naPatricia takabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Ndinofarira ungano yeZvapupu zvaJehovha nekuti yakachena, sezvakangoita Mwari akachena. Vanamati vacho vanotaura zvinhu zvakachena uye vakachena pamabatiro avanoita vamwe. Vanogarisana zvakanaka uye vanokurudzirana. Zvapupu vanhu vakabatana uye vese vanodzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri pasinei nenyika yavanogara kana mutauro wavanotaura.

 Ndinonakidzwa nekudzidza zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri. Semuenzaniso, ndakadzidza kuti Jehovha ndiye Mwari Wemasimbaose, Changamire wenyika yese. Anoda vanhu vese, matsi nevanonzwa. Ndinokoshesa zvakanyanya kudiwa uku kwandinoitwa naMwari. Ndakadzidzawo kuti nyika ichava paradhiso yakanaka uye kuti tine mukana wekuva neupenyu husingaperi neutano hwakakwana. Ndiri kutarisira nemwoyo wese kuti izvi zviitike!

 Ini naPatricia tinofarira kuudza dzimwe matsi nezveBhaibheri. Tava kudzidza Bhaibheri nevamwe vaimbova muchechi yedu. Asi handisisina mibvunzo pamusoro pezvandinodzidzisa, sezvandaiita pandaiva mufundisi. Mhinduro dzemibvunzo yandaiva nayo ndakazodziwana nekudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.